2015
Zvose zvakanaka!
Chikunguru 2015


Shoko raVatungamiri Vekutanga, CHIKUNGURU 2015

Zvose Zvakanaka!

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Apo pandinofunga pamusoro penhaka yedu yevaparuri, chimwe chezvinhu zvinonyanya kubata moyo icho chinouya mupfungwa rwiyo runonzi “Huyai, Huyai, Imi Vatendi” (Hymns, no. 30). Avo vakafamba rwendo rwakareba rwekuenda kuNhika yeSalt Lake kazhinji vaiimba rwiyo urwu panguva yerwendo rwavo.

Ndinonyatsoziva kuti zvose zvakanga zvisina kunaka kuneVatendi ava. Vaitambudzwa neurwere, kupisa kwezuva, kuneta kukuru, chando, kutya, nzara, marwadzo, kusatenda uye kana rufu.

Asi kunyangwe vakanga vaine chikonzero chose chokudaidzira kuti, “Zvose hazvina kunaka,” vakakudziridza mafungiro atinofanira kuyemura nhasi. Vakatarira zviri kumberi kwematambudziko avo kumaropafadzo ekusingaperi. Vaiva nekutenda mumamiriro ezvinhu avo. Kunyangwe zvazvo paiva nezvakawanda zvaitaridza kuti mamiriro akanga akaita zvinhu akanga asina kunaka, vakaimba nekugutsikana kwese kwemoyo yavo, “Zvose zvakanaka.”

Rumbidzo yedu yevaparuri hairevi chinhu kana isingakonzeri kuti tiifungisise matiri pachedu. Ndinotaura hushoma hwehunhu hwavo hwunondikurudzira apo pandinofunga nezve kuzvipira kwavo netsidziro yavo.

Mutsa

Vaparuri vaitaririrana zvisinei nechinzvimbo chavo muvanhu, kupfuma kwavo, kana divi ravanotsigira mune zvamatongerwe enyika. Kunyangwe zvainonotsa mafambiro avo, zvaikonzera dambudziko, kana kureva kuti munhu aizozvipira iye pachake uye nekuva nebasa rakawanda, vaibatsirana chete.

Munyika medu muno umo vanhu vanongofunga zvekuzadzisa zvinangwa zvavo nekusarudza vavanoda kutsigira, zvinangwa zvemunhu pachake kana zvebato zvinokwanisa kukosheswa kupfuura kutaririra vamwe kana kusimbisa umambo hwaMwari. Mumagariro evanhu nhasi, kukunda pane zvimwe zvinangwa zvematongerwe enyika kunokwanisa kutaridzika sekuva mwero wekukosha kwedu.

Kumisa nekubudirira pazvinangwa kunokwanisa kuva chinhu chakanaka chaizvo. Asi kana kubudirira pakusvika pazvinangwa kukatikonzera kuti tishaye hanya, tifuratire kana kurwadzisa vamwe, muripo wekubudirira iwoyo ungangova wakanyanya kukosha.

Vaparuri vakachengeta avo vaiva muboka ravo, asiwo vakafunga avo vaizouya mumashure mavo, vachidyara mbeu kuitira zvikochikari zvaitevera.

Vaiziva kusimba kwemhuri neshamwari. Uye nokuda kwekuti vaivimba nemumwe nemumwe wavo, vakava vakasimba. Shamwari dzakava mhuri.

Vaparuri vanova yeuchidzo yakanaka yokuti sei tichifanira kubva mukuda kuzvibvisa panavamwe, asi panekudaro, tinofanira kutambanudza maoko edu kubatsirana uye kuva nemutsa nerudo kune mumwe nemumwe wedu.

Basa

Uyai, uyai, imi Vatendi, musatya zviedzo kana basa rinorema;

Ndevo iyi yakava rumbo runokurudzira kuvafambi ava vakanga vaneta zvokurukutika. Zvakaoma kufungidzira mashandiro akasimba akaitwa nemweya mikuru iyi. Kufamba kwaiva chimwe chezvinhu zvakanyanya kureruka zvavakaita. Vese vaifanira kubatana pamwechete kuwana zvokudya, kugadzira ngoro, kuchengeta zvipfuvo, kushandira varwere nevakarukutika, kutsvaka nekuchera mvura, nokuzvidzivirira kubva kunjodzi huru dzaivapo dzemamiriro ekunze uye njodzi dzakawanda dzesango.

Vaimuka magwanani oga oga vaine vavariro nezvinangwa zvakanyatsorongwa izvo zvainzwisiswa nemunhu wose: kushandira Mwari nevamwe vavo uye kusvika kuNhika yeSalt Lake. Zuva roga roga vavariro nezvinangwa izvozvo zvaiva zviri pachena kwavari; vaiziva zvavaifanira kuita uye kuti kufambira mberi kwezuva roga roga kwaiva kwakakosha.

