2021
Hupirisita hwaMwari
Nyamavhuvhu 2021


“Hupirisita hwaMwari,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu. 2021, 20–21.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2021

Hupirisita hwaMwari

Dzidziso neZvibvumirano 84

Izvo vechidiki vese zvavanofanira kuziva pamusoro pehupirisita uye kubatanidzwa kwavo kwahwuri.

Mufananidzo
vechidiki

Wakamboona here kuvhiringidza kwazvinokwanisa kuita apo shoko rimwechete parinoshandiswa munzira mbiri? Semuenzaniso, muChirungu shoko rekuti earth (pasi) rinoreva zvese panyika patinogara uye ivhu riri pasi petsoka dzedu. Ose maviri arikwawo, asi izvo zvaunoreva apo paunoshandisa shoko racho zvinoenderana nezvauri kutaura nezvazvo panguva yacho. Kuti zvinyanye kuvhiringidza, apo earth (pasi) parinoreva nyika yedu, rinosanganisirawo pfungwa yeivhu, nekuti ivhu riri panyika.

Kutsanangura Shoko rinoti Hupirisita

Shoko rimwechete ratinoshandisa muChechi nenzira mbiri nderokuti hupirisita Shoko iri rinoreva simba rose nemvumo yose yaMwari. Zvisinei, tinoshandisawo hupirisita neimwe nzira shoma—tichireva “simba nemvumo izvo Mwari zvavanopa kune vane hupirisita vakagadzwa kuti vashande muzvinhu zvese zvinodikanwa kuitira ruponeso rwevana vaMwari.”1

Hupirisita hunopihwa kumurume hahusirihwo simba rose raMwari. Chati rinotevera inoratidza izvi.

Muchati iri unoona mimwe mienzaniso yesimba raMwari, iro risingaperi uye risina miganhu. Mukati mesimba iroro, unoonawo mienzaniso yesimba nemvumo zvehupirisita hwaMwari uhwo hwaVanogadza, kana kupa, kuvarume vakakodzera kuitira kuti vatungamirire muChechi yaKristu.

Mienzaniso yeMvumo yeHupirisita muUpenyu Hwako

Maropafadzo ese ehupirisita anowanikwa kune vese vanasikana nevanakomana vanodikanwa vaBaba Vokudenga. Mudongorodzwa wechipiri unongomiririra maropafadzo ayo anouya kwauri kuburikidza neuyo ane makiyi ehupirisita kana akagadzwa mvumo yehupirisita paari.

Uhu ndihwo hurongwa uhwo Mwari hwavakamisa kuitira hutariri uye hutungamiri hweChechi Yavo panyika. Mimwe mienzaniso yemvumo yehupirisita hwaMwari inosanganisira mutungamiri wechikwata chemadhikoni kana chevadzidzisi uyo ane makiyi ekutungamira basa rechikwata chake, maropafadzo ababa anopiwa mumba, uye nezvisungo zvemutemberi nezvibvumirano.

Varume, Madzimai, uye neHupirisita

Kunyangwe zvazvo kugadzwa kuchinzvimbo chehupirisita kuchipuwa chete kuvarume, Mutungamiri Dallin H. Oaks, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hwekutanga, vakatsanangura musimboti wakakosha: “Hupirisita isimba dzvene uye mvumo tsvene zvinochengetwa muchivimbo kuti hushandiswe pabasa raMwari kuitira pundutso yavana Vavo vese. Hupirisita havazi avo vakagadzwa kuchinzvimbo chehupirisita kana avo vanoshandisa mvumo yahwo. Varume vane hupirisita havasivo hupirisita. … Hatifanire kutaura varume vakagadzwa sehupirisita.2

Kunyangwe zvazvo vanhukadzi vasingagadzwe kuhupirisita, Mutungamiri Russell M. Nelson vakatsanangura kuti, “apo paunotsaurwa kuti ushande mudaidzo uri pasi pehutungamiri hwemumwe ane makiyi ehupirisita … unopihwa mvumo yehupirisita kuti ushande mudaidzo iyoyo.”3 Mimwe mienzaniso yeizvi inosanganisira vatungamiriri vekirasi dzeVasikana veChidiki, vashumiri vechikadzi vanoparidza vhangeri, vatungamiri mumawadhi nemasiteki avo vakatsaurwa kuti vadzidzise uye nekutungamira, uye nevashandi vezvisungo mutemberi.

Simba reHupirisita Rinoropafadza Munhu Wese

Maropafadzo ayo imi vakomana navasikana vechidiki amunowana ndeenyu kuburikidza nezvibvumirano zvamunoita parubhabhatidzo uye nezvibvumirano zvamunozoita mutemberi. Kunyangwe kana usina munhu ane hupirisita mumba mako, unokwanisa kuramba uchiropafadzwa nesimba raMwari rehupirisita muupenyu hwako apo paunochengeta zvibvumirano zvawakaita naVo. (ona 1 Nifai 14:14).

Apo patinorarama maererano nezvibvumirano zvedu, tinogashira maropafadzo anotisimbisa uye nekutiropafadza. Tinokukokai kuti mufungisise pamusoro pamaropafadzo ehupirisita muupenyu hwenyu—maropafadzo ayo anouya nekuda kwesimba rehupirisita raMwari risingaperi uye neayo anouya kunyanya kuburikidza nemvumo yehupirisita iyo inogadzwa uye inopiwa muChechi yaMwari.

Manotsi

  1. Dale G. Renlund naRuth Lybbert Renlund, The Melchizedek Priesthood: Understanding the Doctrine, Living the Principles (2018), 11.

  2. Dallin H. Oaks, “The Melchizedek Priesthood and the Keys,” Musangano mukuru waKubvumbi 2020 (Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 69).

  3. Mutungamiri Russell M. Nelson, “Spiritual Treasures,” (Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2019, 78).