2013
Bvunzurudzo Yako Pachako naMwari
Kubvumbi 2013


Vechidiki

Bvunzurudzo Yako Pachako naMwari

Mutungamiri Eyring vanodzidzisa kuti apo patinoteerera kuminamato yesakaramende, tinokwanisa kunzwa sekunge tirikuita bvunzurudzo yedu pachedu naMwari. Mutungamiri Eyring vanofunga nezvezvikamu zvitatu zvinotevera. Funga kunyora mibvunzo iyi mujenari rako uye ufungisise nezvayo musi weSvondo wega wega mwedzi uno. Apo paunofungisisa uye uchigachira manzwiro kubva kuMweya Mutsvene, unokwanisawo kunyora pamusoro pazvo mujenari rako.

  • Chii chandaita chafadza Mwari?

  • Chii chandinofanira kutendeuka pachiri kana kukumbirira ruregerero pachiri?

  • Ndiyani anodiwa naMwari kuti ndishandire?