2016
Kutaridza Rudo
Gunyana 2016


Vana

Kutaridza Rudo

Jesu akagovera rungano rwemufananidzo rwababa nevanakomana vavo vaviri. Baba vaishanda mumunda wemuzambiringa uye vakakumbira vanakomana vavo vaviri kuti vabatsire. Mwanakomana wekutanga pokutanga akaramba asi pashure akauya kuzobatsira mumunda wemuzambiringa. Mwanakomana wechipiri akati aizobatsira, asi zvino haana kuzviita. Jesu akadzidzisa kuti mwanakomana wekutanga akataridza rudo rukuru kuna baba vake nokuva anoteerera.

Itai mutambo werungano rwemufananidzo urwu! Zvino nyora kana kutara zvinhu zvitatu zvaunokwanisa kuita kutaridza rudo rwako kuna Baba Vokudenga.