2010–2019
Kuvonga muMamiriro Ezvinhu Api Zvawo
Kubvumbi 2014


Kuvonga muMamiriro Ezvinhu Api Zvawo

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Hatina here chikonzero chekuzadzwa neruvongo, zvisinei nemamiriro ezvinhu atinozviwana tiri maari?

Muupenyu hwangu, ndakave nemukana unoyera wekusangana nevanhu vazhinji avo rusuwo rwavo rwunoratidzika kunge rwunosvika pakadzika chaizvo pemweya yavo. Munguva idzi, ndakateerera kumabhuratha nemasisita angu anodiwa uye ndakarwadziwa zvikuru pamwepo navo pamusoro pemitoro yavo. Ndakafungisisa pamusoro peizvo zvekutaura kwavari, uye ndakanetseka kuti ndizive manyaradziro uye matsigiriro ekuvaita mumiedzo yavo.

Kazhinji marwadzo avo makuru anokonzerwa nezvinoratidzika kwavari semagumo. Vamwe vari kutarisana nekuguma kwehukama hwavanoda, sezvakaita kufa kwemudikani kana kuparadzana nenhengo yemhuri. Vamwe vanonzwa kuti vakatarisana nekuguma kwetariro—tariro yekuchata kana kuita vana kana kukunda hurwere. Vamwe vanogona kunge vakatarisana nekuguma kwerutendo rwavo, apo manzwi anovhiringidza uye anopikisana ari munyika paanovaedza kuti vave nekupokana, kunyangwe kusiya, izvo zvavaimboziva kuti ichokwadi.

Pane imwe nguva inouya, ndinodavira kuti tese tinosangana nenguva apo zvinhu zvese muupenyu hwedu pazvinoratidzika sezvisiri kutifambira zvakanaka, zvichitisiya tichinzwa tiritega, tichishungurudzika, uye tisina simba pamusoro pazvo.

Zvinokwanisa kuitika kuna ani nani zvake. Hapana anodzivirirwa kubva pakusangana nazvo.

Tinokwanisa Kuvonga

Mamiriro ezvinhu emunhu wese akasiyana, uye zvinoitika muhupenyu hwemumwe nemumwe zvakasiyana. Asi zvakadaro, ndakadzidza kuti pane chimwe chinhu chingabvise shungu dzinogona kuuya muhupenyu hwedu. Pane chinhu chimwechete chatinokwanisa kuita kuti hupenyu hunyanye kunaka, hunyanye kufadza, uye kunyangwe kubwinya.

Tinokwanisa kuvonga!

Zvinogona kuita sezvinopikisana nehungwaru hwemunyika kupa pfungwa yekuti uyo akaremerwa nerusuwo anofanira kupa kutenda kuna Mwari. Asi avo vanoisa parutivi shungu dzavo uye vosarudza kuisa panzvimbo yacho manzwiro eruvongo vanokwanisa kuwana kupora, runyararo, uye nzwisiso.

Sevadzidzi vaKristu, tinorairwa kuti “titende Ishe Mwari [wedu] muzvinhu zvose,”1 kuti “tiimbire Jehova tichitenda,”2 uye kuti “mwoyo [yedu] izare nekutenda kuna Mwari.”3

Sei Mwari vachitiraira kuti tivonge?

Mirairo Yavo yese inopihwa kuti tiwane makomborero. Mirairo mikana yekuti tishandise kuzvisarudzira kwedu uye yekugamuchira maropafadzo. Baba vedu Vokudenga vane rudo vanoziva kuti kusarudza kukudziridza mweya weruvongo kunozotiunzira mufaro wechokwadi nerudekaro rukuru.

Kuva noRuvongo nekuda kweZvinhu

Asi vamwe vangangoti, “Chii chandiinacho chekuvongera apo pandirikutarisana nekuomerwa kukurusa kudai muupenyu hwangu?”

