2014
Ndakashandira Zvakare
Gunyana 2014


Vechidiki

Ndakashandira Zvakare

Munyori anogara kuRio Grande do Norte, Brazil.

Rimwe zuva, mushure mokupedza basa rokushandira, ndaifamba ndichipfuura nepaimba inosanganirwa yewadhi redu uye ndikaona masisita maviri vaitsvaira imba iyi. Mashoko angu akangobuda: “Masisita munoda rubatsiro here?” Mumwe wavo akandinyemwerera uye akati ndakanga ndasvika panguva yakanaka nokuti ndivo chete vakanga vachitsvaira uye vakanga vaneta zvikuru. Akati akanga anamata kuti Ishe vatume mumwe munhu kuzobatsira. Ndakafara chaizvo kuva mhinduro kumunamato wake. Ndakanga ndichangopedza kushandira mumwe munhu uye ndakanga ndanetawo, asi ndakatevera moyo wangu uye ndikashandira zvakare.

Murairo kushanda nerufaro (ona D&Z 24:7). Apo patinenge tine chido chokushandira panguva dzose, tinokwanisa kubatsira kuti zvishamiso zviitike muupenyu hwevamwe vanhu. Upenyu hwedu hunonyanya kuva hunoreva chinhu apo patinoshandira. Ishe chokwadi vanotida, Vanobatsira mumwe nemumwe wevana Vavo, uye Vanozotipa simba rokushandira.