2010–2019
Hupirisita neSimba Rinodzikinura reMuponesi
Gumiguru 2017


Hupirisita neSimba Rinodzikinura reMuponesi

Kuti zvinangwa zvaBaba Vekudenga zvizadzikiswe, simba rerudzikinuro reMuponesi rinofanira kuti rive rinowanikwa kuvana vaMwari. Hupirisita hunounza mikana iyi.

Fungidzira neni roketi ichifambiswa kunzvimbo yekuti izogadzirirwa kutumidzirwa mudenga. Zvino fungidzira chinoimutsa. Mafuta, ari munodzora kubvira anochinjwa kuve mweya unopisa unobuda zvinesimba, uchipa simba rinodikanwa kufambisa roketi kuenda mudenga. Chekupedzisira, zvino fungidzira mutoro wezvinhu zvinotakurwa neroketi, kana kuti midziyo nemishina, iyo inogara pamusoro peroketi. Kukosha kwezvinhu zvinotakurwa izvi kunozoonekwa zvakazara chete apo pazvinosvika uko kwazvinofanira kusvika uye zvoshanda sezvazvinofanira. Haufanirwe kuve muzvinafundo wezvemaroketi kuti unzwisise kuti mushina unodhura wezvekutaurirana nemumhepo pasi rose une kukosha kudiki kana wakagara muimba yekuchengetera. Basa reroketi chete ndere kuendesa zvinhu zvainenge yakatakura.

Manheru ano ndinoda kufananidza hupirisita hwatinahwo kuroketi uye mukana wekuwana chimuko kubva kusimba rerudzikinuro reMuponesi kune zvinhu izvo zvinoendeswa neroketi.

Nekuda kwekuzvipira kwerudzikinuro Kwake, Jesu Kristu ane simba nemvumo yekununura vanhu vose. Kuita kuti simba Rake rerudzikinuro riwanikwe, akapa chikamu chesimba nemvumo Yake kuvarume vepanyika. Simba nemvumo zvakapihwa izvi zvinonzi hupirisita. Zvinobvumidza vane hupirisita kuti vabatsire Baba Vekudenga naJesu Kristu mubasa Ravo—rokuunza ruponeso uye kusimudzirwa kumusoro‑soro kwevana vaMwari. Zvinoita kudaro nokuti zvinopa vana Vavo mukana wekugamuchira makomborerero esimba rerudzikinuro reMuponesi.

Simba rerudzikinuro raJesu Kristu rakakosha zvikuru nokuti hapana kana ani zvake wedu anogona kudzokera kuimba yedu yekudenga asina rubatsiro. Muupenyu hunofa huno, tinogara tichikanganisa nokutyora mirairo yaMwari. Tinobva tatindivadzwa nezvivi uye hatikwanisi kubvumirwa kudzokera kunogara pamberi paMwari. Tinoda simba rerudzikinuro reMuponesi kuitira kuti tikwanise kuyananiswa naBaba Vokudenga. Jesu Kristu akadimbura majoto erufu rwepanyama, achibvumira kumutswa kuvakafa kwevose. Anopa ruregerero rwezvivi, kana tikateerera kumitemo nezvisungo zvevhangeri Rake. Kuburikidza Naye, kusimudzirwa kumusoro‑soro kunopihwa. Mukana wekuwana chimuko kubva kusimba rerudzikinuro reMuponesi ndiwo mutoro unotakurwa neroketi wakakosha wekusikwa.

Kuti zvinangwa zvaBaba Vekudenga zvizadzikiswe, simba rerudzikinuro raKristu rinofanira kuva rinowanikwa nevana vaMwari.1 Hupirisita hunounza mikana iyi. Ndiyo roketi iyoyo. Hupirisita hwakakosha nekuti zvisungo nezvibvumirano zvinodikanwa zvepanyika zvinoitwa chete nemvumo yahwo. Kana hupirisita hukatadza kupa mukana wekuwana chimuko kubva kusimba rerudzikinuro reMuponesi, chii chinozova chinangwa chahwo? Hwungazove here chinhu chisinganzwisisiki, chinokwezva zvikuru kutariswa? Mwari vanotarisira kuti hupirisita hushandiswe zvinodarika kungoshandiswa chete zvemukirasi yeSvondo kana semukana wekushandira. Vanotarisira kuti hwuunze mutoro unotakurwa neroketi.

