2012
Dzidziso yeKushanyirana, Basa Rinoyera
Chikumi 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikumi 2012

Dzidziso yeKushanyirana—Basa Rinoyera

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Mufananidzo
Chiratidzo cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Sevadzidzisi vekushanyirana, tinebasa rezvomweya rakakosha ratinofanira kuzadzikisa. “Bhishopi, uyo anova mufudzi wehwai akagadzwa wewadhi, haangakwanisi kutaririra hwai dzose dzaIshe panguva imwecheteyo. Anomira nevadzidzisi vekushanyirana vakafemerwa kumubatsira.”1 Kutsvaka nokutambira zvakazarurwa pakuti ndiani anofanira kupihwa basa rokutaririra sisita wega wega chinhu chakakosha zvikuru.

Kufemerwa kunotanga apo nhengo dzeutungamiri hweChita cheRubatsiro dzinokurukura nomunamato zvidikanwi zvemunhu pachake nezvemhuri. Zvino, nemvumo yabhishopi, Vatungamiri veChita cheRubatsiro vanopa basa nenzira inobatsira masisita kunzwisisa kuti dzidziso yekushanyirana ibasa rezvomweya rakakosha.2

Vadzidzisi vokushanyirana pachokwadi vanosvika pakuziva nekuda sisita wega wega, kumubatsira kusimbisa rutendo rwake, nokumupa rubatsiro parunenge ruchidikanwa. Vanotsvaka femero yavo pachavo kuti vazive kuti vangadavira sei kuzvidikanwi zvepamweya nezvapanyama zvasisita wega wega wavanoshanyira.3

“Dzidziso yekushanyirana inonova basa raIshe kana kunangisa kwedu kuri pavanhu pane kuva pauwandu hweavo vakashanyirwa. Muchokwadi, dzidziso yekushanyirana hayimbopedzwi. Inonyanya kuva nzira yeupenyu kupinda kuva basa.”4

Kubva muMagwaro Matsvene

Mateo 22:36–40; Johane 13:34–35; Aruma 37:6–7

Kubva muNhoroondo Yedu

Eliza R. Snow, mutungamiri weruzhinji weChita cheRubatsiro wechipiri akadzidzisa, “Ndinotora chigaro chemudzidzisi kuva chigaro chepamusoro uye chitsvene.” Akaraira vadzidzisi vekushanyirana “kuti vazadzwe neMweya waMwari, weuchenjeri, wekuzvininipisa, werudo” vasati vashanyira dzimba kuitira kuti vave vanozokwanisa kuziva nokuzadzikisa zvidikanwi zvomweya pamwepo nezvepanyama. Akati, “Mungangonzwa kuti munofanira kutaura manzwi erunyararo nenyaradzo, uye kana mukawana sisita achitonhorwa, mutorei kumwoyo yenyu sezvamungaita mwana kuchipfuva chenyu uye mudziyisei.”5

Apo tinofambira mberi murutendo sezvakaitwa nemasisita ekutanga eChita cheRubatsiro, tinozova neMweya Mutsvene nesu uye tinozofemerwa kuziva mabatsiriro atingaita sisita wega wega watinoshanyira. “Nga[ti]tsvakei ungwaru kunze kwesimba,” akadaro Sisita Snow, “uye tichazova nesimba rose ra[ti]noungwaru hwokurishandisa.6

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Julie B. Beck, “Relief Society: A Sacred Work,” Riahona, Mbudzi. 2009, 114.

  2. Ona Handbook 2: Administering the Church (2010), 9.5; 9.5.2.

  3. Ona Handbook 2, 9.5.1

  4. Julie B. Beck, Riahona, Mbudzi. 2009, 114.

  5. Eliza R. Snow, mu Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 108.

  6. Eliza R. Snow, mu Daughters in My Kingdom, 45–46.