2010–2019
Kuunganidza Mhuri yaMwari
Kubvumbi 2017


Kuunganidza Mhuri yaMwari

Mwari Baba vanoda kuti vana Vavo vauye kumusha zvakare, mumhuri uye mukubwinya.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, ndinofara pamukana wekuva nemi pakutanga pechikamu chino chemusangano mukuru. Ndinokugamuchirai nerudo rukuru.

Musangano mukuru wakagara uri nguva yekuungana yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Iyezvino Chechi yakura zvikuru zvekuti hatichakwanisi kuungana tose munyama panzvimbo imwechete, asi Ishe vakapa nzira dzekuti makomborero emusangano mukuru asvike kwamuri zvisinei nekuti murikupi. Kunyange zvazvo zvichifadza kuona kuungana kweVatendi muConference Center huru ino, isu vanomira papurupiti ino nguva dzose muziso repfungwa dzedu tinenge tichiona mamiriyoni evanhu vakaungana nesu pasi rose kuti vaone uye vateerere kumusangano. Vakawanda venyu makaungana nemhuri dzenyu; vamwe vanogona kunge vakaungana neshamwari kana nedzimwe nhengo dzeChechi.

Kupi nekupi zvako kwamuri uye nenzira ipi zvayo yamuri kunzwa inzwi rangu, ndapota zivai kuti kunyangwe zvazvo musiri nesu panyama, tinonzwa kuti munesu mumweya. Tinovimba kuti imi mese munozonzwa kuti makabatana nesu—kuti munozonzwa simba remweya rinouya apo panguva yose inoungana boka revatendi muzita raJesu Kristu.

Ndakanzwa kukurudzirwa kuti nditaure nemi nhasi pamusoro perumwe rudzi rwekuungana. Rudzi rwekuungana urwu harwuitike chete pamwedzi mitanhatu yega yega, sezvinoita musangano mukuru. Kunze kwekudaro, kwanga kuchiitika nguva dzose kubvira mumazuva ekutanga eKudzorerwa kweChechi, uye kwanga kuitika nekukurumidza mumakore achangopfuura. Ndirikutaura nezve kuunganidzwa kwemhuri yaMwari.

Kutsanangura kuunganidzwa uku, zvingangova zvakanakisa kutanga panguva yatakangatisati tazvarwa, kusati kwava neuko kunonzi neBhaibheri “pakutanga” (Genesisi 1:1). Panguva iyoyo, taigara naBaba Vekudenga sevana Vavo vemweya. Ichi ichokwadi kune munhu wese akamborarama panyika.

Nzwisisai kuti, mazita ekuti “bhuratha” uye “sisita” haasi kungokwazisana kweushamwari kana mashoko erudo atinodaidzana nawo . Chiratidzo chechokwadi chokusingaperi: Mwari ndivo chaivo Baba vevanhu vese, isu tiri chikamu chemhuri Yavo yokusingaperi. Nokuda kwekuti Vanotida nerudo rwaBaba vakarurama, Vanoda kuti tifambire mberi uye tikwirire uye tigova saIvo. Vakamisa chirongwa icho chataizouya panyika, tiri mumhuri, uye tova nezviitiko zvaizotigadzirira kudzokera Kwavari uye tonorarama semararamiro Avanoita.

Chinhu chikuru chechirongwa ichi chaiva vimbiso yekuti Jesu Kristu aizozvipira Iye pachake sechibayiro, kutinunura kubva kuchivi nerufu. Basa redu muchirongwa ichocho nderekutambira chibayiro cheMuponesi kuburikidza nekuteerera mitemo nezvisungo zvevhangeri. Imi neni takatambira chirongwa ichi. Chokwadi ndechekuti, takafara nacho, kunyangwe zvazvo zvaizoreva kuti taizobva pamberi paBaba uye tokanganwa izvo zvatakanga tiinazvo ikoko Navo.

Asi hatina kuunzwa pano tisina kana nzwisiso yehumwari. Mumwe nemumwe wedu akapuwa chikamu chechiedza chaMwari, chinonzi “Chiedza chaKristu,” kuti chitibatsire kusiyanisa pakati pezvakanaka nezvakaipa, pezvakarurama nezvisina kururama. Uku ndikokusaka kunyangwe avo vanorarama neruzivo rushoma kana kuti vasina ruzivo rwechirongwa chaBaba vanokwanisa kunzwa, mumwoyo mavo, kuti zvimwe zviito zvakarurama uye zvine hunhu asi zvimwe hazvina kururama.