Twunhu twudiki twakakanganisika muroketi twunogona kukonzera kukundikana kwerwendo. Namo dzisina kusimba uye nokuora kwesimbi zvinokwanisa kukonzera roketi kuti injombe. Kudzivirira hupirisita tichitaura sefananidzo, kubva kunamo dzisina kusimba uye kukuora, kwesimbi Mwari vanodzivirira zvose kugadzwa nekushandiswa kwahwo.2 Kugadzwa kwehupirisita kunodzivirirwa nemakiyi ehupirisita, ayo anova kodzero dzehutungamiri dzinopiwa kuvanhu.3 Mashandisirwo ehupirisita saizvozvo anodzivirirwawo nemakiyi ehupirisita asi uyewo nezvibvumirano izvo zvinoitwa neane hupirisita. Kushandiswa kwehupirisita naizvozvo kunotongwa nezvose makiyi ehupirisita uye nezvibvumirano. Basa rehupirisita remurume rinopihwa kwaari iye pachake uye harivepo rakapatsanurwa kubva kwaari;4 hupirisita hahwusi chinhu chisina kurongeka chinopa simba rokuti uzvitonge.

Zvose Hufundisi hwaAroni nehwaMerkizedeki hwunogamuchirwa nechibvumirano.5 Mwari vanomisa mitemo uye munhu anoitambira. Mukutaura, vane hupirisita vanoita chibvumirano chokubatsira Mwari mubasa Ravo. Mumavambo emukuwo uno, Jesu Kristu akatsanangura kuti chibvumirano chehupirisita “chakasimbisiswa pamuri kuitira imi, kwete kuitira imi chete, asi kuitira nyika yose … nokuti havauye kwandiri.”6

Izvi zvinodzidzisa kuti chinangwa chehupirisita ndeche kukoka vamwe kuti vauye kuna Kristu kuburikidza nekuvabatsira kuti vagamuchire vhangeri rakadzorerwa. Tine hupirisita kuitira kuti tikwanise kubatsira vana vaBaba Vekudenga kuti varerutsirwe mutoro wezvivi uye vave saIvo. Kuburikidza nehupirisita, simba rehumwari rinoratidza muhupenyu hweavo vose vanoita nekuchengetedza zvibvumirano zvevhangeri uye nekugamuchira zvisungo zvinofambidzana nazvo.7 Iyi ndiyo nzira mumwe nemumwe wedu yaanouya nayo kuna Kristu, yaanocheneswa, uye yaanoyananiswa nayo kuna Mwari. Simba rerudzikinuro raKristu rinowanikwa kuburikidza nehupirisita, uhwo hunounza mutoro unotakurwa neroketi.

Zvibvumirano naMwari zvakadzama uye zvakatsiga. Munhu anofanirwa kugadzirira, kudzidza, uye kutora paari zvibvumirano izvozvi nechinangwa chekuzviremekedza. Chibvumirano chinova chipikirwa icho munhu anozvitsidzira zvakazara. Kudzokorora nemamwe mashoko zvakataurwa nemunyori wemitambo yeChirungu Robert Bolt, munhu anoita chibvumirano kana achida kuzvitsidzira zvinopfuura zvemazuva ose kuchivimbiso. Anomisa hukama hwakasimba pakati pechokwadi chechivimbiso nehunhu hwakarurama hwake pachake. Kana murume akaita chibvumirano, anenge achizvibata iye pachake, semvura, mumaoko akaitwa sekomichi ake. Uye kana akavhura zvigunwe zvake, haafanire kutarisira kuzviwana zvakare. Uyo anotyora chibvumirano anenge asisina iye pachake kutsidzira kana vimbiso yekupa.8

Uyo ane huprisita hwaAroni anoita chibvumirano chekudzivirira zvakaipa, kubatsira vamwe kuyananiswa kuna Mwari, uye kugadzirira kugamuchira Hupirisita hwaMerkizedeki.9 Mabasa anoyera aya anozadzikiswa apo paanodzidzisa, nokubhabhatidza, nekusimbisa nhengo dzeChechi, uye nekukoka vamwe kuti vagamuchire vhangeri. Idzi ndidzo nzira dzake dzekuzadzikisa basa. Mukudzorera, Mwari vanovimbisa tariro, ruregerero, kuparidza kwengirozi, uye makiyi evhangeri rerutendeuko nerubhabhatidzo.10

