2013
Kutendeukira kuna Ishe
Kukadzi 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2013

Kutendeukira kuna Ishe

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Masisita matsva eChechi—kusanganisira Vasikana Vechidiki vari kupinda kuChita cheRubatsiro, masisita vari kudzoka mukusimba muchechi, uye vatendeuki vatsva—vanoda rutsigiro neushamwari hwevadzidzisi vekushanyirana. “Kutora chinhanho kwenhengo kwakakosha zvikuru mukuchengetedza vatendeuki uye mukudzosa nhengo dzisisina kusimba kuti dzive dzakasimba zvakazara.” Vakadaro Elder M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. “Torai pfungwa yokuti Chita cheRubatsiro … chinokwanisa kuva [chimwe] chezvinhu zvakasimbisisa zvekuvaka ushamwari zvatinazvo muChechi. Nanavirai nokukurumidza kuna avo vari kudzidziswa uye varikubatsirwa kuti vasimbe zvakare, uye vadei muChechi kuburikidza nechita chenyu.”1

Senhengo dzeChita cheRubatsiro, tinokwanisa kubatsira nhengo itsva kudzidza maitirwo ezvinhu muChechi, sezvakaita:

  • Kupa nhaurwa.

  • Kupa uchapupu.

  • Kurarama murau wekutsanya.

  • Kubhadhara chegumi nezvimwe zvipo.

  • Kutora chinhanho mubasa renhoroondo yemhuri.

  • Kuita rubhabhatidzo nerusimbiso rwemadziteteguru avo akafa.

“Zvinotora shamwari dzinehanya kuita kuti nhengo itsva dzinzwe kugadzikana nokutambirwa kuchechi,” vakadaro Elder Ballard.2 Tose, asi kunyanya vadzidzisi vekushanyirana, tine mabasa akakosha ekuvaka ushamwari nenhengo itsva senzira yokuvabatsira kuti vave “vakatendeukira kuna Ishe” zvakasimba (Aruma 23:6).

Kubva muMagwaro Matsvene

2 Nifai 31:19–20; Moronai 6:4

Kubva muNhoroondo Yedu

“Nekukura nguva dzose kwehuwandu hwevatendeuki,” vakadaro Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008), “tinofanira kuedza zvakasimba uye zvakawedzerwa kuvabatsira apo vanowana gwara ravo. Mumwe nemumwe wavo anoda zvinhu zvitatu: shamwari, basa, uye kusimudzirwa ne‘shoko rakanaka raMwari’ (Moroni 6:4).”3

Vadzidzisi vekushanyirana vari munzvimbo yokubatsira avo vavanotaririra. Hushamwari kazhinji hunouya kutanga, sezvazvakaita kuna sisita wechidiki weChita cheRubatsiro uyo akanga ari mudzidzisi wekushanyirana wasisita akanga ari mukuru chaizvo kwaari pakuzvarwa. Vakanga varikutora nguva yakareba mukuvaka ushamwari kusvikira vashanda pamwechete pane rimwe basa rokutsvaira. Vakava shamwari, uye apo vaitaura pamusoro peShoko reDzidziso Yokushanyirana, vose vakasimudzirwa ne “shoko rakanaka raMwari.”

Mutungamiri Joseph Fielding Smith (1876–1972) vakati Chita cheRubatsiro “chikamu chakakosha zvikuru cheumambo hwaMwari pasi uye … Chinobatsira nhengo dzacho dzakatendeka kuwana upenyu hwokusingaperi muumambo hwaBaba vedu.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. M. Russell Ballard, “Members Are the Key,” Liahona, Gunyana 2000, 18.

  2. M. Russell Ballard, Liahona, Gunyana 2000, 17.

  3. Gordon B. Hinckley, “Every Convert Is Precious,” Liahona, Kukadzi 1999, 9.

  4. Joseph Fielding Smith, mu Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 97.

Chii Chandingaite?

  1. Ndinonamatira here mufambidzani wangu nokukumbira kuti Mweya utitungamirire apo tinodzidzisa masisita edu?

  2. Inzira dzipi dzatingashandira nadzo sisita woga woga watinotaririra kuitira kuti azive kuti zvechokwadi tinehanya naye?