2023
Dzidziso dzaJesu Kristu
Chivabvu 2023


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Chivabvu 2023

Dzidziso dzaJesu Kristu

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
pepa rinonamirwa kumadziro

Sokudzidzisa kwatakaitwa naMuporofita Nifai, tinofanira “kudya pamashoko aKristu, nokuti tarisai, mashoko aKristu anozokutaurira zvinhu zvose izvo zvaunofanira kuita.”1 … Shoko rangu nhasi rinosanganisira zvakasarudzwa zvemashoko eMuponesi wedu—izvo zvaAkataura. …

“[Murairo mukuru mumutemo ndeuyu:] ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.

“uyu ndiwo murairo mukuru wokutanga.

“Uye wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako sezvaunozvida iwe.

“Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”2 …

“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munofanira kuchenjerera nokunamata nguva dzose, kuti musava munoedzwa nadhiabhorosi, uye mugotungamirwa muutapwa naye.”3 …

“Naizvozvo, chipi nechipi zvacho chamuchaita, muchachiita muzita rangu; naizvozvo imi muchadaidza chechi muzita rangu.”4 …

“Zvino uyu ndiwo murairo: Tendeukai, imi mose mativi epanyika, uye huyai kwandiri uye mubhabhatidzwe muzita rangu, kuitira kuti mugotsveneswa kuburikidza nokutambira Mweya Mutsvene, kuti imi mugomira musina mavara pamberi pangu pazuva rokupedzisira.”5 …

Tinotenda muna Kristu. Ndinopedzisira neizvo zvaAkataura pamusoro pamaziviro uye nemateverero atinofanira kuita dzidziso Dzake.

“Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri.”6