2011
Kusimbisa Mhuri nemuKuwedzera zveMweya
Gunyana 2011


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, RAGUNYANA 2011

Kusimbisa Mhuri nemuKuwedzera zveMweya

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsire kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Julie B. Beck, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, akati: “Mandiri makura uchapupu hwakasimba hwekukosha kwevanasikana vaMwari. … ndinozwa kuti hakuna kumbove nekudikanwa kukuru kwerutendo rwakawedzerwa neururami hwakawedzerwa hwako pachako. Hakuna kumbova nekudikanwa kukuru kwemhuri nedzimba dzakasimba.”

Masisita anokwanisa kubatsira kumisa dzimba nemhuri dzakasimba apo vanoshandisa kuziviswa kwavo pachako. “Kwaniso yekukodzera, kutambira, nekushandisa kuziviswa kwako pachako ndihwo hunyanzvi humwechete hunokoshesesa hunokwanisa kuwanikwa muupenyu huno,” Sisita Beck vakaenderera mberi. “Kukodzera Myeya waMwari kunotanga nechido cheMweya iwoyo uye zvinoratidza mumwe mwero wekodzero. Kuchengeta mirairo, kutendeuka, nekuvandudza zvibvumirano zvakaitwa parubhabhatidzo zvinotungamirira kuropafadzo rekuva neMweya waIshe uinesu nguva dzose. Kuita nekuchengeta zvibvumirano zvetemberi zvinowedzerawo ushingi nesimba remweya kuupenyu hwemukadzi. Mhinduro zhinji kumibvunzo yakaoma dzinowanikwa nekuverenga magwaro matsvene nokuti magwaro matsvene ndiwo rubatsiro kukuziviswa. … Kunamata mazuva ose kwakakosha pakuva neMweya waMwari uinesu.”1

Tinosimbisawo nhengo dzemhuri dzedu pamweya apo tinovabatsira kunzwisisa chirongwa chaBaba Vekudenga chekusingaperi. “Chii chatingaite kugadzirira vana vedu zvirinani pamweya kuitira mabasa avo ekusingaperi?” vakabvunza Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositori Gumi Nevaviri. “Zvichida mhinduro yakanyatsokwana ndeyekuti: Vadzidzisei kurarama misimboti yevhangeri.” Kudzidzisa uku kunouya kuburikidza nomunamato mazuva ose, nokudzidza magwaro matsvene, uye munguva dzekudya dzemhuri pamwepo nemunguva yemhuri pamba manheru uye nokuenda kuChechi svondo rega-rega. Gosa Ballard vanotsanangura: “Tinogadzirira upenyu husingaperi, iyezvino, zuva rega-rega. Kana tisiri kugadzirira upenyu husingaperi, tirikugadzirira chimwe chinhu chakaderera, zvichida chimwe chinhu chakanyanyisa kuderera.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

Zvirevo 22:6; 1 Johane 3:22; Dzidziso neZvibvumirano 11:13–14; 19:38; 68:25

Kubva muNhoroondo Yedu

Muporofita Joseph Smith vakadzidzisa masisita mumusangano weChita cheRubatsiro waKubvumbi 1842 kuti vanesungiro inoyera yekutsvaga ruponeso rwavo pachavo. Vakati, “Mushure merairo [yangu], munenge mavakuzozvipindurira pazvitadzo zvenyu; rukudzo runodikanwa kuti mufambe saizvozvo pamberi paBaba vedu vekudenga kuti muzviponese; tese tinopindura kuna Mwari nenzira yatinonatsa chiedza neuchenjeri zvinopihwa naIshe vedu kuti tikwanise kuzvinopensa.”3 Vakavadzidzisa kuva vanhu vakarurama, kuva vanhu vatsvene, uye kuti vagadzirire zvisungo nezvibvumirano zvetemberi.

Zvinyorwa

  1. Julie B. Beck, “Uye pamusoro peVarandakadzi muMazuva Iwayo Ndichadururira Mweya Wangu,” Liahona,Chivabvu 2010, 10,11.

  2. M. Russell Ballard, “Kukudziridza zveMweya,” Ensign, Mbudzi 1978, 65, 66.

  3. Dzidziso dzeVatungamiri veChechi: Joseph Smith (2007), 355.

Chii Chandingaite?

  1. Ndingabatsire sei masisita angu kuwedzera mukuzviriritira pane zvemweya?

  2. Ndinganatse sei kwaniso yangu pachangu yekucherechedza nekudaira kuMweya Mutsvene?

Mufananidzo wakaitwa naWelden C. Andersen