2012
Kuita Chimwe Chinhu muNguva yeChidikanwi
Nyamavhuvhu 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Nyamavhuvhu 2012

Kuita Chimwe Chinhu muNguva yeChidikanwi

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Mufananidzo
Chisimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Sevadzidzisi vekushanyirana, chimwe chezvinangwa zvedu ndechekubatsira kusimbisa mhuri nedzimba. Masisita atinoshanyira anofanira kukwanisa kuti, “kana ndiine matambudziko, ndinoziva kuti vadzidzisi vekushanyirana vangu vachabatsira vasingamiriri kukumbirwa.” Kuti tikwanise kushandira, tine basa rekuti tizive zvidikanwi zvemasisita atinoshanyira. Apo patinotsvaga femero, tinozoziva madairiro ekuita kuzvidikanwi zvemweya nezvenyama zvasisita wega wega watakagoverwa kuti tishanyire. Zvino, tichishandisa nguva yedu, unyanzvi, matarenda, minamato yerutendo, netsigiro yezvemweya neyemanzwiro, tinokwanisa kubatsira kupa mushando unetsitsi munguva dzehurwere, rufu, nemawe mamiriro ezvinhu asiri amazuva ose.1

Kuburikidza nerubatsiro rwezvinopirwa kubva kuvadzidzisi vekushanyirana, vatungamiri veChita cheRubatsiro vanoziva avo vanezvidikanwi zvisiri zvamazuva ose nokuda kwehurwere hwenyama kana hwemanzwiro emumwoyo, njodzi nezviitiko zvinenge zvisina kutarisirwa, kuzvarwa kwevana, rufu, kuremara, kusurukirwa, kana zvimwe zvinetso. Mutungamiri weChita cheRubatsiro zvino anonopira zviwanikwa zvake kuna Bhishopi Ari pasi pekutungamirwa naBhishopi, anoronga rubatsiro.2

Sevadzidzisi vekushanyirana tinokwanisa kuva “nechikonzero chikuru … chekufara” nokuda” kwemaropafadzo akaiswa patiri, kuti takaitwa midziyo mumaoko aMwari kuti tiite basa guru iri” (Aruma 26:1, 3).

Kubva muMagwaro Matsvene

Mateo 22:37–40; Ruka 10:29–37; Aruma 26:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 82:18–19

Kubva muNhoroondo Yedu

Mumakore ekutanga eChechi, hunhengo hwakanga huri huduku uye huri panzvimbo imwechete. Nhengo dzaikwanisa kudaira nekukurumidza apo painge mumwe munhu aine chidikanwi. Nhasi hunhengo hwedu hunodarika mamiriyoni gumi nemana uye hwakapararira pasi rose. Dzidziso yekushanyirana chikamu chechirongwa chaIshe chekupa rubatsiro rwevana Vavo vose.

“Nzira chete ingakwanisa kupa rubatsiro nenyaradzo muchechi yose yakakura kudai munyika yakasiyana kudai ingangova kuburikidza nevaranda varipadyo nevanhu vane zvidikanwi,” akadaro Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri weKutanga muHutungamiri HweKutanga.

“… Bhishopi wega wega uye mutungamiri webazi wega wega ane mutungamiri weChita cheRubatsiro wekumira naye,” akaenda mberi. “Ane vadzidzisi vekushanyirana, vanoziva zviedzo nezvidikanwi zvasisita wega wega. Anokwanisa, kuburikidza navo, kuziva mwoyo yevanhu pachavo neyemhuri. Anokwanisa kuzadzisa zvidikanwi nekubatsira bhishopi mubasa ravo rekutaririra nekuchengeta vanhu pachavo nemhuri.3

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona Handbook 2: Administering the Church (2010), 9.5.1; 9.6.2.

  2. Ona Handbook 2, 9.6.2.

  3. Henry B. Eyring,mu Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 110.

Chii Chandingaite?

  1. Ndiri kushandisa here zvipo nematerenda angu kukomborera vamwe?

  2. Masisita andinotaririra anoziva here kuti ndinoda kuvabatsira apo pavanenge vaine chidikanwi?