2010–2019
“Uku Hakusiriko Kutsanya Kwandakasarudza Here?”
Kubvumbi 2015


“Uku Hakusiriko Kutsanya Kwandakasarudza Here?”

Mupiro wako wekutsanya unozoita zvakawanda kupfuura kubatsira kupa zvokudya nokupfekedza miviri. Unozoporesa uye nokushandura mwoyo.

Mabhuradha namasisita angu anodikanwa, zvinondipa mufaro kutaura rudo rwangu kwamuri mumusangano mukuru uno weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Mufaro iwoyo unouya kubva kuMweya unopupura kuti rudo rweMuponesi runonanavira kune mumwe nemumwe wenyu uye kuna vana vose vaBaba Vokudenga. Baba vedu Vokudenga vanoda kuropafadza vana Vavo pamweya uye napanyama. Vanonzwisisa chimwe nechimwe chezvidikanwi zvavo, marwadzo avo, uye netarisiro dzavo.

Apo patinopa rubatsiro kuna ani zvake, Muponesi anorunzwa sokunge tananavira kumubatsira Iye.

Akatiudza kuti ichi chaiva chokwadi apo paAkatsanangura chinguva chamangwana icho chatichava nacho tose apo patinoMuona mushure mokunge upenyu hwedu munyika ino hwaguma. Mufananidzo uri mupfungwa mangu wezuva iroro wakanyanya kujeka mumazuva ayo andakanamata uye nokutsanya kuti ndizive zvokutaura magwanani ano. Tsananguro yaIshe yebvunzurudzo yeramangwana iyoyo yakapuwa kuvadzidzi Vake, uye inotsanangura izvo zvatinoda nemwoyo yedu yose kuti zvive chokwadi kwatiriwo:

“Zvino Ishe vachati kuna vari kurudyi, Vuyai imi, makaropafadzwa nababa, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika:

“Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya: ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa: ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira:

“Ndakanga ndisinenguvo, mukandipfekedza: ndakanga ndichirwara, mukandifambira: ndakanga ndiri mutorongo, mukavuya kwandiri.

“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, Ishe takakuvonai riinhiko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa?

“Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? kana musinenguvo, tikakupfekedzai?

“Takakuvonai riniko muchirwara, kana muri mutorongo, tikavuya kwamuri?

“Ishe uchapindura, achiti kwavari, Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.”1

Iwe neni tinoda gamuchiro inerudo iyoyo kubva kuMuponesi. Asi tinokwanisa sei kuikodzera? Kune vana vaBaba Vokudenga vane nzara, vasina pokugara, uye vakasurikirwa vakawanda kupfuura vatingambokwanisa kubatsira. Uye huwandu hwavo hwunoramba huchikura zvakanyanya kupfuura rubatsiro rwedu.

Saka Ishe vakatipa chimwe chinhu icho mumwe nomumwe wedu chaanokwanisa kuita. Murairo wakareruka zvokuti mwana mudiki anokwanisa kuunzwisisa. Murairo une vimbiso inoshamisa kuna avo vanoshaya uye kwatiri.

Mutemo wekutsanya. Mashoko ari mubhuku raMuporofita Isaya ndiwo tsananguro yaIshe yomurairo wacho uye namarapofadzo anowanikwa kuna avo vedu vari muChechi Yavo:

“Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura, hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, vuye muvune majoko ose here?

“Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako nounenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako here? Kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze; vuye kuti urege kuvanda venyama yako here?

“Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza: kururama kwako kuchakutungamirira; nokubwinya kwaJehova kuchakurindira mumashure.