Manzwiro edu ezvinhu zvakarurama nezvisina kururama anova akanyanya kusimba apo patinenge tichirera vana vedu. Mubereki mumwe nemumwe ane chido chemusikirwo chekudzidzisa vana vake tsika dzakanaka. Ichi chikamu chechishamiso chechirongwa chaBaba Vekudenga. Vanoda kuti vana Vavo vauye panyika, vachitevedzera mutoo wekusingaperi wemhuri uyo uri kudenga. Mhuri ndicho chikamu chehurongwa chekutanga chehumambo hwekusingaperi, uye nokudaro Vanoda kuti dzivewo chikamu chekutanga panyika. Kunyangwe zvazvo mhuri dzepanyika dzisina kunyatsorurama zvachose, dzinopa vana vaMwari mukana wakanakisisa wekugamuchirwa munyika nerudo urwo chete rwuri pasi rwunoswedera padyo nerwatainzwa kudenga—rudo rwevabereki. Mhuri ndidzowo nzira yakanakisa yekuchengetedza nekupfuudza kuna vamwe tsika dzine hunhu uye misimboti yechokwadi izvo zvingangotitungamirira kudzokera pamberi paMwari.

Vashoma chete vevana vaMwari muupenyu huno ndivo vanowana nzwisiso yakazara yechirongwa chaMwari, pamwepo nekuwana zvisungo zvehupirisita nezvibvumirano zvinoita kuti simba rerudzikinuro reMuponesi rishande zvakazara muupenyu hwedu. Kunyange avo vane vabereki vakanakisisa vanogona kurarama zvakatendeka maererano nechiedza chavainacho asi vasingazombonzwi nezvaJesu Kristu uye Rudzikinuro Rwake kana kukokwa kuti vabhabhatidzwe muzita Rake. Ichi ichokwadi kumamiriyoni asingaverengeki emabhuratha nemasisita nemunhoroondo yose yepanyika.

Vamwe vanogona kufunga izvi sechinhu chisina ruenzaniso. Vanogona kunyangwe kuzvitora seumboo hwekuti hapana chirongwa, hapana zvimwe chaizvo zvidikanwi zveruponeso—vachinzwa kuti Mwari vane ruenzaniso, vane rudo havangambomisi chirongwa chinongowanikwa nechikamu chidiki chakadaro chevana Vavo. Vamwe vanogona kusvika pakufunga kuti Mwari vanofanira kunge vakafanosarudza kuti ndevapi vevana Vavo Vavaizoponesa uye vakaita kuti vawane vhangeri, apo avo vasina kumbonzwa vhangeri havana kumbobvira “vakasarudzwa.”

Asi imi neni tinoziva, nekuda kwezvokwadi zvakadzorerwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, kuti chirongwa chaMwari chine rudo uye neruenzaniso zvakakura kupfuura izvozvo. Baba vedu Vekudenga vanoda zvikuru kuunganidza uye kukomborera mhuri Yavo yese. Kunyange zvazvo Vachiziva kuti havasi vese vachasarudza kuunganidzwa, chirongwa Chavo chinopa mumwe nemumwe wevana Vavo mukana wekutambira kana kuramba kukoka Kwavo. Uye mhuri dziri pakati pechirongwa ichi.

Mazana emakore akapfuura, muporofita Maraki akataura kuti muzuva riri kuuya, Mwari vaizotuma Eriya kuti “adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kumadzibaba avo” (Muporofita Maraki 4:6).

Huporofita uhwu hwakanga hwakakosha zvokuti Muponesi akahutapa apo paakashanyira maAmerica mushure mekumuka Kwake Kuvakafa (ona 3 Nifai 25:5–6). Uye ngirozi Moronai paakashanyira Muporofita Joseph Smith, iye akatapawo huporofita pamusoro paEriya uye mwoyo, madzibaba, uye vana (ona Joseph Smith—Nhoroondo 1:36–39).