Zvichida kunangisa pfungwa pane zvatinovonga nekuda kwazvo inzira isiriyo. Zvakaoma kukudziridza mweya weruvongo kana kutenda kwedu kwakaenzana chete nenhamba yemaropafadzo atinokwanisa kuverenga. Chokwadi, zvakakosha kugara “tichiverenga maropafadzo edu”—uye ani nani zvake akaedza izvi anoziva kuti kune akawanda—asi handifungi kuti Ishe vanotarisira kuti titende zvishoma munguva dzekuyedzwa kupfuura munguva dzekugarika nekurerukirwa. Pachokwadi, mazhinji emajerero emagwaro matsvene haataure nezveruvongo nekuda kwezvinhu asi panokudaro anokurudzira mweya kana mafungiro enguva dzose eruvongo.

Zviri nyore kuvonga nekuda kwezvinhu kana upenyu hwedu huchiratidzika sehuri kufamba zvakanaka. Asi ko panguva idzo dzatisingakwanise kuwana zvinhu zvatinoda?

Ndingapa here pfungwa yekuti tione ruvongo semaitiro emazuva ose, senzira yeupenyu isingashandurwe nemamiriro ezvinhu edu panguva iyoyo. Nemamwe mashoko, ndiri kupa pfungwa yekuti pachinzvimbo chekutenda nekuda kwezvinhu, tinangise pfungwa pakutenda mumamiriro ezvinhu edu— zvipi zvazvo zvaange ari.

Pane nyaya yekare yahweta uyo akabvunza mutengi kana akanga anakirwa nekudya kwaiva atenga. Mutengi akapindura kuti zvese zvainge zvakanaka, asi zvaizove nani dai vanga vamupa chingwa chakawanda. Zuva rakatevera, apo murume wacho paakadzoka, hweta wacho akawedzera zvakapetwa kaviri uwandu hwechingwa, achimupa zvimedu zvina panzvimbo pezviviri, asi zvakadaro murume wacho haana kufara. Zuva rakatevera, hweta wacho akawedzera chingwa kaviri zvakare, asi hazvina kufadza murume iyeye.

Pazuva rechina, hweta aive akatsunga chaizvo kuti aite kuti murume uyu afare. Nokudaro akatora rofu rechingwa rakareba mamita matatu, akaricheka nepakati, uye achinyemwerera, akapa mutengi uya. Hweta akamiririra nechido achida kuona kuti murume wacho achatii.

Mushure mekudya, murume uya akasimudza musoro ndokuti, “Zvakanaka semazuva ese. Asi ndaona kuti wadzokera zvakare pakupa zvimedu zviviri chete zvechingwa.”

Kuvonga Mumamiriro Edu Ezvinhu

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, sarudzo ndeyedu. Tinokwanisa kusarudza kuderedza ruvungo rwedu, zvichibva pamaropafadzo atinonzwa tichishaya. Kana kuti tinokwanisa kusarudza kuva saNifai, uyo mwoyo wake wakagara uine kutenda zvisinei nemamiriro ezvinhu aaiva ari. Madzikoma vake pavakamusunga mungarava—iyo yaakange avaka kuti ivaendese kunyika yechipikirwa—makumbo ake nemaoko zvakange zvorwadza zvikuru “zvaive zvazvimba zvakanyanya,” uye dutu rine simba rakatyisidzira kumunyudza muhudzamu hwegungwa. “Zvisinei,” Nifai akati, “Ndakatarisa kuna Mwari vangu, ndakavarumbidza zuva rose; uye handina kutsutsumwa kuna Ishe nokuda kwematambudziko angu.”4

Tinokwanisa kusarudza kuita saJobo, airatidzika kuva nezvinhu zvese asi akazorasikirwa nazvo zvese. Asi Jobo akapindura achiti, “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri mushwi …. : Jehova wakapa, Jehova wakatora; zita raJehova ngarikudzwe.”5

Tinokwanisa kusarudza kuva sevavaruri vechiMormoni, avo vakaramba vaine mweya weruvongo panguva yerwendo rwavo rwakafambwa zvishoma nezvishoma uye rwairwadza vakananga kuGreat Salt Lake, vachiimba nekutamba uye vachifara murunako rwaMwari.6 Vazhinji vedu tingadai takada kurega, takada kunyunyuta, uye nekurwadzwa pamusoro pekuoma kwerwendo rwacho.

