2014
Nguva Yakanakisisa yekuSima Muti
Ndira 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Ndira 2014

Nguva Yakanakisisa yeku Sima Muti

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

MuRoma yamakare-kare, Janus aiva mwari wemavambo. Kazhinji aitaridzwa mumifananidzo aine zviso zviviri—chimwe chakatarisa kumashure kune zvakapfuura, chimwe chakatarisa kumberi kune zveramangwana. Dzimwe ndimi dzinotumidza mwedzi waNdira mushure make nokuda kwekuti kutanga kwegore kwaiva nguva yekurangarira kwakadzama pamwepo nokuronga.

Mushure mezviuru zvemakore, marudzi mazhinji pasi rose vachiri kuita tsika yokumisa zvitsidzo zvokuzvinatsa mugore idzva. Chokwadi, kuita zvitsidzo kurinyore—kuzozvichengeta ndechimwe chinhu chakasiyana zvachose.

Mumwe murume akanga aita mudorongodzwa wakareba wezvitsidzo zveGore Idzva akanzwa kufara kukuru nekufambira mberi kwake. Akafunga kuti, “Kusvika parizvino, ndakachengeta chitsidzo changu chokudya zvishoma, handina kushatirwa, ndakatevedzera hurongwa hwangu hwekushandisa mari, uye handina kumbogunun’una kana kamwe zvako pamusoro peimbwa yemuvakidzani wangu. Asi nhasi musi wa 2 Ndira uye chiringazuva changu charira kutaridza kuti yava nguva yokuti ndimuke. Zvichatora chishamiso kuti ndirambe ndichitevera zvitsidzo zvangu zvose.

Kutanga Patsva

Kutanga patsva kune chimwe chinhu chinopa tariro huru. Ndinofunga paneimwe nguva tose takada kutanga patsva tisina zvikanganiso kana tariro dzakare.

Ndinofarira chaizvo kuwana kombuyuta itsva iyo inenge ine hadhi dhiraivhi rakachena. Kwenguva yakatikuti inoshanda zvakanakisisa. Asi apo mazuva nemavhiki paanopfuura uye mapurogiramu akawanda paanoiswa (mamwe nokuda, mamwe nokusada), nokupedzisira kombuyuta inotanga kungomira pakati pokushanda kwayo, uye zvinhu zvayaisiita nokukurumidza uye zvakanyatsonaka zvotanga kunonoka kuitika. Dzimwe nguva haishandi zvachose. Kunyange kuibakidza kunokwanisa kuva basa guru apo hadhi dhiraivhi parinoremerwa nezvinyorwa namamwe mapurogiramu asingadikanwi uye asina basa. Pane nguva apo sarudzo inenge iripo chete ndeye kudzima zvose zviri muhadhi dhiraivhi yekombuyuta nokuisa mapurogiramu zvakare uye kwava kutanga patsva.

Vanhu vanokwanisa saizvozvo kuremerwa nekutya, kusabvuma, uye kunzwa mhosva nguva dzose. Zvikanganiso zvatakaita (zvese tichida uye tisingadi) zvinokwanisa kutiremera kusvikira zvotaridzika sezvinhu zvakaoma kuita izvo zvatinoziva kuti tinofanira kuita.

Pachivi chinenge chaitwa, kune nzira yakanakisisa yokudzima chivi ichocho inonzi rutendeuko iyo inotibvumira kuchenesa mahadhi dhiraivi edu emukati kubva kuzvinhu zvisingadikanwi izvo zvinoremera moyo yedu. Vhangeri, kuburikidza neRudzikinuro runoshamisa uye rune tsitsi rwaJesu Kristu, rinotitaridza nzira yokuchenesa mweya yedu kubva kumavara echivi uye zvakare tova vatsva, vatsvene, uye vasina mhaka semwana mudiki.

Asi dzimwe nguva zvimwe zvinhu zvinotinonotsa nokutitadzisa kufambira mberi, zvichikonzera pfungwa dzisina chimuko uye zviito izvo zvinoita kuti zvive zvakatiomera kutanga kuita izvo zvatinofanira kuita.

Kuburitsa Zvakanakisisa Matiri

Kumisa zvinangwa chiito chakakodzera. Tinoziva kuti Baba Vedu Vokudenga vane zvinangwa nokuti Vakatiudza kuti basa Ravo nokubwinya Kwavo “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.” (Moses 1:39).