Nhasi musi waKubvumbi 1. Mazuva maviri kubva nhasi, Kubvumbi 3, panenge papera makore 181 kubva musi wakazadzikiswa huporofita hwaMaraki. Musi iwoyo, Eriya akauya zvechokwadi, uye akapa Joseph Smith simba rehupirisita rekusunganidza mhuri nekusingaperi (ona D&C 110:13–16).

Kubva zuva iroro kusvika nhasi, chido chekuongorora nhoroondo yemhuri chakakura zvikurusa. Nehuwandu hurikuramba huchingowedzera,vanhu varikuratidza chido kumadziteteguru avo zvinopfuura kungoda kuvaziva. Maraibhurari, masangano uye tekinoroji mitsetse yemadziteteguru zvavapo pasi rese kutsigira chido ichi. Simba reindaneti rekunatsurudza zvekutaurirana rakagonesa mhuri kushanda pamwechete kuita tsvagurudzo yenhoroondo yemhuri nekukurumidza uye zvakanyatsonaka zvisina kumbobvira zvakakwanisika.

Sei zvese izvi zviri kuitika? Nekushaya shoko ririnani rekuzvitsanangura , tinozvidaidza kuti “mweya waEriya.” Tinogonawo kuzvidaidza kuti “kuzadzikiswa kwehuporofita.” Ndinopupura uchapupu hwekuti zvechokwadi Eriya akauya. Mwoyo yevana—yenyu newangu—yatendeukira kumadzibaba edu, madziteteguru edu. Rudo rwamunonzwa kumadziteteguru enyu chikamu chekuzadzikiswa kwehuporofita ihwohwo. Rwakamisirwa zvakadzama pamanzwiro ekuti uri ani. Asi rune chekuita nezvizhinji kudarika DNA yatakaberekwa nayo.

Semuenzaniso, apo paunotevera femero dzekudzidza pamusoro penhoroondo yemhuri yako, unogona kuwana kuti imwe hama yako yekure inogoverana newe zvimwe zvechimiro chechiso chako kana kufarira kwako mabhuku kana tarenda rako rekuimba. Izvi zvinogona kuva zvinonakidza zvikuru uye kunyangwe kupa nzwisiso yakadzama. Asi kana basa rako rikagumira ipapo, unozonzwa kuti pane chimwe chinhu chisipo. Izvi zvinoitika nekuda kwekuti kuunganidza uye kubatanidza mhuri yaMwari kunoda zvimwe zvinodarika kungova namanzwiro erudo chete. Kunoda zvibvumirano zvinoyera zvinoitwa maererano nezvisungo zvehupirisita.

Vakawanda vemadziteteguru enyu havana kugamuchira zvisungo izvozvo. Asi nekuda kwetaririro inerudo yaMwari imi makagashira zvisungo izvozvo. Uye Mwari vaiziva kuti maizonzwa kuswededzwa kumadziteteguru enyu uye kuti maizowana tekinoroji inodikanwa kuti muvazive. Vaizivawo kuti maizorarama munguva iyo kwaniso yekuenda kutemberi tsvene, uko kunokwanisa kuitwa zvisungo, yaizenge yaizova yakakura kudarika imwe nguva ipi zvayo munhoroondo. Uye Vaizivawo kuti Vaikwanisa kuvimba nemi kuzadzikisa basa iri makamiririra madziteteguru enyu.

Hongu ichokwadi, kuti tese tine mabasa anoda kuitwa nekukurumidza uye akakosha ayo anoda kushandwa paari uye anoda nguva yedu . Tese tinosangana nezvinhu izvo Ishe zvavanotarisira kuti tiite izvo zvatinonzwa kuti hatikwanise kuzviita. Chinofadza ndechekuti, Ishe vanopa nzira kune mumwe nemumwe wedu yekuti awane nayo ruvimbo norugutsikano mukushandira kwedu kwose, kusanganisira kushandira kwenhoroondo yemhuri. Tinowana simba rekuita zvaVanotikumbira kuburikidza nerutendo rwedu rwekuti Muponesi haape murairo, “kunze kwokunge vachazogadzirira nzira kwatiri yokuti [isu] tigobudirira pazvinhu zvavanenge varaira” (1 Nifai 3:7).

