2014
Chidzimikiso Chakadzikwa Zvakasimba
Kubvumbi 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2014

Chidzimikiso Chakadzikwa Zvakasimba

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Nguva pfupi yakapfuura ndakava nemukana wekufamba ndiri mungarava ichitevedza mahombekombe egungwa akanakisa eAlaska, USA. Apo mutungamiri wengarava paaigadzirira kumira kwengarava usiku ihwohwo pahanwa yaiva kwayo yega uye yaiva yakanaka isina wakamboikanganisa, akanyatsowongorora nzvimbo iyi nemamiriro ezvinhu, sezvakaita masimukiro nemadzikiro anoita masaisai emvura, hudzami hwemvura dzacho, uye chinhambwe kubva kuzvinhu zvine njodzi. Apo paakagutsikana, akadzikisa chidzimikiso chengarava mugungwa kuitira kuti ngarava irambe yakachengeteka zvakanaka uye yakadzimikirwa zvakasimba, zvichibvumira vanhu vakanga vakatakurwa mukana wekuyemura runako rwunoshamisa rwezvisikwa zvaMwari.

Apo pandaitarisa panzvimbo yekumahombekombe iyi, ndakatanga kuona kuti ngarava yakanga ichi yeredzwa zvishomanana zvisingambooneka nekuvhuvhuta kushoma shoma kwemhepo nemasaisai aiva pasi. Zvisinei, ngarava yakaramba yakamira zvakasimba uye ichingova munzvimbo imwechete zvichikonzerwa nekureba kwakanga kwakaita cheni dzechidzimikiso nesimba rechidzimikiso chacho.

Mutungamiri wengarava akanga asina kuchengeta chidzimikiso chakakotswa mungarava, chakagadzirirwa kuzodzikiswa chete kana dutu riri razouya. Kwete, akanga adzimikira ngarava semutoo wekuichengetedza uye akadzivirira ngarava kuti isafambe ichienda mumvura dzine njodzi kana kuyerera zvishoma nezvishoma kuenda kumucheto kwegungwa kusina mvura apo vanhu vakanga vakatakurwa nevashandi vachinzwa kuchengetedzwa zvakanaka.

Apo pandaifunga nezve mamiriro ezvinhu aya, zvakauya kwandiri kuti kana uyu wakanga usiri mukana mukuru wekudzidzisa nerungano rwemufananidzo, zvaireva kuti ndakanga ndisina kumbotyaira ndege (chinhu chinozivikanwa zvikuru kuti Mutungamiri Uchtdorf vaiita).

Chikonzero Chatinodira Zvidzimikiso

Chinangwa chechidzimikiso ndechekuchengetedza zvakanaka nekugarisa ngarava yakamira panzvimbo inodikanwa kana kubatsira kudzikamisa ngarava mumamiriro ekunze akaipa. Zvisinei, kubudirira pazvinangwa zvinokosha izvi, kungova nechidzimikiso hakuna kukwana. Chidzimikiso chinofanira kuva chakasimba, chinovimbwa nacho, uye chichishandiswa zvakanaka panguva nepanzvimbo yakakodzera.

Vanhu pachavo nemhuri vanoda zvidzimikiso.

Dambudziko rinokwanisa kuuya sedutu guru rinotipupurutsira munzira isiri iyo uye richitiisa munjodzi yekutirovera pamatombo. Asi dzimwe nguva tiriwo munjodzi apo zvinhu zvose pazvinoratidzika sezvakachengetedzeka zvakanaka—mhepo dzirishoma uye mvura dzakadzikama. Chokwadi ndechekuti, tinokwanisa kuva munjodzi huru huru apo patinenge tichiyerera uye kusuduruka kwacho kuri kushomanana zvekuti tinenge tisingambozviona.

Vhangeri Ndicho Chidzimikiso Chedu

Zvidzimikiso zvinofanira kuva zvakasimba,uye zvichichengetwa zvakanyatsonaka kugadzirira apo pazvinozodikanwa. Pamusoro pezvo, zvinofanira kunamirwa kuhwaro hunokwanisa kutakura huremu hwezvinhu zvinorwisa.

Hongu,vhangeri raJesu Kristu chidzimikiso chakadaro. Rakagadzirwa neMusiki wekudenga nepasi kuitira chinangwa chitsvene uye rakarongerwa kupa dziviriro nenhungamiro kuvana Vavo.