Uyo ane Hupirisita hwaMerkizedeki anoita chibvumirano kuzadzikisa mabasa anoenderana neehupirisita hwaAroni uye nekukudziridza kudaidzwa kwake muhupirisita hwaMerkizedeki.11 Anoita kudaro nekuchengetedza mirairo inoenderana nechibvumirano. Mirairo iyi inosanganisira kupa “ kuteerera kune hushingi kumazwi eupenyu hwokusingaperi” kuburikidza nekurarama neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari,12 kupupura uchapupu hwaJesu Kristu nehwebasa ramazuva ekupedzisira Rake,13 asingazvikudzi pachake,14 uye nokuva shamwari yeMuponesi, achivimba Naye sezvinoitwa neshamwari.15

Mukudzorera, Mwari vanovimbisa kuti ane Hupirisita hwaMerkizedeki anozogamuchira makiyi ekunzwisisa zvakavanzika zvaMwari. Anozova akarurama kuitira kuti agogona kumira pamberi paMwari. Anozogona kuzadzikisa chikamu chebasa rake mubasa reruponeso. Jesu Kristu anozogadzirira nzira pamberi paiye ane hupirisita uye anozova naye. Mweya Mutsvene unozova mumwoyo wemubati wehupirisita, uye ngirozi dzinozomusimudzira. Muviri wake unozosimbiswa nokuvandudzwa. Anozova mugari wenhaka yemakomborero aAbrahama, uye pamwechete nemudzimai wake, vave vagari venhaka pamwepo naJesu Kristu kuhumambo hwaBaba Vekudenga16 Izvi ndizvo “zvivimbiso zvinokosha zvakakura kwazvo.”17 Hapana zvivimbiso zvakakura kupfuura izvi zvingafungidzirwe.

Kumurume wese anogamuchira Hupirisita hwaMerkizedeki, Mwari vanotsinhira zvivimbiso zvechibvumirano Zvavo nechitsidzo.18 Chitsidzo ichi chiri maererano chete nekuhupirisita hwaMerkizedeki ,19 uye ndiMwari vanopika chitsidzo chacho, kwete uyo ane hupirisita.20 Nokuti mamiriro ezvinhu asina kufanana nemamwe aya anosanganisira simba nemvumo Zvavo zvehumwari, Mwari vanosevenzesa chitsidzo, vachishandisa mutauro une simba gurusa raVanokwanisa, kutivimbisa nezvechimiro chinosungira uye chisingadzokeri shure chevimbiso Dzavo.

Kurangwa kwakaomarara kunouya kubva mukutyora zvibvumirano zvehupirisita uye nekubva pazviri zvachose.21 Kuve tisina hanya kana kushaya chido muzvigaro zvehupirisita zvinofananidzwa nokuisa simbi isina kusimba muzvigadziriso zveroketi. Zvinokanganisa chibvumirano chehupirisita nokuti zvinogona kukonzera kukundikana kwebasa. Kusateerera kumirairo yaMwari kunotyora chibvumirano. Kune uyo anoramba achienderera, asingatendeuki mukutyora chibvumirano, zvikomborero zvakavimbiswa zvinotorwa.

Ndakasvika pakunzwisisa zvizere zvakanyanya hukama huripo pakati peroketi “rehupirisita” uye “mukana wekuwana chimuko kubva kusimba rerudzikinuro raKristu” zvinomirirwa nemutoro wezvinhu zvinotakurwa neroketi makore akawanda akapfuura. Pakupera kwerimwe svondo, ndakanga ndiine mabasa maviri andaifanira kuita. Rimwe raive rekumisa siteki yokutanga mune imwe nyika, uye rimwe racho raive rokubvunzurudza murume wechidiki uye, kana zvinhu zvose zvainge zvakarongeka adzorerwe hupirisita hwake nemakomborero emutemberi ake. Uyu murume aive nemakore makumi matatu akange apinda Chechi asati ave nemakore makumi maviri. Akashandira hushumiri zvine ruremekedzo. Asi paakadzoka kumba, akarasika munzira yake, uye akarasikirwa nehunhengo hwake muChechi. Kwapera makore akati kuti, “akacherechedza mamiriro ezvinhu zvake,”22 uye nerubatsiro rwevatungamiri vehupirisita vane rudo uye nenhengo dzine tsitsi, akatendeuka uye akadzoswa zvakare kuhunhengo muChechi nerubhabhatidzo.

