2011
Dzidziso dzeNguva Yedu
Mbudzi 2011


Dzidziso dzeNguva Yedu

Dzidziso dzeHufundisi hwaMerkizedeki nedze Chita choRubatsiro paSvondo yechina dzichamisirwa ku”Dzidziso dzeNguva Yedu” Chidzidzo chega chega chinokwanisa kugadzirirwa kubva kunhaurwa imwechete kana kupfuura idzo dzakapuwa mumusangano mukuru uchangopfuura (ona chati iri pazasi). Vatungamiri vesiteki nevedunhu vangangokwanisa kusarudza nhaurwa dzinofanira kushandiswa, kana kuti vangangopa basa iri kumabhishopi nevatungamiri vebazi. Vatungamiri vanofanira kusimbisa kukosha kwazvakaita kuti mabhuratha eHufundisi hwaMerkizedeki nemasisita eChita choRubatsiro vadzidze nhaurwa dzimwechetedzo pamisi yeSvondo mimwecheteyo.

Avo vanopinda zvidzidzo zveSvondo yechina vanokurudzirwa kudzidza uye kuuya kukirasi nemagazini remusangano mukuru uchangopfuura.

Mazano eKugadzirira Chidzidzo kubva muNhaurwa

Namata kuti Mweya Mutsvene uzova newe apo paunodzidza nekudzidzisa nhaurwa (iyi/idzi). Ungangonzwa kuda kugadzirira chidzidzo uchishandisa zvimwe zvinyorwa, asi nhaurwa dzemusangano ndizvo zvidzidzo zvinobvumidzwa. Basa rako nderokubatsira vamwe kudzidza nokurarama vhangeri sekudzidziswa kwarakaitwa mumusangano mukuru weChechi unenge uchangopfuura.

Wongorora nhaurwa (iyi/idzi), uchitsvaka misimboti nedzidziso zvinozadzikisa zvidikanwi zvenhengo dzekirasi. Tsvakawo nyaya, ndima dzakatapwa kubva mumagwaro matsvene, nezvirevo kubva munhaurwa zvinozokubatsira kudzidzisa chokwadi ichi.

Nyora tsananguro inoratidza madzidzisiro achaitwa misimboti nedzidziso. Tsananguro yako inofanira kusanganisira mibvunzo inobatsira nhengo dzekirasi:

  • Tsvaka misimboti nedzidziso munhaurwa (iyi/idzi).

  • Funga pamusoro pezvazvinoreva.

  • Govera nzwisiso, mazano, zviitiko, nezvapupu.

  • Shandisa misimboti iyi nedzidziso idzi muupenyu hwavo.

Mwedzi Inodzidziswa Zvidzidzo

Zvinyorwa Zvokushandisa muChidzidzo cheSvondo yeChina

Mbudzi 2011 –Kubvumbi 2012

Nhaurwa dzakashambadzwa mu Liahona yaMbudzi 2011*

Kubvumbi 2012–Gumiguru 2012

Nhaurwa dzakashambadzwa mu Liahona yaKubvumbi 2012*