Vhangeri chii, pamusoro pazvose , kunze kwechinangwa chaMwari chekununura vana Vavo nekuvadzosera pamberi Pavo?

Nokuziva kuti kuyerera chinhu chiri mumasikirwo ezvinhu zvose, tinofanira kudzika zvakasimba zvidzimikiso zvedu pamusimboti wechokwadi chevhangeri. Hazvifanire kudzikwa zvakareruka mumajecha erudado kana kusabata panotangira kutenda kwedu.

Mwedzi uno tinemukana wekunzwa kubva kuvaranda vaMwari mumusangano mukuru weChechi. Mazwi avo, akabatanidzwa nezvinyorwa zvitsvene nefemero yeMweya, zvinopa hwaro hwakasimba uye husingazunguzike hwetsika nemisimboti yekusingaperi uhwo hwatinokwanisa kunamira zvidzimikiso zvedu kuitira kuti tirambe takashinga uye takasimba pakati pezvinetso nezviedzo zveupenyu.

Muporofita wekare Hiramani akadzidzisa kuti, “Padombo reMununuri wedu, anove ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, pamakafanira kuvakira hwaro hwenyu; kuti kana dhiabhorosi otumira mhepo dzake huru, hongu, miseve yake muchinyamupupuri, hongu, kana chivhuramahwe chake nedutu rinesimba zvichakurovai, zvichashaya simba pamuri rekukukweverai muhanwa yekusuwa nenhamo isina magumo, pamusana pedombo ramakavakirwa, rinove hwaro hwakasimba, hwaro hwekuti kana vanhu vavaka hakuna kupunzika” (Hiramani 5:12).

Kukosha kweZvidzimikiso Zvakadzikwa Zvakasimba

Upenyu hune nzira yekuedza zvidzimikiso zvedu uye huchitikwezva kuti tiyerere. Zvisinei, kana zvidzikimiso zvedu zvakaiswa zvakanaka mudombo reMununuri wedu, zvinozobatirira zvakasimba—zvisinei nesimba remhepo, simba remasaisai, kana hurefu hwemasaisai.

Hongu, ngarava haina kugadzirirwa kuti irambe yakamira muhabha asikuti idzikinure chidzimikiso uye yofamba mumakungwa eupenyu. Asi urwo rungano rwemufananidzo rwekutaura imwe nguva.

Kwazvino, ndinowana nyaradzo mukuziva kuti chidzimikiso chevhangeri nedombo reMununuri wedu zvichatichengeta tisingazunguzike uye takasimba.

Chidzimikiso chakadaro chinozotichengeta kubva pakuyerera tichienda munjodzi nemunyama. Chinotibvumira mukana wakanakisisa wekunakirwa nerunako rwusingaenzaniswe rwechimiro chakanakisisa cheupenyu chinoramba chichishanduka.

Upenyu hwakanaka uye hwakakodzera kuraramwa. Mhepo, dutu nemasaisai aripo zvingangotikwezva kuti tiyerere tichienda munjodzi dzinooneka kana dzisingaoneke, asi shoko revhangeri nesimba raro dzvene zvichatichengeta tiri munzira yekudzokera kumahombekombe asinanjodzi aBaba vedu Vekudenga.

Nokudaro, ngativei, kwete chete tinoteerera kunhaurwa dzemusangano mukuru waKubvumbi asiwo tishandise mashoko avo sezvidzimikiso zvakadzikwa zvakasimba kuupenyu hwedu.

Mwari vatiropafadze nekutitungamira mukuedza kwedu uku kunokosha uye kunodikanwa!

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kukurukura kukosha kwezvidzimikiso uchitarisa nyaya yemhuri yaRihai ichifamba kuenda kunyika yechivimbiso (ona 1 Nifai 18). Ungangotaura nezve 1 Nifai 18:11–15, nguva apo Nifai paakasungwa, Liahona ikamira kushanda, uye ngarava ikasundwa nematutu anotyisa. Mibairo ipi yatinotarisana nayo kana tisina kudzimikirwa zvakasimba muvhangeri? Ungangotaurawo nezve 1 Nifai 18:21–22 uye wokurukura mawaniro atingaita dziviriro nekutendeukira kuMuponesi.