Ndinoziva kuti izvi ichokwadi kubva pane zvakaitika kwandiri. Makore mazhinji akapfuura, semudzidzi wepayunivhesiti, ndakasangana nemumwe murume aishandira imwe yemakambani emakombuyuta makurusa pasi rose. Izvi zvaiva zviri mumazuva ekutanga ezvemakombiyuta, uye zvakangoitikawo kuti kambani yake yakanga yamutuma kuti atengesere Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira makombiyuta.

Semanzwisisiro andaiita, mutengesi uyu akanga asina rutendo muzvechitendero. Asi akataura nekushamisika uye nekusanzwisisa achiti, “Muchechi iyi vaiita izvo zvavaidaidza kuti ‘mutsetse wemadziteteguru,’ vachitsvaga mazita evanhu vakafa, vachiedza kuziva madziteteguru avo. Vanhu, kunyanya madzimai, vaimhanya-mhanya pakati pemakabhineti emafaira vachitsvaga ruzivo nemuzvikadhi zvidiki.” Kana ndichiyeuka zvakanaka, akati vakadzi vacho vainge vakapfeka matenesi kuti vakwanise kumhanyisa. Murume wacho akaenderera mberi achiti, “Apo pandakaona kukura kwezvavaiedza kuita, ndakaziva kuti ndakanga ndawana chikonzero chekugadzirwa kwemakombuyuta.”

Sezvinei, akanga ari pachokwadi muchikamu chazvo. Makombiyuta aizova chikamu chakakosha chemuneramangwana rebasa renhoroondo yemhuri—asi kwete makombiyuta aaitengesa iye. Mutungamiriri weChechi akafemerwa akasarudza kusatenga makombiyuta ake. Chechi yaifanira kumirira tekinoroji iyo panguva iyoyo yakanga isati yatombofungidzirwa. Asi ndakadzidza mumakore akawanda kubva ipapo kuti kunyangwe tekinoroji yemhando yepamusoro-soro haimbokwanisi kutsiva zvakazarurwa zvinobva kudenga, serudzi urwo rwakatambirwa nomutungamiriri weChechi iyeye. Basa iri ndere mweya, uye Ishe vanoritungamirira kuburikidza neMweya Mutsvene Wavo.

Mavhiki mashoma apfuura ayo, ndaiva ndichishanda panhoroondo yemhuri yangu ndine nyanzvi yenhoroondo parutivi pangu uye mumwe mubatsiri ari pafoni. Pakombuyuta yaiva pamberi pangu paiva nechimwe chinetso chandaisambokwanisa kugadzirisa. Ndakaona mazita maviri, akanga atumirwa kwandiri nechishamiso chetekinoroji, evanhu vaigona kunge vakamirira chisungo chetemberi. Asi chinetso chaiva pakuti mazita acho aiva akasiyana, asi paiva nechikonzero chekutenda kuti angangova munhu mumwecheteyo. Basa rangu rakanga riri rekusarudza icho chaiva chokwadi.

Ndakakumbira nyanzvi dzangu kuti vandiudze. Vakati, “Aiwa, iwe unofanira kusarudza.” Uye vaivimba nemwoyo wese kuti ndichawana chokwadi. Kombiyuta, nesimba rayo rese uye neruzivo rwayo rwese, yakanga yandisiira chikomborero chekutarisa pamazita iwayo aiva pasikirini, ndichifungisisa ruzivo rwaivapo, ndichitsvaga imwe tsvagurudzo, ndichinamata muchinyararire, uye ndichitsvaga kuti chokwadi chaiva chipi. Apo pandainamata, ndakaziva zvechokwadi izvo zvokuita—seizvo zvandakaita mune mamwe mamiriro ezvinhu apo pandaifanira kuvimba nerubatsiro rwekudenga kuti ndigadzirise chinetso.

Hatizivi zvishamiso izvo Mwari zvavanozokurudzira vanhu kuti vagadzire kuitira kubatsira mubasa Ravo rekuunganidza mhuri Yavo. Asi chero zvipi zvazvo zvigadzirwa zvinoshamisa zvingauye, kushandiswa kwazvo kunozoda Mweya kuti ushande muvanhu vakaita semi neni. Izvi hazvifaniri kutishamisa. Mushure mezvose, ava vanakomana nevanasikana vanodiwa vaMwari. Vazotumira chero ipi zvayo femero inodikanwa kuti vapuwe mukana wekudzokera kwaVari.

