2023
Mhuri Ndedze Kusingaperi
Ndira 2023


“Mhuri Ndedze Kusingaperi,” Liahona (Riahona), Ndira. 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga, reLiahona (Riahona) Ndira 2023

Mhuri Ndedze Kusingaperi

Mufananidzo
mhuri irikunyemwerera

Mhuri ndicho chikamu chikuru chenzanga uye cheChechi. Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira dzinotenda kuti mhuri dzinokwanisa kuva dzekusingaperi. Tinoshanda kuti tisimbise mhuri dzedu dziri panyika. Tine rutendowo rwekuti tinokwanisa kugashira ropafadzo remhuri yekusingaperi.

Mhuri yaMwari

Vanhu vose vanakomana nevanasikana vemweya vevabereki vekudenga. Tese tiri chikamu chemhuri yaMwari. Tese tine hunhu hwehumwari uye nemugumisiro hwehumwari. Kana tikararama zvakarurama, tinokwanisa kudzokera kunogara naBaba vedu Vokudenga sechikamu chemhuri Yavo nariinhi nariinhi.

Mufananidzo
vaviri vachangochata vari kunze kwetemberi

Mufananidzo wemuchato naJoseph Kaluba

Mhuri dzeKusingaperi

Apo murume nemukadzi pavanochata mutemberi uye vochengeta zvibvumirano zvavo, muchato wavo unozogara nekusingaperi. Chisungo chemutemberi ichi chinonzi sunganidzo. Vana vanozvarwa mushure mokunge vabereki vavo vasunganidzwa vanozvarwa muchibvimirano ichocho. Vana vanozvarwa vabereki vavo vasati vasunganidzwa vanokwanisa kusunganidzwa kwavari mutemberi kuitira kuti vakwanise kuva mhuri nariinhi nariinhi. Nhengo dzeChechi dzinoita nhoroondo yemhuri nebasa remutemberi kuitira kuti vakwanise kusunganidza mhuri dzavo pamwechete nemuzvizvarwa zvose. Ropafadzo remhuri yekusingaperi rinoitwa kuti rikwanisike nokuda kwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake.

Muchato

Muchato pakati pemurume nemukadzi wakagadzwa naMwari. Vhangeri raJesu Kristu rinodzidzisa varume nemadzimai kuvimbika kune mumwe nemumwe wavo uye nekutendeka muzvibvumirano zvavo zvemuchato. Vanofanira kuva pachokwadi mumufungo, mushoko, uye nemuzviito. Muchato hubatidzani hwakaenzana, uye murume nemudzimai vakachata vanofanira kukurudzirana, kunyaradzana, uye nokubatsirana.

Mufananidzo
vabereki vaine mwana mucheche

Vabereki neVana

Mwari vakaraira Adama naEva kuti vave nevana. Vatungamiri veChechi vakadzidzisa kuti murairo uyu uchiri kushanda. Vanaamai nanababa vanoshanda pamwechete kurera vana vavo murudo neururami (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25–28). Vana vanodzidziswa kukudza uye kuteerera vabereki vavo (ona Eksodo 20:12).

Kudzidzisa neKudzidza

Vabereki vanodzidzisa vana vavo kuda Mwari uye kuteerera mirairo Yavo. Upenyu hwemhuri hunotipa mikana yekunzwa mufaro uye kudzidza kuva nemwoyo murefu uye nekusava noundingoveni Hunhu uhwu hunotibatsira kuti tinyanye kuva saMwari uye hwunotigadzirira kurarama tichifara semhuri nariinhi nariinhi.

Kusimbisa Mhuri

Zvinotora kushanda, kuzvipira, uye mwoyo murefu kuvaka mhuri inobudirira. Misimboti yevhangeri yakaita serutendo, munamato, ruregerero, rudo, kushanda, uye mafaro akanaka zvinokwanisa kutibatsira kuwana mufaro muupenyu hwemhuri. Tinokwanisawo kugashira zvakazarurwa zvedu pachedu kuti tizive masimbisiro atingaita mhuri dzedu.

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

Mufananidzo waKristu, naHeinrich Hofmann

Makomborero Anowanikwa kune Vese

Haasi munhu wose ane mukana wokuva chikamu chemhuri yakanaka pasi pano. Asi Mwari vakavimbisa kuti wose anochengeta mirairo Yavo achagashira maropafadzo ose emhuri yekusingaperi. Tinokwanisa kuvimba maVari uye kuva nerutendo munguva Yavo.