2016
Huporofita neZvakazarurwa Zvako Pachako
Kubvumbi 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2016

Huporofita neZvakazarurwa Zvako Pachako

Chechi yechokwadi yaJesu Kristu yakadzorerwa uye iri panyika nhasi. Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakagara ichitungamirirwa nevaporofita nevaapositora vanorarama, avo vanogashira nhungamiro nguva dzose kubva kudenga.

Tsika yehumwari iyoyo yakanga iriwo yechokwadi makare-kare. Tinoverenga muBhaibheri kuti: “Zvirokwazvo, Ishe Jehova haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita” (Amosi 3:7).

Mwari vakataura zvakare munguva yedu, kuburikidza neMuporofita Joseph Smith. Vakazarura kuburikidza neMuporofita Joseph Smith vhangeri raJesu Kristu mukuzara kwaro. Vakadzorera hupirisita hutsvene Hwavo nemakii ahwo uye vakadzorera kodzero dzese nemasimba ehupirisita ese, nemabasa esimba rinoera rehupirisita ese.

Munguva yedu, vaporofita nevaapositora vanorarama vanotenderwa kutaura, kudzidzisa uye kutungamira nemvumo inobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. Muponesi akati kuMuporofita, “Zvandataura ini Ishe, ndataura, uye handitsvage chikonzero; uye kana dai zvazvo denga nenyika zvichipfuura, izwi rangu haripfuuri, asi zvose zvichazadzikiswa, kunyangwe nezwi rangu ini kana nezwi ravaranda vangu, zvakangofanana” (D&Z 1:38).

Mumusangano mukuru kaviri pagore, tinoropafadzwa nemukana wekunzwa shoko raIshe iro raVanopa kwatiri kuburikidza nevaranda Vavo. Iyo ikodzero yakakoshesesa zvikuru. Asi kukosha kwemukana iwoyo kunoenderana nekuti tinogashira here mashoko acho tiri pakunzwa kurudziro yeMweya mumwechetewo uyo waakapihwa nawo kuvaranda ivavo (ona D&Z 50:19–22). Sekugashira kwavanoita nhungamiro kubva kudenga, isu tinofanirawo kuita zvimwechetezvo. Uye izvozvo zvinoda kuti tiise kuedza kukuru kwezvemweya kumwecheteko (sevaranda avo vanogashira shoko raIshe).

“Ita Gadziriro Yako”

Makore mazhinji akapfuura mumwe wenhengo dzeChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri akandikumbira kuti ndiverenge nhaurwa yemusangano yaakanga achinyora mukugadzirira musangano mukuru. Ndakanga ndiri nhengo diki yechikwata. Ndakakudzwa nekuti akanga ainevimbo mandiri yekuti ndingamubatsira kuwana mashoko aidiwa naIshe kuti ataure. Akati kwandiri nekunyemwerera, “Ii, uku kuedza kunyora kwechimakumi maviri nemaviri kwenhaurwa yacho.”

Ndakayeuka rairo iyo Mutungamiri Harold B. Lee aiva nerudo netsitsi (1899-1973) yaakanga andipa kare muupenyu hwangu iine kusimbisa kukuru yaiti: “Henry, kana uchida kuwana zvakazarurwa, ita gadziriro yako.”

Ndakaverenga chinyorwa ichocho chechimakumi maviri nemaviri, ndikachifungisisa, uye ndikanamata nezvacho. Ndakanzvera zvakanakisisa zvandaikwanisa ndiri pasi pekurudziro yeMweya Mutsvene. Panguva iyo nhengo iyoyo yeChikwata payakazopa nhaurwa yayo (mumusanagano mukuru) ndakanga ndaita gadziriro yangu. Handina chokwadi chekuti ndakamubatsira (mukugadzirira nhaurwa yake) asi ndinoziva kuti ndakashandurwa pandakanzwa nhaurwa iyoyo ichipihwa. Ndakagashira mashoko (kuburikidza nefemero apo paaipa nhaurwa yake) akanga akadzama kupfuura mashoko andakanga ndaverenga uye aakataura. Mazwi acho aireva zvakakomba kupinda ayo andakanga ndavarenga muchinyorwa chekutanga. Uye shoko racho rakaratidzika kuva rakanga rakananga ini, rakagadzirirwa zvido zvangu.

Varanda vaMwari vanotsanya nekunamata kuti vagashire shoko raVainaro kwavari kuti vape kune avo vanoda zvakazarurwa nefemero. Chandakadzidza kubva pachiitiko ichocho, nezvimwe zvakawanda zvakaita saichocho, ndechekuti, kuti tiwane zvimuko zvikuru zvinowanikwa kubva pakunzwa vaporofita nevaapositora vanorarama, tinofanira kuripa muripo isu pachedu wekugashira zvakazarurwa.

Ishe vanoda munhu wese angangonzwa shoko Ravo, uye Vanoziva mwoyo nemamiriro ezvinhu zvemumwe nemumwe. Vanoziva kuti igadziriso ipi, kurudziro ipi, uye chokwadi chevhangeri chipi zvinozobatsira zvakanakisisa munhu mumwe nemumwe kuti asarudze mafambiro ake nemunzira yekuupenyu husingaperi.

Isu avo vanoteerera nekuona mashoko emusangano mukuru dzimwe nguva tinozofunga pashure kuti, “Zvii zvandinonyanya kuyeukisisa?” Tarisiro yaIshe kune mumwe nemuwe wedu ndeye kuti mhinduro yedu inozova yekuti: “Handizofa ndakakanganwa nguva dzandakanzwa izwi reMweya mupfungwa nemumwoyo mangu richindiudza zvandinokwanisa kuita kufadza Baba vangu Vekudenga neMuponesi.”

Tinokwanisa kugashira zvakazarurwa zvedu pachedu izvozvo apo patinonzwa vaporofita nevaapositora uye apo patinoshanda murutendo kuti tizvigashire, sekutaura kwakaita Mutungamiri Lee kuti tinokwanisa. Ndinoziva kuti izvozvo ichokwadi kubva pazviitiko uye kuburikidza neuchapupu hweMweya.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kuverenga uchidaidzira nyaya yeMutungamiri Eyring pamusoro pekunzvera chinyorwa chenhaurwa yemusangano chenhengo yechikwata yavo. Ungango bvunza kuti, “Chii chatinofanira kuita kuti tigashire zvakazarurwa?” Mushure mehurukuro yako, unokwanisa kukoka avo vaunoshanyira kuti vafungisise (shoko rawagovera) uye vagoita chirongwa chekugashira mashoko emusangano mukuru urikuuya vari “pakunzwa femero yeMweya mumwechete waakapihwa nawo kuvaranda [vaMwari].”