“Ipapo uchadana, Jehova uchakupindura; uchadanidzira iwe, iye uchati, Ndiri pano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa;

“Kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya wounotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati:

“Jehova uchakufambisa nguva dzose, uchagutisa mweya wako panzvimbo dzakawoma, nokusimbisa mapfupa ako: uchava somunda wakadiridzwa, vuye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.”2

Saka Ishe vakatipa murairo wakareruka une vimbiso inoshamisa. MuChechi nhasi tinopuwa mukana wokutsanya kamwechete pamwedzi uye topa zvisina rutsuta mupiro wokutsanya kuburikidza nabhishopi kana mutungamiri webazi wedu kuitira pundutso yavarombo uye navanoshaya. Zvimwe zveizvo zvaunopa zvinozoshandiswa kubatsira avo vakakukomberedza, pamwe mumwe munhu ari mumhuri yako pachako. Varanda vaIshe vanozonamatira nokutsanyira zvakazarurwa kuti vazive uyo wokubatsira uye rubatsiro rwokupa. Izvo zvinenge zvisingadikanwe kubatsira vanhu muchikamu cheChechi chemunzvimbo mako zvinozovapo kuropafadza dzimwe nhengo dzeChechi nepanyika pose idzo dzinoshaya.

Murairo wokutsanya kuitira pundutso yavarombo une maropafadzo mazhinji akabatanidzirwa kwauri. Mutungamiri Spencer W. Kimball vakati kutadza kutevera mutemo iwoyo chivi chokuregeredza chine chirango chakakomba. Vakanyora kuti: “Vimbiso dzakakosha dzinoitwa naIshe kuna avo vanotsanya uye nokubatsira vanoshaya. … Femero uye nhungamiro yezvomweya zvinozouya noururami uye nokuva pedyo kuna Baba vedu Vokudenga. Kuregeredza kuita chiito chakarurama ichi chokutsanya kunozotitadzisa kuwana maropafadzo aya.”3

Ini ndakagamuchira rimwe ramaropafadzo aya mavhiki mashomanana achangopfuura ayo. Sezvo musangano mukuru uchiitika pakupera kwevhiki uko kazhinji kunosanganisira musangano wekutsanya nokupupura, ndakatsanya uye nokunamata kuitira kuti ndizive kuti ndoramba ndichiteerera sei murairo wokutaririra avo vanoshaya.

PaMugovera, apo pandaiva ndichiri kutsanya, ndakamuka na6.00 magwanani uye ndikanamata zvakare. Ndakanzwa kukurudzirwa kuti nditarise panhau dzepanyika. Ipapo ndakaverenga ripoti iyi:

Tropical Cyclone Pam dutu rakaparadza dzimba zhinji apo parakapfuura napamusoro chaipo pePort Vila, guta guru reVanuatu. Rakauraya vanhu vanosvika vatanhatu muVanuatu, ripoti yokutanga yakatsinhirwa yavanhu vakafa nokuda kwerimwe ramadutu anesimba gurusa akambofa akarova nyika.

“Hapana kana muti mumwechete waiva wakamira zvakatwasanuka [apo dutu] paraivhuvhuta napakati” penyika yechitsuwa chePacific.4

Boka ravanowongorora zvenjodzi reWorld Vision rakaronga kunowongorora ruparadzo rwakanga rwaitika mushure mokunge dutu raderera. 

Vakaraira vagari kuti vatsvake utiziro muzvivako zvakasimba sezvakaita mayunivhesiti uye nezvikoro.

Uye zvino vakati: “‘chinhu chakanyanya kusimba chavaiva nacho chaiva machechi esemende,’ akadaro Inga Mepham [weku] CARE International. … ‘Vamwe vanhu havana machechi akadaro. Zvakaoma kuwana chivako chaunozofunga kuti chinokwanisa kupona padutu rinovhuvhuta nesimba rinopfuura makiromita mazana maviri namakumi mashanu namaviri paawa.’”5

Pandakaverenga izvi, ndikarangarira ndichishanyira dzimba diki muVanuatu. Ndaikwanisa kuona mupfungwa dzangu vanhu vakaungana mudzimba dzaiparadzwa nemhepo. Uye zvino ndakarangarira kugamuchirwa kunorudo kwandakaitwa navanhu veVanuatu. Ndakavafunga ivo uye navavakidzani vavo vachitiza kuenda kuruchengetedzo rweimba yedu yokunamatira yesemende.