Zvinangwa zvedu pachedu zvinokwanisa kuburitsa kunakisisa matiri. Zvisinei, chimwe chezvinhu izvo zvinotikangaidza pakuedza kwedu mukuita nokuchengeta zvitsidzo ndechekuverengera. Dzimwe nguva tinononoka kutanga, takamirira nguva yakanaka yekuti titange—zuva rokutanga regore idzva, kutanga kwezhizha, apo patinenge tazodaidzwa saBhishopi kana mutungamiri weChita Cherubatsiro, mushure mokunge vana vatanga kupinda chikoro, mushure mukunge taregera kushanda.

Haufaniri kutanga watambira kukokwa usati watanga kufamba wakananga kuzvinangwa zvako zvakaruruma. Haufaniri kumirira mvumo yokuva munhu wawakasikirwa kuva. Haufaniri kumirira kukokwa kuti ushandire muChechi.

Dzimwe nguva tinokwanisa kutambisa makore ehupenyu hwedu takamirira kusarudzwa (ona D&Z 121:34–36). Asi aya mafungiro amanyepo. Wakasarudzwa nakare!

Pane dzimwe nguva muhupenyu hwangu ndakatadza kurara ndichinetsekana nezvinhu, zvinetso, kana kusuwa kwangu pachangu. Asi zvisinei nokusviba kungaita usiku, nguva dzose ndinokurudzirwa nepfungwa iyi: murungwanani zuva richabuda.

Nezuva roga roga idzva, mambakwedza matsva anouya—kwete kunyika chete asi nekwatiriwo. Uye nezuva idzva kunouya mavambo matsva—mukana wekutanga zvakare.

Asi Ko Kana Tikakundikana?

Dzimwe nguva chinhu chinotitadzisa kufambira mberi kutya. Tingangokwanisa kutya kuti hatizobudiriri, kuti tinozobudirira, kuti tingangonyadziswa, kuti budiriro ingangotichinja kana kuti ingangochinja vanhu vatinoda.

Saka tinomirira. Kana kuora mwoyo torega.

Chimwe chinhu chatinofanira kuyeuka maererano nekumisa zvinangwa ndechichi: Kazhinji kacho chaizvo tinozokundikana—kunyanya kwechinguva chidiki. Asi panokuora moyo, tinokwanisa kusimbiswa nokuti nzwisiso iyi inobvisa manzwiro ekuremerwa netarisiro yekuva takarurama iyezvino. Inotaridza kubvira pokutanga kuti pane imwe nguva tinokwanisa kutadza kuita zvose izvo zvatinotarisirwa kana zvatinokumbirwa kuti tiite. Kuziva izvi kubvira pokutanga kunobvisa kushamiswa nokuodzwa moyo kuzhinji uko kunouya patinokundikana.

Apo patinoita zvinangwa zvedu nenzira iyi, kukundikana hakuzotitadzisi kuramba tichifambira mberi. Yeukai kuti, kunyangwe tikatadza kusvika iyezvino kuchinangwa chedu chikuru chatinoda, tinenge tatofambira mberi nemunzira inozotungamirira kusvika kwedu kwachiri.

Uye izvozvo zvinebasa—zvinokosha zvikuru.

Kunyangwe tikatadza kusvika kumagumo enzira yedu, kungoenderera mberi nerwendo kunozotiita kuti tikure kupinda zvatanga tiri.

Nguva Yakanakisisa yoKutanga Ndizvino

Chirevo chakare chinoti, “Nguva yakanakisisa yokusima muti makore makumi maviri akapfuura. Nguva yakanaka zvinotevera ndizvino.”

Kune chimwe chinhu chinoshamisa uye chine tariro pamusoro peinzwi rokuti iyezvino. Kune chimwe chinhu chinosimbisa pamusoro pechokwadi chekuti kana tikasarudza kufunga iyezvino, tinokwanisa kufambira mberi panguva ino chaiyo.

Iyezvino ndiyo nguva yakanakisisa kutanga kuva munhu watinoda kupedzisira tava—kwete chete makore makumi maviri kubva iyezvino asiwo nokusingaperi kwese.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Uchtdorf vakatsanangura kuti apo patinotadza kusvika pazvinangwa zvedu, “tinokwanisa kusimbiswa. … Kunyangwe tikatadza kusvika kumagumo enzira yedu, kungoenderera mberi nerwendo kunozotiita kuti tikure kupinda zvatanga tiri.” Kumbira nhengo dzemhuri kuti dzigovere zviitiko umo mavakadzidza zvakawanda kubva munzira yokuzviita kupinda zvavakadzidza kubva mukupedzisira kwazvo, sezvakaita kugirajuweta kubva kuchikoro kana kutambira mubairo wekukunda.