Munguva yedu —apo zvizhinjisa zvezvatinoda zvirinyore chaizvo kwatiri kuzviwana — zviri nyore kusiya nzira kana kuregera apo pese nzira iri mberi painoratidzika sekuva ine magadhi zvishoma kana kuti apo mukwidza paunoratidzika sewakakwirira zvakanyanya pamberi pedu. Munguva idzodzo, zvingangotikurudzira kufunga nezve varume, vakadzi, nevana avo vasina kubvumira kuti urwere, zvinetso, marwadzo, kana kunyangwe rufu zvivasudurutse kubva munzira yavo yavakanga vasarudza.

Vaparuri vakadzidza kuti kuita zvinhu zvinogozha kuno dzamisa nokusimbisa muviri, pfungwa, nemweya; kwaikudziridza nzwisiso yavo yehunhu hweumwari hwavo; uye kwaiwedzera mutsa wavo kuna vamwe. Tsika iyi yakasimbisa mweya yavo uye ikava ropafadzo kwavari kwenguva yakareba mushure merwendo rwavo rwekubira mhiri kwemapani nemakomo rwaguma.

Tariro

Apo vaparuri pavaiimba, vakataura chidzidzo chechitatu; “Endai nerufaro.”

Ndiko kupikisana kukuru kwezvinhu munguva yedu kwekuti takaropafadzwa nezvakawanda kudaro asi tinokwanisa kushaya mufaro zvikurusa. Zvishamiso zveupfumi netekinoroji zvakatikomberedza uye zvinotipa dziviriro kunjodzi, mafadzo, kugutsikana ipapo, uye magariro ari nyore. Asi kwese kwese tinoona kusafara kwakawanda.

Vaparuri, avo vakapira zvakawanda kudaro, vakanga vasina uye vaishuvira kunyangwe zvidikanwi zvidiki diki zvokurarama nazvo. Vainzwisisa kuti rufaro haruuyi semubairo werombo rakanaka kana wechinhu chinongoerekana chaitika. Chaizvo haruuyi kubva nemukuwana zvishuvo zvedu zvose. Rufaro haruuyi kubva kumamirio ezvinhu zvirikunze. Runouya kubva mukati — zvisinei nezvirikuitika zvakatikomberedza.

Vaparuri vaiziva izvi, uye nemweya iwoyo vakawana rufaro mumamiriro ezvinhu ese uye muchiedzo chose —kunyangwe muzviedzo izvo zvaitambudza zvikamu zvakadzamisa zvemweya yavo.

Zviedzo

Kazhinji tinotarisa kumashure pane zvakashingirirwa pazviri nevaparuri uye nekutura mafemo toti, “Ndinotenda kuti ndakanga ndisati ndazvarwa panguva iyoyo.” Asi ndinofunga kuti dai vaparuri vakashinga zvikuru ivavo, vaikwanisa kutiona nhasi, havaizotaura here zvimwechetezvo (pamusoro penguva dzedu).

Kunyangwe zvazvo nguva nemamiriro ezvinhu zvachinja, misimboti yokutarisana nezviedzo uye nokugara pamwechete zvinobudirira sevanhu vane hanya vakagarika pasi paMwari haina kuchinja.

Kubva kuvaparuri tinokwanisa kudzidza kuva nerutendo uye kuvimba muna Mwari. Tinokwanisa kudzidza kuva nemutsa kuna vamwe. Tinokwanisa kudzidza kuti basa nekushinga pamushando zvinotiropafadza kwete chete panyama asiwo pamweya. Tinokwanisa kudzidza kuti rufaro runowanikwa kwatiri zvisinei nemamiriro ezvinhu edu.

Nzira yakanyanya kunaka yatinokwanisa kukudza nokutaridza kutenda kuvaparuri ndeyo kusanganisira muupenyu hwedu pachedu rutendo kumirairo yaMwari, mutsa nerudo kune vamwe vedu, uye ushingi pamushando, tariro, nerufaro izvo vaparuri zvavakataridza zvakanyatsonaka muupenyu hwavo pachavo.

Apo patinodaro, tinokwanisa kunanavira nepakati pemakore anemakumi enguva, totora maoko evaparuri vakanaka ava mumaoko edu, uye towedzera manzwi edu pachedu kune avo apo patinoimba navo: “Zvose zvakanaka! Zvose zvakanaka!”

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Ungangoda kutanga nokuimba, “Huyai, Huyai, Imi Vatendi” (Hymns, no. 30) neavo vamunoshanyira. Unokwanisa kugovera chiitiko apo iwe kana mumwe munhu waunoziva pamakashandisa misimboti yemutsa, basa, kana tariro. Kana wakurudzirwa, unokwanisa kupupura nezve maropafadzo anouya kubva mukurarama misimboti iyi uye wovimbisa avo vamunoshanyira kuti vanokwanisa kutambira maropafadzo akafanana naiwayo.