Tinokwanisa kusarudza kuva seMuporofita Joseph Smith, uyo, apo paaive musungwa mumamiriro anosuwisa muJeri reLiberty, akanyora mazwi akafemerwa aya: “Vadiwa hama dzinodiwa, ngatiitei tichifara zvinhu zvose zviri musimba redu; uye zvino tomira tisingazungunuke, tiine chivimbo chikurusa, kuti tione ruponeso rwaMwari, uye ruoko rwavo rugoratidzwa.”7

Tinokwanisa kusarudza kuva tinovonga, kunyangwe zvodii.

Rudzi urwu rweruvongo runokwanisa kuvapo zvisinei nezvipi zvazvo zviri kuitika pakatikomberedza. Rukurusa kupfuura zvigumbu, kuodzwa mwoyo, uye kushushikana. Runotumbuka zvakangonakisisawo mumamiriro ezvinhu akaoma sezvarunoita mumamiriro ezvinhu akanaka.

Apo patinovonga kuna Mwari mumamiriro edu ezvinhu, tinokwanisa kuwana runyararo rwakanyorovera mukati medambudziko. Mumarwadzo makuru, tinokwanisa zvakadaro kusimudza mwoyo yedu murumbidzo. Mumarwadzo, tinokwanisa kufara nokuda kweRudzikinuro rwaKristu. Apo patinonzwa rusuwo runoshungurudza, tinokwanisa kunzwa nyaradzo nerunyararo rweshanduro yehumwari.

Dzimwe nguva tinofunga kuti kuvonga ndezvatinoita mushure mekunge matambudziko edu agadziriswa, asi aya maonero ezvinhu ane nzwisiso shoma yezviri mberi. Zvingani zveupenyu zvatinotadza kuona nekuda kwekumirira kuona muraraungu kuti tizotenda Mwari kuti kune mvura?

Kuvonga munguva dzekutambudzika hazvirevi kuti tinofadzwa nemamiriro edu ezvinhu. Zvinoreva kuti kuburikidza nemaziso orutendo tinoona zviri mberi kudarika zvinetso zvedu zvemazuva ano.

Urwu harusi ruvongo rwekutaura nemiromo asi ruvongo rwunonzwika zvakadzama rwemweya. Uru ruvongo runorapa mwoyo uye runokurudzira pfungwa dzedu.

Ruvongo seChiito cheRutendo

Kuvonga mumamiriro edu ezvinhu chiito cherutendo muna Mwari. Zvinoda kuti tivimbe naMwari uye titarisire zvinhu zvatingange tisingaone asi zviri chokwadi.8 Nekuva tinovonga, tinotevera muenzaniso weMuponesi wedu anodikanwa, uyo akati, “Kwete kuda kwangu, asi kwenyu, ngakuitwe.”9

Ruvongo rwechokwadi chiratidzo chetariro uye uchapupu. Runobva mukubvuma kuti hatinzwisise nguva dzose miedzo yeupenyu asi tinovimba kuti rimwe zuva tinozoinzwisisa.

Mumamiriro ezvinhu api zvawo, manzwiro edu eruvongo anokudziridzwa nezvokwadi zvaakawanda uye zvinoyera zvatinoziva zvekuti: Baba vedu vakapa vana Vavo chirongwa chikuru chemufaro; kuti kuburikidza neRudzikinuro rweMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, tinokwanisa kurarama nariinhi nariinhi nevadikanwi vedu; kuti pakupedzisira, tinozova nemiviri inobwinya, yakakwana, uye isingafi, isingaremerwi nehurwere kana nokuremara; uye kuti misodzi yedu yerusuwo nekurasikirwa inozotsiviwa nekuwanda kwerudekaro nemufaro, “chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa pamwechete, uye chinopfachukira.”10

Inofanira kunge iri mhando iyi yeuchapupu yakashandura Vaapositora veMuponesi kubva mukuva varume vaitya, vaiva vasingatendi zvinhu kuenda mukuva vamiririri vasingatyi, vanofara vaTenzi. Mumaawa akatevera Kurovererwa paMuchinjikwa Kwake, vakazadzwa nekuora mwoyo uye marwadzo makuru, vasingakwanise kunzwisisa izvo zvakanga zvichangoitika. Asi chiitiko chimwechete chakachinja zvese izvozvo. Ishe wavo akazviratidza kwavari uye akazivisa kuti, “Tarisai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene.”11

Apo vaApositora pavakacherechedza Kristu akamuka—apo pavakaona Kumuka Kuvakafa kunoshamisa kweMuponesi wavo anodiwa—vakave varume vakashanduka. Hapana chaikwanisa kuvatadzisa kuzadzikisa basa ravo. Vakatambira nehushingi uye neutsungi shungurudzo, nyadziso, uye kunyangwe rufu zvaizouya kwavari nekuda kweuchapupu hwavo.12 Havana kudziviswa pakurumbidza uye kushandira Ishe wavo. Vakashandura upenyu hwevanhu kwese kwese. Vakashandura nyika.

