2021
Temberi yeKirtland
Gunyana 2021


“Temberi yeKirtland,” Friend (Shamwari), Gunyana 2021.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2021

Temberi yeKirtland

Mufananidzo
Joseph Smith achiona Temberi yeKirtland muchiratidzo

Mwari vakaudza Joseph Smith kuti avake temberi. Chakazarurwa chakataridza kuti yaizotaridzika sei. Yaizova imba yaMwari.

Mufananidzo
Kuvakwa kweTemberi yeKirtland

Vatendi vakashanda pamwechete kubatsira kuvaka temberi. Varume vakavaka masvingo marefu. Madzimai akagadzira maketeni nekapeti. Vana vadiki vakabatsira kuunza zvokuvakisa uye mvura kuvashandi.

Mufananidzo
vanhu vachiimba

Apo temberi payakapedzwa, Vatendi vakapinda mukati. Vakaimba rwiyo uye vakadaidzira “Hosana!” Joseph akapa munamato kukumikidza (kuropafadza) temberi.

Mufananidzo
Jesu Kristu achishanyira Temberi yeKirtland

Mushure mevhiki, Jesu Kristu akashanyira Joseph Smith naOliver Cowdery mutemberi yacho. Jesu akati Anotambira temberi seimba Yake.

Mufananidzo
vana pachivanze chetemberi

Nhasi kune matemberi kwose kwose munyika! Temberi yoga yoga inzvimbo tsvene. Nerimwe zuva ini ndinozopinda mukati uye ndoita vimbiso naMwari.

Peji Yokuisa Ruvara

Temberi Inzvimbo Tsvene.

Mufananidzo
mumwe mwana mudiki achigoverena Friend (Shamwari) nemumwe

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Sei temberi yakakosha?