Pashure akazoita chikumbiro chekuti hupirisita nemakomborero ekutemberi zvake zvidzorerwe. Takaronga nguva yekuonana neMugovera paawa yegumi mangwanani paimba yokusanganira. Apo pandakasvika kuzoita dzimwe bvunzurudzo dzaitangira yake, iye akange atovepo. Akange ane chido chikurusa kuti awane hupirisita zvakare, akanga asisakwanisi kumbomirira.

Panguva yebvunzurudzo yedu, ndakamutaridza tsamba yaitsanangura kuti Mutungamiri Thomas S. Monson vainge vaverenga nokuongorora chikumbiro chake uye vakapa mvumo yekuti tiite bvunzurudzo. Murume wechidiki ainge kazhinji akashinga, akachema misodzi. Zvino ndakazomuudza kuti zuva rebvunzurudzo yedu raisazova nechirevo chiri pamutemo muupenyu hwake. Akataridza kuvhiringidzika. Ndakamuudza kuti mushure mekudzorerwa kwemakomborero ake, chinyorwa chehunhengo hwake chaizotaridza chete rubhabhatidzo rwake rwokutanga, simbiso yake yokutanga, kugadzwa hupirisita kwake kwokutanga, uye mazuva eindaumendi yake yokutanga. Akada kuchema zvekare.

Ndakamukumbira kuti averenge kubva muDzidziso neZvibvumirano:

“Tarisai, uyo akatendeuka pazvivi zvake, iyeyo anoregererwa, uye ini Ishe, handizozviyeuka nariini.

“Nezvizvi muchaziva kana munhu atendeuka kuzvivi zvake—tarisai, anozvireurura uye ozvisiya.”23

Misodzi yakazadza maziso kechitatu. Zvino ndakaisa maoko angu pamusoro wake, uye nezita raJesu Kristu uye nemvumo iripamutemo yehupirisita hwaMerkizedeki, uye nemvumo yeMutungamiri weChechi, ndakadzorera huprisita hwake uye makomborero emutemberi ake.

Mufaro wakauya patiri wakanga uri mukuru. Aiziva kuti aive zvakare nemvumo yokubata uye kusevenzesa hupirisita hwaMwari. Aiziva kuti maropafadzo ake ekutemberi aive ave kushanda zvakazara zvakare. Aiva nemufaro zvikuru mumafambiro ake uye aitaridzika kuve nechiedza chaipenya paari. Ndakadada naye zvikuru, uye ndikanzwa kuti Baba Vekudenga vaidadawo naye.

Mumashure maizvozvo, siteki yakamiswa. Misangano yacho yakapindwa neVatendi vakatendeka vazhinji vaifara zvikuru, uye vatungamiri vesiteki vanoyemurika vakatsigirwa. Zvisinei, kwandiri, chiitiko chikurusa chekuronga siteki yokutanga iyi munyika chakakundwa nemufaro wandakanzwa mukudzorera makomborero kune murume wechidiki uyu.

Ndakazosvika pakuziva kuti chinangwa chekuronga siteki, kana kushandisa hupirisita hwaMwari nenzira ipi zvayo, ndechekubatsira Baba Vekudenga naJesu Kristu mubasa Ravo—rokupa mukana werununuro uye wekusimudzirwa kumusoro‑soro kune mumwe nemumwe wevana vaMwari. Sekufanana neroketi rine chinangwa chekuunza mutoro wezvinhu zvainotakura, hupirisita hunounza vhangeri raJesu Kristu, hwuchikwanisa vose kuita zvibvumirano uye nekugamuchira zvisungo zvinoenderana nahwo. “Ropa rerudzikinuro raKristu”24 rinogona naizvozvo kushandiswa muhupenyu hwedu apo patinowana shanduro inotsvenesa yeMweya Mutsvene uye nokugamuchira makomborero anovimbiswa naMwari.

Pamusoro pokuteerera mirairo nezvisungo zvevhangeri iwe pachako, ndinokukokai kuti muite nekuchengetedza zvibvumirano zvehupirisita. Gamuchirai chitsidzo chaMwari uye nevimbiso Yake. Kudziridzai mabasa enyu muhupirisita kubatsira Baba Vokudenga naJesu Kristu. Shandisai hupirisita kuunza mukana wekuwana chimuko kubva kusimba rerudzikinuro reMuponesi kune mumwe munhu! Apo pamunodaro, makomborero makuru anozouya kwamuri nekumhuri dzenyu. Ndinopupura kuti Mununuri anorarama uye anotungamirira basa iri, nemuzita raJesu Kristu, ameni.