2015
Hunhu hwoHumwari hwaJesu Kristu: Ane Mwoyochena neTsitsi
Zvita 2015


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Zvita 2015

Hunhu hwoHumwari hwaJesu Kristu: Ane Mwoyochena neTsitsi

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa hunhu hweumwari hweMuponesi kunozowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

“Mumagwaro matsvene, mwoyochena zvinoreva chaizvo ‘kutambudzika pamwechete nemumwe munhu.’ Zvinorevawo kuratidza urombo, tsitsi, nenyasha kuneumwe.”1

“Jesu akatipa mienzaniso yakawanda yekuratidza mwoyochena,” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson. “Murume akanga akaremara padziva reBetesda; mudzimai akabatwa mukufeva; mudzimai wepatsime raJakobo; mwanasikana waJairosi; Razaro, hanzvadzi yaMaria naMarta—mumwe nemumwe wavo akanga akaita semurume akanga akuvadzwa panzira yekuJeriko. Muwe nemumwe wavo aida rubatsiro.

“Kuchirema paBetesda, Jesu akati, ‘Simuka, tora nhovo dzako, ufambe.’ Kumukadzi akange azere nechivi kwakauya rairo yekuti, ‘Enda hako, usatadza zve.’ Kubatsira uyo akauya kuzochera mvura, Akapa tsime remvura, ‘inovaira kuupenyu husingaperi.’ Kumwanasikana waJairosi akafa kwakauya rairo inoti, ‘Musikana, ndinoti kwauri, muka.’ Kuna Razaro aiva muguva akati, ‘Buda.’

“Muponesi akagara achiratidza kwaniso isina muganhu yemwoyochena. … Ngatizarurei musuwo wemwoyo yedu, kuti Iye—muenzaniso mupenyu wemwoyochena wechokwadi—agopinda.”2

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Mapisarema 145:8; Zekaria 7:9; 1Petro 3:8; Mosaya 15:1, 9 ; 3 Nifai 17:5–7

Kubva muMagwaro Matsvene

“Murume wangu neni takapfugama parutivi pemwanasikana wedu aive nemakore gumi nemanomwe uye tikateterera kuti araramiswe,” akadaro Linda S. Reeves, mutevedzeri wechipri muhutungamiri hukuru hweChita cheRubatsiro. “Mhinduro yakava kwete, asi . … tasvika pakuziva … kuti … [Muponesi] anonzwa mwoyochena kwatiri apo patinenge tichinzwa kusuwa.”3

“Imwe yenyaya dzandinodisisa kubva muupenyu hweMuponesi inyaya yaRazaro. Magwaro matsvene anotiudza kuti ‘Jesu aida Marta, … munin‘ina wake [Maria], uye [hanzvadzi yavo] Razaro.’”4 Apo Razaro paakarwara, shoko rakatumirwa kuna Jesu, asi paAkasvika Razaro akanga atofa. Maria akamhanyira kuna Jesu, akawira pasi patsoka Dzake, uye akachema. Jesu pakaona Maria achichema, “akafa neshungu mumweya, uye … akachema” (Johane 11:33, 35).

“Ndiro basa redu. Tinofanira kunzwa nekuona pachedu uye zvino tozobatsira vose vana vaBaba Vekudenga kuti vanzwe nekuona nekuziva kuti Muponesi wedu akatora paAri kwete chete zvivi zvedu zvose asiwo marwadzo edu nematambudziko edu nezvinetso zvedu kuitira kuti Akwanise kuziva izvo zvatinonzwa nekuziva manyaradziro aAngatiita.”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Mwoyochena”

  2. Thomas S. Monson, “The Gift of Compassion,” Liahona. Kurume 2007. 4–5, 8.

  3. Linda S. Reeves, “The Lord Has Not Forgotten You,” Liahona, Mbudzi 2012, 120.

  4. Linda S. Reeves, “The Lord Has Not Forgotten You,” Liahona, Mbudzi 2012, 118.

  5. Linda S. Reeves, “The Lord Has Not Forgotten You,” Liahona, Mbudzi 2012, 120.

Funga Izvi

Ndiyani angakwanise kuropafadzwa nemwoyochena wako?