Mumakore achangopfuura ayo, vechidiki veChechi vakadaira kumweya waEriya nenzira inoshamisa. Vakawanda iyezvino vava nemvumo yekupinda mutemberi yokuita zvishoma uye vanoishandisa nguva zhinji. Nzvimbo dzekubhabhatidzirwa dzavakugara dzichishandiswa kakawanda zvikuru kupfuura kare; dzimwe temberi dzakatochinja hurongwa hwadzo kuti dzikwanise kubatsira huwandu hwakawedzerwa hwevechidiki varikuenda kutemberi.

Chaiva chisiri chinhu chinonyanyoitika asi chiri chinotambirwa kuti vechidiki vaunze mazita emadziteteguru avo pachavo kutemberi. Iyezvino zvava kugara zvichiitika, uye kakawandisa ivo vanhu vechidiki pachavo ndivo vanenge vawana madziteteguru iwayo.

Pamusoro pazvo, vechidiki vakawanda vakaona kuti kushandisa nguva yavo kuita tsvagurudzo yenhoroondo yemhuri uye basa remutemberi kwadzamisa uchapupu hwavo hwechirongwa cheruponeso. Kwakawedzera hurudziro yeMweya muupenyu hwavo uye kwakaderedza runziro yemuvengi. Kwakavabatsira kuti vanzwe kuva pedyo nemhuri dzavo uye pedyo naIshe Jesu Kristu. Vakadzidza kuti basa iri rinoponesa kwete chete vakafa, rinoponesa isu tese (ona D&C 128:18).

Vechidiki vava nenzwisiso chaiyo yebasa iri zvinoyemurika; zvino vabereki vavo ndivo vava kuchifanira kuchisvika pamwero wenzwisiso wasvikwa nevana vavo. Kwava nevanhu iyezvino vakawanda vakatambira rubhabhatidzo munyika yemweya nekuda kwebasa rakaitwa nevechidiki, uye vakamirira zvimwe zvisungo izvo zvinogona kuitwa chete nevanhu vakuru mumatemberi munyika ino. Basa rekuunganidza mhuri yaBaba Vekudenga harisi revechidiki chete, uye harisi raanambuya nanasekuru chete. Ndere munhu wese. Tese tiri vaunganidzi.

Iri ndiro basa remuchizvarwa chedu, icho Muapositora Pauro chaakadaidza kuti “mukuwo wekuzara kwenguva,” apo paakati Mwari “vanozounganidza pamwechete zvinhu zvose munaKristu, zvose zviri kudenga, nezviri pasi; Munaiye” (VaEfeso 1:10). Izvi zvinoitwa kuti zvigoneke kuburikidza nebasa rerudzikinuro reMwanakomana Anodiwa waMwari, Jesu Kristu. Nekuda Kwake, mhuri dzedu, “idzo dzimwe nguva dzaiva dziri kure dzinoswededzwa pedyo neropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, uyo wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati pedu rwaitiparadzanisa” (VaEfeso 2:13–14). Makanzwa izvi, sezvandakaitawo, apo pamakanzwa rudo rwakawedzerwa apo pamaitarisa mufananidzo watateguru. Makazvinzwa mutemberi apo zita raiva pakadhi parairatidzika kuti rinoreva zvakawanda kupfuura kungova zita chete, uye mainyatsonzwa kuti munhu uyu aikuzivai uye kuti ainzwa rudo rwanyu.

Ndinopupura kuti Mwari Baba vanoda kuti vana Vavo vadzoke kumba zvakare, mumhuri uye mukubwinya. Muponesi anorarama. Anotungamirira uye anokomborera basa iri, uye Anotitaririra nekutitungamira. Anokutendai nebasa rakatendeka renyu pakuunganidza mhuri yaBaba vake, uye ndinokuvimbisai kuti muchawana rubatsiro rwemweya rwamuri kutsvaga uye rwamunoda. Nemuzita raJesu Kristu, ameni.