Haufanire kuona Muponesi, sezvakaita vaApositora, kuti uwane shanduro imwecheteyo. Uchapupu hwako hwaKristu, hwakazvarwa neMweya Mutsvene, hunokwanisa kukubatsira kuti utarise mberi kwemagumo anogumbura eupenyu hunofa huno uye uone ramangwana rakajeka iro rakagadzirirwa neMununuri wenyika.

Hatina Kugadzirirwa kuitira Magumo

Tichifunga izvo zvatinoziva pamusoro pemagumo edu ekusingaperi , zvinoshamisa here kuti apo pese patinotarisana nemigumo inorwadza yeupenyu, inoratidzika sekunge isingagamuchiriki kwatiri? Panoratidzika sekunge pane chimwe chinhu mukati medu chinoramba magumo.

Sei zvakadaro? Nekuti takagadzirwa nezvinhu zvekusingaperi. Tiri vanhu vekusingaperi, vana vaMwari Samasimba , ane zita Risingagumi13 uye uyo anovimbisa maropafadzo ekusingaperi asingaverengeki. Magumo haazi iwo mhedzisiro yedu.

Patinonyanya kudzidza pamusoro pevhangeri raJesu Kristu, ndipo patinonyanya kuziva kuti magumo pano muupenyu hunofa huno haasi magumo zvachose. Anongova zvidzingaidzo—kumbomira kwechinguva uko rimwe zuva kucharatidzika sekudiki zvichienzaniswa nemufaro wekusingaperi wakamirira vakatendeka.

Ndinotenda zvikuru kuna Baba vangu Vokudenga kuti muchirongwa Chavo hamuna magumo echokwadi, mune chete mavambo asingaperi.

Avo Vanovonga Vachaitwa Kuti Vabwinye

Mabhuratha nemasisita, hatina here chikonzero chekuzadzwa neruvongo, zvisinei nemamiriro ezvinhu atinowana tiri maari?

Tinoda here chimwe chikonzero chikurusa chekuti mwoyo yedu “izare noruvongo kuna Mwari”?14

“Hatina here chikonzero chikuru chokufara?”15

Takakomborerwa zvikuru kana tichicherechedza shanduro yaMwari muupenyu hwedu hunoshamisa. Ruvongo kuna Baba vedu Vokudenga runokudza maonero ezvinhu edu uye runotipa nzwisiso yakajeka. Runokurudzira runinipo uye runokudziridza manzwiro etsitsi kune vamwe vedu uye nezvinhu zvose zvakasikwa naMwari. Ruvongo chikamu chinodikanwa kuhunhu hwese hwakafanana nehwaKristu! Mwoyo unovonga mubereki wehunhu hwakanaka hwose.16

Ishe vakatipa vimbiso Yavo yekuti avo “[vanogashira] zvose zvinhu nokutenda vacharopafadzwa; uye zvinhu zvepano pasi zvichapamhidzirwa [kwavari], kunyangwe zvakapetwa kazana, hongu, kana kupfuura.”17

Ngatiraramei “noruvongo mazuva ose”18—zvikuru panguva yemagumo anoratidzika seasingatsanangurike ayo ari chikamu cheupenyu hunofa huno. Ngatitenderei mweya yedu kuti ikure muruvongo kuna Baba vedu Vokudenga vane tsitsi. Nguva dzose ngatigarei tichisimudza manzwi edu uye tichiratidza neshoko uye nechiito ruvongo rwedu kuna Baba vedu Vokudenga uye kuMwanakomana Wavo Anodikanwa, Jesu Kristu. Neizvi ndinonamata, uye ndinokusiyirai uchapupu hwangu uye neropafadzo yangu, nemuzita raTenzi wedu, Jesu Kristu, ameni.