2021
Zita reChechi Yake
Gumiguru 2021


“Zita reChechi Yake,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gumiguru 2021.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (Rusimbiso rweVechidiki) Gumiguru 2021

Zita reChechi Yake

Pane zvinorehwa nezita iro Jesu Kristu raakapa Chechi Yake.

Mufananidzo
Jesu Kristu seMufudzi Akanaka

chechi yangu

Chechi—iboka revanhu vanotendera muzvinhu zvakafanana uye vanonamata pamwechete. Chechi ino ndeyaJesu Kristu. Ndiye akaitanga. Ndiye anoitungamirira. Ndeyake.

ichadaidzwa

Jesu Kristu akatiudza izvo Zvaanoda kuti vanhu vadaidze Chechi Yake. Saka ndizvo zvatinofanira kuidaidza—uye ndizvo zvatinofanira kukumbira nemutsa vamwe kuti vaidaidze. Zita iri rakabva kuna Jesu Kristu.

mazuva ekupedzisira

Mazuva ekupedzisira—mazuva atiri kurarama maari; nguva Kuuya kweChipiri kwaJesu Kristu kusati kwaitika. Jesu Kristu akadzosa Chechi Yake pasi pano kwenguva ino yekupedzisira. Inozobatsira kugadzirira nyika Kuuya Kwake kweChipiri.

Chechi yaJesu Kristu

(Ona “chechi yangu.”) Ichi chikamu chekutanga chezita iro Muponesi raakapa Chechi Yake. Anoidaidza kuti “Chechi” nekuti Ndiye akaironga. Uye Akaisa zita Rake pairi.

Mazuva Ekupedzisira

(Ona “mazuva ekupedzisira.”) Ichi ndicho chikamu chekupedzisira chezita reChechi. Chinongoratidza kuti iyi ndiyo Chechi yaakadzorera mumazuva ano, kwete iyo yaAkatanga munguva dzekare.

Vatendi

Vatendi—ishoko rinoreva kuti “vanhu vatsvene.” Ichi ndicho chikamu chechipiri chezita reChechi. Chinotaura pamusoro penhengo dzeChechi. Jesu Kristu anokwanisa kutiita vanhu vakachena uye vakarurama. Uye Anotipa Mweya Mutsvene kuti utisimbise apo patinoedza kuita izvo zvaAkaraira. Kana tiine rutendo maAri uye tichiramba tichiedza, Anotiita vatsvene. Anotiita Vatendi.