2023
Maropafadzo eHupirisita
Kurume 2023


“Maropafadzo eHupirisita,” Liahona (Riahona), Kurume. 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kurume 2023

Maropafadzo eHupirisita

Mufananidzo
Kristu achigadza vaApositora Vane Gumi neVaviri

Kristu achigadza vaApositora Vane Gumi neVaviri, naHarry Anderson

Ropafadzo rehupirisita rinopuwa nemubati weHupirisita hwaMerikizedeki kuburikidza nefemero. Maropafadzo ehupirisita anoita kuti zvikwanisike kuti vose vevana vaMwari vagashire simba Ravo, kuporesa, nokunyaradza Kwavo, uye nenhungamiro Yavo.

Hupirisita

Hupirisita isimba nemvumo yaMwari. Varume vakakodzera avo vane Hupirisita hwaMerikizedeki vanoita muzita raJesu Kristu apo pavanopa maropafadzo ehupirisita. Apo pavanopa maropafadzo aya, vanotevera muenzaniso weMuponesi wekuropafadza vamwe.

Mufananidzo
maoko ari pamusoro

Mufananidzo naDavid Winters

Mapuwirwo Anoitwa Maropafadzo

Maropafadzo ehupirisita anopuwa nekuisa maoko pamusoro wemunhu. Mubati weHupirisita hwaMerikizedeki anoisa maoko ake pamusoro wemunhu arikugashira ropafadzo. Ipapo anopa ropafadzo sokuraira kunoita Mweya. Avo vanopa maropafadzo naavo vanoagamuchira vanoshandisa rutendo muna Mwari uye vanovimba nechido Chavo uye nenguva Yavo.

Kutumidza neKuropafadza Vana

Mushure mokunge mwana azvarwa, mubati wehupirisita anomupa zita neropafadzo (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:70). Izvi zvinowanzoitika mumusangano wekutsanya nokupupura. Mwana anotanga kupuwa zita. Zvino mubati wehupirisita anopa mwana ropafadzo.

Mufananidzo
mukomana anorwara achitambira ropafadzo yehupirisita

Mufananidzo naWelden C. Andersen

Maropafadzo eVanorwara

Vabati veHupirisita hwaMerikizedeki vanokwanisa kupa maropafadzo kuvanhu vanorwara. Rudzi urwu rweropafadzo rune zvikamu zviviri: kuzodza nemafuta uye nekusimbisa uzodzwa. Kutanga, mubati wohupirista anoisa donhwe ramafuta omuorivhi akatsaurwa, kana kuti akaropafadzwa, pamusoro womunhu uye wopa munyengetero mupfupi. Zvino mumwe ane hupirisita anosimbisa uzodzwa uye opa munhu ropafadzo sekutungamirirwa kwaanoitwa neMweya Mutsvene.

Maropafadzo eNyaradzo neRairo

Vabati veHupirisita hwaMerikizedeki vanokwanisa kupa maropafadzo enyaradzo nerairo kunhengo dzemhuri nevamwe vanoakumbira. Baba vane Hupirisita hwaMerikizedeki vanokwanisa kupa maropafadzo ababa kuvana vavo. Izvi zvinonyanya kubatsira apo vana pavanenge vachisangana nematambudziko.

Kutsaura Nhengo Kuti Dzishande Mudaidzo

Apo nhengo dzeChechi padzinotambira daidzo, dzinopiwa ropafadzo apo napadzinotsaurwa kuti dzishandire. Mutungamiri wehupirisita anovaropafadza nemvumo yekuita zvinhu mudaidzo yacho. Mutungamiri wehupirisita anovapawo ropafadzo kuvabatsira mubasa ravo.

Mufananidzo
mukadzi achiverenga ropafadzo yapatiriyaki yake

Mufananidzo naShauna Stephenson

Maropafadzo aPatiriyaki

Dzose nhengo dzeChechi dzakakodzera dzinogona kugashira ropafadzo rapatiriyaki. Ropadzo iri rinopa rairo yomunhu pachake inobva kuna Ishe. Rinokwanisa kupa nhungamiro uye nyaradzo muupenyu hwose hwomunhu. Rinozivisawo dzinza remunhu muimba yaIsraeri. Chete patiriyaki akagadzwa ndiye anokwanisa kupa rudzi urwu rweropafadzo.