Zvino ndakaona mupfungwa mangu bishopi uye nemutungamiri weChita choRubatsiro vachifamba pakati pavo, vachivapa nyaradzo, magumbeze, zvokudya, uye mvura yokunwa. Ndaikwanisa kuona mupfungwa mangu vana vaitya vakaungana pamwechete.

Vari kure zvikurusa nokumba kwandaiverenga ripoti iyoyo ndiri, asi zvakadaro ndaiziva izvo Ishe zvavaizoita kuburikidza navaranda Vavo. Ndakaziva kuti chaiita kuti zvikwanisike kuti vabatsire vana ivavo vaBaba Vokudenga yaiva mipiro yekutsanya, yakapuwa norusununguko navadzidzi vaIshe avo vaiva kure zvikuru kubva kwavaiva vari asi pedyo naIshe.

Saka handina kumirira Svondo. Ndakatora mupiro wekutsanya kuna bhishopi wangu mangwanani iwawo. Ndinoziva kuti mupiro wangu unogona kushandiswa nabhishopi uye nemutungamiri weChita choRubatsiro kubatsira mumwe munhu munharaunda mangu. Mupiro wangu mudiki unogona kusadikanwa pedyo neuko mhuri yangu neni kwatinogara, asi zvinosaririra zvemunzvimbo mangu zvinokwanisa kusvika kunyangwe kure sezvakaita Vanuatu.

Mamwe madutu uye nedzimwe njodzi zvinozouya napanyika pose kuvanhu avo Ishe vavanoda uye avo rusuwo rukuru rwavo rwaVanonzwa. Chikamu chemupiro wekutsanya chako nechangu chemwedzi uno chinozoshandiswa kubatsira mumwe munhu, kune imwe nzvimbo, uyo rubatsiro rwake Ishe rwavanozonzwa sokunge rwaiva Rwavo pachavo.

Mupiro wako wekutsanya unozoita zvakawanda kupfuura kubatsira kupa zvokudya nokupfekedza miviri. Unozoporesa uye nokushandura mwoyo. Muchero wemupiro wapuwa norusununguko unogona kuva chido mumwoyo weuyo anogamuchira kunanavira kuna vamwe vanoshaya. Izvi zvinoitika napanyika pose.

Zvakaitika muupenyu hwaSisita Abie Turay, avo vanogara muSierra Leone. Hondo pakati pavagari vomunyika iyi yakatanga muna 1991. Yakaparadza zvikuru nyika yacho kwamakore mazhinji. Sierra Leone yakanga yagara iri imwe yenyika dzine urombo hukurusa panyika pose. “Panguva yehondo, zvaiva zvisina kujeka kuti ndiani [aitungamirira] nyika yacho—mabhangi … akavhara, mahofisi ehurumende akavharwa, mauto echipurisa [aiva asingakundi pakurwisa vapanduki], … uye kwaiva kune mhirizhonga, kuuraiwa kwavanhu uye norusuwo. Makumi ezviuru avanhu akarasikirwa noupenyu hwavo uye vanhu vanopfuura mamirioni maviri vakamanikidzwa kubva padzimba dzavo kuitira kudzivirira kuuraiwa.”6

Kunyangwe munguva dzakadaro, Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakakura.

Rimwe ramapazi okutanga rakarongwa muguta umo Sisita Turay mavaigara. Murume wavo ndiye aiva mutungamiri webazi wokutanga. Akashandira somutungamiri wedunhu panguva yehondo yapakati pavagari vomunyika.

“Apo vaenzi pavanoshanyira imba yaSisita Turay [iyezvino], vanofarira kuvataridza [zvinhu zvakakosha] zviviri zvavakawana munguva yehondo: hembe inemitsetse yebhuruu nemichena [yavakapuwa] kubva kubero rembatya dzakambopfekwa [iro rakapuwa nenhengo dzeChechi] uye gumbeze, iro zvino rabvaruka uye rizere namaburi.”7

Vanoti, “Hembe iyi ndicho chipfeko … chokutanga [chandakagamuchira]. … Ndaiipfeka kuenda kubasa—yaiva yakanaka zvikuru. [Yaindiita kuti ndinzwe kuti ndakanaka zvikuru] Ndakanga ndisina dzimwe mbatya.

