2023
Jesu Anoporesa Mudzimai
Kukadzi 2023


“Jesu Anoporesa Mudzimai,” Shoko reFriend (Shamwari) reMwedzi Woga Woga, Kukadzi 2023

“Jesu Anoporesa Mudzimai”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2023

Jesu Anoporesa Mudzimai

Mufananidzo
Jesu achifamba mumugwagwa

Mifananidzo naApryl Stott

Rimwe zuva Jesu akafamba mumugwagwa une vanhu vakawanda. Muchaunga chacho maiva nomumwe mudzimai akanga arwara kwamakore gumi namaviri.

Mufananidzo
mudzimai achibata nguwo yaJesu

Mudzimai uyu aiva norutendo rwekuti Jesu aikwanisa kumuporesa. Akatambanudza ruoko akabata nguwo Yake. Pakarepo akabva aporeswa!

Mufananidzo
Jesu Kristu

“Ndiani abata nguwo dzangu?” Jesu akabvunza. Mudzimai akatya. Akapfugama pamberi paJesu uye akaMuudza zvakanga zvaitika.

Mufananidzo
Jesu achitaura nemudzimai

Jesu aiva nerudo. Akati, “Iva nekunyaradzwa kwakanaka.” Akamuudza kuti aiva aporeswa nekuda kwerutendo rwake.

Mufananidzo
vana vari muchikepe

Ndinokwanisa kuva nerutendo muna Jesu Kristu. Rudo Rwake runokwanisa kundibatsira uye kundipa runyararo.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndine Rutendo muna Jesu Kristu

Mufananidzo
amai nemwanakomana vachinamata

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Unoratidza sei rutendo rwako?