2014
Musangano Mukuru neNi
Kubvumbi 2014


Vechidiki

Musangano mukuru neNi

Munyori wenyaya iyi anogara muToronto, Canada

Ndaimbofunga kuti mugovera nesvondo unoitwa musangano mukuru wakanga wakareba uye usinganakidze, asi nekufamba kwenguva, ndakazosvika pakuuda nekuutarisira. Mugovera nesvondo wemusangano mukuru unokwanisa kutisimbisa panezvemweya, asi zviri nyore kuregera manzwiro aya achiderera apo upenyu hwamazuva ose pahunoenderera mberi musi weMuvhuro. Mamwe emazano anotevera akandibatsira kuti ndirambe ndichiwana zvakawanda zvinokwanisika kubva mumusangano mukuru.

Ndinozvigadzirira musangano mukuru nekunyora pasi mibvunzo, zvino ndozonyora pasi zvinyorwa apo mibvunzo yangu painenge ichipindurwa. Pashure, ndinoda kutora nhaurwa nemumhanzi zvemusangano mukuru kubva kuLDS.org uye ndozviisa paMP3 kuitira kuti ndikwanise kuteerera kunhaurwa kana rwiyo apo pandinenge ndichiita mabasa angu ezuva rega rega. Ndinodawo kunzvera magazini remusangano mukuru reLiahona. Ndinomaka uye ndichinyora zvinyorwa kumucheto wemapeji emagazini rangu pachangu. Panguva inozoitika musangano mukuru unotevera, magazini rangu rinenge rashandiswa zvakazara. Dzimwe nguva mhuri yangu inonzvera mashoko emusangano pamwechete munguva yemanheru emhuri.

Kuchengeta mweya watakanzwa munguva yemusangano mukuru uinesu nekuramba tichidzidza kubva mumashoko zvinoda kushanda, asi kuita izvi kwakava ropafadzo guru kwandiri. Ndakagashira simba guru kwazvo nenhungamiro munguva dzezvinetso nekunzvera mashoko anobva mumusangano mukuru.