“Munguva yehondo, gumbeze iri rakatichengeta tichidziirwa, ini navana vangu. Apo vapanduki [pavainge] vouya kuzotirwisa, ichi ndicho chinhu chete [chandaikwanisa] kutakura mumaoko [angu] [apo pataitizira musango kunovanda]. Saka taitora gumbeze racho nesu. Raitichengeta tichidziirwa uye raidzivirira utunga kubva kwatiri.”8

“Sisita Turay vanotaura nezve ruvongo rwavo nokuda kwemutungamiri wehushumiri uyo aiuya munyika iyi yaiva yaparadzwa nehondo [nemari] muhomwe yake.” Mari iyoyo, yaibva kuzvipo zvemipiro yokutsanya zvavanhu vakaita semi, yakabvumira Vatendi kutenga zvokudya izvo vagari vemuSierra Leone vakawanda zvavaiva vasingakwanisi kutenga.9

Sisita Turay, vachitaura kuna avo vaiva norupo rukuru rwokupa kwavari kuitira kuti vararame, vanoti, “Apo pandinofunga [nezve] vanhu vakaita izvi … ndinonzwa kuti [vaiva] vatumwa naMwari, nokuti vanhu vamazuva ose vakaita chiito chetsitsi ichi kwatiri.”10

Mushanyi aibva kuUnited States akagara pasi naAbie chinguva chidiki chapfuura icho. Munguva yaaiva naye, akaona magwaro matsvene aiva ari patafura.” Akwanisa kuona kuti akanga akakosha zvikuru, “akamakwa zvikuru nemanotsi kumucheto chemapeji. Mapeji akanga [ashakara] mamwe aiva abvaruka. Kavha racho rakanga rabvaruka kubva pabhuku.”

Akabata magwaro matsvene aya “mumaoko ake uye zvinyoronyoro akapenengura mapeji. Apo [paaita kudaro, akawana] kopi yebepa reyero rechipo chegumi. [Iye] akakwanisa kuona kuti, munyika umo [madhora ekuAmerica maiva ari mashoma zvikuru] uye naizvozvo akakoshesesa, Abie Turay akanga abhadhara dhora rimwechete sechegumi chake, dhora rimwechete kuhomwe yehushumiri, uye dhora rimwechete semupiro wekutsanya kuitira avo, mumashoko ake, vaiva ‘varombo zvechokwadi.’”

Mushanyi akavhara magwaro matsvene aSisita Turay uye akafunga, apo paaiva amire namai vechiAfrican vakatendeka ava, kuti aiva panzvimbo inoyera.11

Sezvo kugamuchira mipiro yekutsanya yako uye nemipiro yekutsanya yangu kuchikwanisa kushandura mwoyo, ndizvowo zvazviri nokutsanya kuitira pundutso yemumwe munhu. Kunyange mwana anokwanisa kunzwa.

Vana vakawanda, uye navamwe vakuru, nokuda kwezvikonzero zvavo pachavo vangangowana kutsanya kwemaawa makumi maviri namana kwakaoma. Zvinokwanisa, mumashoko aMuporofita Isaya, kunzwikwa kuti kutsanya “kwakatambudza mweya [yavo].” Vabereki vane ungwaru vanoziva kwanisiko iyoyo uye nokudaro vanochenjerera kutevera rairo yaMutungamiri Joseph F. Smith: “Zvirinani kuvadzidzisa musimboti, uye morega vaucherechedze apo pavanenge vakura zvakakwana kusarudza zvine uchenjeri.”12

