2014
Takagadzirira Here?
Gunyana 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gunyana 2014

Takagadzirira Here?

Munzvimbo mandaimbogara nokushandira, Chechi yaiva nepurazi raichengetwa huku, papurazi apa paishandwa nevanhu vaizvipira vaibva mumawadhi enzvimbo iyoyo. Nguva zhinji basa rapapurazi apa raifambiswa zvakanaka chaizvo richipa kumatura emabhishopi zvuru zvemazai achangokandirwa uye mazana emakirogiramu ehuku dzakatoundurwa nokutumburwa. Pane dzimwe nguva shoma, zvisinei, kuva varimi vanozvipira asi vasiri nyanzvi munezvokurima kwaikonzera kwete chete mhoni mumaoko asiwo kushungurudzwa kwemoyo nepfungwa.

Somuenzaniso, ndichagara ndichiyeuka nguva yatakaunganidza vakomana vechidiki veHupirisita hwaAaroni kuti vatsvaire nokudzura masora papurazi rehuku iri. Boka redu iri ravakomana vaiva nechido chikuru uye vakagwinya rakaungana papurazi uye nechimbichimbi vakadzura, vakaunganidza uye vakapisa masora neimwe tsvina yakawanda. Nepachiedza chemoto mukuru waipfuta, takadya mahoti dhogi uye tikazvirumbidza nebasa rakanaka rakanga raitwa.

Zvisinei, pakava nedambudziko guru rimwechete. Ruzha nemoto zvakakangaidza zvikuru boka renhunzvi zviuru zvishanu iro raiva munguva yokukandira zvokuti zhinji dzadzo dzakatanga kudonha minhenga uye dzikamira kukandira. Mushure maizvozvo takasiya masora mashoma akadaro kuitira kuti tiwane mazai akawanda.

Hakuna nhengo yeChechi yakabatsira kuriritira avo vanoshaya anombofa akakanganwa kana kukungura chiitiko ichocho. Kushanda, kuchengetedza, kuzviririrtira, nokugoverana nevamwe hazvisi zvinhu zvitsva kwatiri.

Tinofanira kuyeuka kuti mutoo wakanyanya kunaka wedura ndewekuti mhuri yoga yoga muChechi ive nezvokudya, mbatya, uye pazvinobvira, zvimwe zvidikanwi zvoupenyu. Dura raIshe rinosanganisira nguva, zvipo, unyanzvi, mutsa, zvinhu zvokushandisa zvinopihwa, uye mari zvenhengo dzakatendeka dzeChechi. Zvinhu izvi zvinowanikwa nabhishopi mukubatsira avo vanoshaya.

Tinokurudzira Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vose kuti vave vanofunga nezveramagwana mukuronga kwavo, kuti vangwarire kusaparadza mukurarama kwavo, uye kuti vadzivirire zvikwereti zvikurusa kana zvisina kufanirwa kutorwa. Vanhu vazhinji vanozokwanisa kushingirira munguva dzematambudziko emari kana vakange vane dura rezvokudya nembatya uye vasina zvikwereti. Nhasi tinoona kuti vazhinji vakateedzera rairo iri zvisizvo: vane dura rezvikwereti uye havana zvokudya.

Ndinodzokorora zvakataurwa neVatungamiri Vokutanga makore mashoma akapfuura:

“Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vakarairwa kwemakore akawanda kuti vagadzirire dambudziko nokuva nemari shoma yakachengetedzwa parutivi. Kuita kudaro kunowedzera zvikurusa kudziviriro nemagariro akanaka. Mhuri yega yega inebasa rokuriritira zvidikanwi zvayo pachayo napose pazvinokwanisika.

“Tinokukurudzirai kwese kwamungange muchigara munyika kuti mugadzirire dambudziko nokutarira kumamiriro emari dzenyu. Tinokukurudzirai kuti mudupikise mashandisiro amunoita mari yenyu, zvibatei panezvamunotenga kuitira kudzivirira chikwereti. Bhadharai chikwereti nokukurumidza sokukwanisa kwamungaita, uye muzvisunungure kubva kuusungwa uhwu. Chengetedzai mari shoma nguva nenguva kuitira kuti muunganidze zvishoma nezvishoma mari yamunozoshandisa muneramagwana.”1

Takagadzirira here njodzi muupenyu hwedu? Unyanzvi hwedu hwakakwenenzverwa here? Tinorarama tichichengetedza zvatinazvo kuitira ramagwana here? Tine dura rezvokudya nezvokupfeka here? Tinoteerera kumirairo yaMwari here? Tinodavira here kudzidziso dzevaporofita? Takagadzirira here kupa zvatinazvo kuvarombo, nevanoshaya? Tinotenderana naIshe here?

Tinorarama munguva dzine matambudziko. Kazhinji ramagwana harizikanwe; naizvozvo, zvakafanira kuti tigadzirire izvo zvingauya tisingatarisire. Apo nguva yesarudzo painosvika nguva yekugadzirira yakatopfuura kare.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Vatungamiri Vokutanga, All Is Safely Gathered In: Family Finances (chibhuku, 2007).

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Uchifunga zvidikanwi zveavo vamunoshanyira, funga nezve nzira dzaunokwanisa kuvabatsira kuti vave varinani pakuzviriritira mubasa, mari, kuchengeta zvokudya, kana mukugadzirira njodzi. Funga nezve unyanzvi hwaungagoverana navo, sezvakaita kurima bindu remuriwo, kana kutaririrwa kwemari, izvo zvinozovakurudzira kutevera rairo yeMutungamiri Monson.