2017
Kunyemwerera Kunokwanisa Kuita Mutsauko
Ndira 2017


Vechidiki

Kunyemwerera Kunokwanisa Kuita Mutsauko

Mutungamiriri Uchtdorf vanopangidza zviripachena zvinangwa zviviri zvatinofanira kuve nazvo pakuita kwedu: pamwe Mwari nekuda vamwe vedu. Asi dzimwe nguva hazvisiri nyore kuda vamwe. Muupenyu hwako hwose, panogona kuva nenguva apo paunoona zvakaoma kuti uwadzane nevamwe– kuda umwe anenge akakurwadzisa kana kuti unenge wawana zvakaoma kuti utaurirane kana kuyanana neumwe. Munguva idzodzo, edza kuuyeuka rudo rwawakambopiwa neshamwari, mhuri, Baba Vokudenga, naJesu Kristu. Yeuka mufaro wawakanzwa munguva idzodzi uye woedza kufunga mupfungwa dzako kuti dai munhu wose aiwanawo mukana wekunzwa rudo rwakadaro. Yeuka kuti munhu wose mwanasikana kana kuti mwanakomana waMwari, uye anokodzera rudo Rwavo nerwako.

Funga munhu wawange usingawirirani naye muhupenyu hwako muisewo muminamato yako wokumbira Baba Vokudenga kuti vazarure moyo wako kwaari. Unozotanga kumuona nenguva diki semaonero aVanomuita: seumw seumwe wevana Vavo anokodzera rudo.

Mushure mekunge wanamata itawo chiito chakanaka kwaari. Ungangovakokawo kuchiito cheMubatanidzwa kana kumafaro neshamwari. Ipa rubatsiro mubasa rinoitwa rechikoro. Uye unokwanisa kungomumhoresa kana kunyemwerera kwaari. Zvinhu zvidiki zvinokwanisa kuitisa shanduko huru …muhupenyu hwedu tose.