Ndakaona ropafadzo murairo iyoyo munguva pfupi yapfuura iyo. Mumwe wavazukurukomana vangu akanga achinzwa kuti kutsanya kwemaawa makumi maviri namana kwaiva kusingakwanisiki kuti akushingirire. Asi vabereki vake vane ungwaru zvisinei vakamudzidzisa zvakadzama musimboti wekutsanya. Mumwe weshamwari dzake dzokuchikoro munguva pfupi yapfuura iyo akarasikirwa nehama diki yapedyo murufu rwenjodzi yemotokari. Muzukurukomana wangu akabvunza amai vake pazuva rokutsanya, panguva iyo yaaigaronzwa kuti kutsanya kwaiva kwakanyanya kuoma kuti arambe achienderera mberi, kana zvaizoita kuti shamwari yake yaichema inzwe zvirinani kana akaenderera mberi nokutsanya kwake.

Mubvunzo wake waiva simbiso yerairo yaMutungamiri Joseph F. Smith. Muzukurukomana wangu akanga asvika pachinhambo apo paiva asingangonzwisisi chete musimboti wekutsanya, asi wakanga wamiswa zvakasimba uye zvakadzama mumwoyo make. Akanga asvika pakunzwa kuti kutsanya uye minamato yake zvaizotungamirira kuropafadzo kubva kuna Mwari kune mumwe munhu airida zvikuru. Kana akararama musimboti wacho kazhinji zvakakwana, unozounza shanduro dzinoshamisa muupenyu hwake pachake, sokuvimbisa kwakaita Ishe. Anozova neropafadzo yezvepamweya yesimba rokugamuchira femero uye kwaniso hurusa yokukunda zviyedzo.

Hatizivi zvikonzero zvose izvo zvakaita kuti Jesu Kristu akaenda murenje kuno tsanya uye nokunamata. Asi tinoziva imwechete yeshanduro dzacho: Muponesi akakunda zvakazara zviyedzo zvaSatani zvokuti ashandise zvisina kunaka simba rohumwari Rake.

Nguva diki diki yatinotsanya mwedzi woga woga uye mari shoma yatinopa kuitira varombo ingangotipa chikamu chidiki chete cheshanduko muhunhu hwedu kuti tisava nechido zvakare chokuita zvakaipa. Asi kune vimbiso huru, kunyangwe apo patinoita zvose izvo zvatinokwanisa kunamata, kutsanya, uye kupa tichiitira avo vanoshaya:

“Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza: kururama kwako kuchakutungamirira; nokubwinya kwaJehova kuchakurindira mumashure.

“Ipapo uchadana, Jehova uchakupindura; uchadanidzira iwe, iye uchati, Ndiri pano.”13

Ndinonamata kuti tinozokumbira maropafadzo makuru iwayo kuitira isu pachedu uye kuitira mhuri dzedu.

Ndinopupura uchapupu hwangu kuti Jesu ndiye Kristu, kuti muChechi Yake tinokokwa kuMubatsira mukuriritira varombo nenzira Yake, uye kuti Anovimbisa maropafadzo asingaperi anozouya kubva mukuMubatsira kwedu. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Mateo 25:34–40.

  2. Muporofita Isaya 58:6–11.

  3. Spencer W. Kimball, The Miracle of Forgiveness (1969), 98.

  4. Ona Steve Almasy, Ben Brumfield, naLaura Smith-Spark, “Cleanup Begins in Vanuatu after Cyclone Batters Islands,” Kurume 14, 2015, edition.cnn.com.

  5. Ona Sean Morris, Steve Almasy, naLaura Smith-Spark, “‘Unbelievable Destruction’ Reported in Tropical Cyclone Pam’s Wake,” Kurume 14, 2015, edition.cnn.com.

  6. Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story,” bhuku risina kushambadzwa.

  7. Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story.”

  8. Abie Turay, quoted in Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story.”

  9. Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story.”

  10. Abie Turay, quoted in Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story.”

  11. Peter F. Evans, “Sister Abie Turay’s Story”; vidhiyo pamusoro paSisita Turay, “We Did Not Stand Alone,” inowanikwa pa lds.org/media-library

  12. Joseph F. Smith, “Editor’s Table,” Improvement Era, Zvita 1903, 149.

  13. Muporofita Isaya 58:8–9