2021
Chiratidzo cheChirongwa chaMwari
Chikunguru 2021


“Chiratidzo cheChirongwa chaMwari” Friend (Shamwari), Chikunguru 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2021

Chiratidzo cheChirongwa chaMwari

Mufananidzo
Joseph Smith naSidney Rigdon vanoona Baba neMwanakomana

Mifananidzo naApryl Stott

Rimwe zuva Joseph Smith naSidney Rigdon vaiverenga magwaro matsvene. Vakava nechiratidzo. Vakaona Baba Vokudenga naJesu Kristu.

Mufananidzo
Baba Vokudenga naJesu Kristu

Vakadzidza kuti tisati tazvarwa, taigara kudenga naMwari.

Mufananidzo
mubereki anombundira mwana akasuwa

Takauya panyika kuzodzidza mateverero atinoita Jesu uye nekuterera Mweya Mutsvene. Tinodzidza kuchengeta mirairo uye kutendeuka apo patinoita sarudzo dzakaipa.

Mufananidzo
Jesu Kristu anobuda muguva

Mushure mekufa kwedu, tinozomutswa kuvakafa. Kana takarurama, tinozogara naBaba vedu Vokudenga zvakare.

Mufananidzo
baba vanoverenga kuvanasikana

Ndinokwanisa kudzidza pamusoro pechirongwa chaMwari mumagwaro matsvene. Nekuda kwaJesu, ndinokwanisa kuva nemhuri yangu nariinhi nariinhi.

Peji Yokuisa Ruvara

Baba Vokudenga Vane Chirongwa Chavakandirongera

Mufananidzo
Mhuri

Unotevera sei Jesu?