2023
Kugovera Vhangeri raJesu Kristu
Chikunguru 2023


“Kugovera Vhangeri raJesu Kristu,” Liahona, Chikunguru 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikunguru 2023

Kugovera Vhangeri raJesu Kristu

Mufananidzo
musikana wechidiki aine magwaro matsvene akavhurika ari pamakumbo

Apo patinofunga pamusoro pamaropafadzo atinogamuchira nokuda kwokuti tiri nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinoda kugoverana vhangeri naavo vatinoda. Tinokwanisa kugovera uchapupu hwedu hwechokwadi kuburikidza namashoko edu uye nemuenzaniso wedu. Tinokwanisa kunamatira femero yekuziva uyo wokugoverana naye uye izvo zvokutaura.

Mufananidzo
Jesu achinanavira kumurume akaremara

Ida Vamwe

Chikamu chakakosha chokugovera vhangeri ndeche kuda vamwe. Apo patinoratidza rudo rwedu kuna vamwe kuburikidza nezviito zvakafanana nezvaKristu, tiri kugovera vhangeri raJesu Kristu—dzimwe nguva tisingatauri kana shoko. Uye apo vamwe pavanoziva kuti tine hanya zvechokwadi pamusoro pavo, vangangova vanonyanya kuda kunzwa pfungwa dzedu pamusoro pevhangeri. “(Ona Gary E. Stevenson, “Love, Share, Invite,” Liahona, Chivabvu 2022, 84–87.)

Govera Nzira dzaMazuva Ose uye dzoMusikirwo Wedu

Tinokwanisa kugovera izvo zvatinoda pamusoro pevhangeri. Apo patinoita izvi sechikamu cheupenyu hwedu hwemazuva ose, hazvizovi zvinokunetsa kana kukukonzera kusagadzikana. Semuenzaniso, tinokwanisa kutaura nemhuri neshamwari dzedu pamusoro peizvo zvatinoita pamusi weSvondo. Kana kuti tinokwanisa kuvataurira pamusoro pemufaro watinonzwa apo patinoshandira vamwe. (Ona Dieter F. Uchtdorf, “Missionary Work: Sharing What Is in Your,” Liahona, Chivabvu 2019, 15–18.)

Koka vamwe kuti Vabatane Nesu.

Tinokwanisa kukoka vamwe kudzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pevhangeri. Semuenzaniso, tinokwanisa kuvakoka kuti vauye kumusangano kana chiitwa cheChurch, kuverenga Bhuku raMormoni, kuona vhidhiyo yeChechi, kana kushanyirwa navashumuri. Mienzaniso iyi inokwanisa kuvabatsira kunzwa Mweya uye nokuda kudzidza zvimwe zvakawanda.

Mufananidzo
madzimai echikuru maviri akagara uye achitaura

Bvunza pamusoro peChiitiko Chavo

Mushure mokunge shamwari nenhengo dzemhuri dzauya kuchechi kana dzaita chidzidzo navashumuri, tinokwanisa kuvabvunza pamusoro pechiitiko chavo. Dzimwe dzidziso dzevhangeri dzingangova itsva kwavari, saka tinokwanisa kupindura mibvunzo yavanayo. Tinokwanisa kuratidza rudo nerutsigiro rwedu kukuedza kwavo kuuya kuna Kristu.

Wedzera kune Zvavanotenda

Tinokoshesa nokuremekedza zvinotendwa navamwe, uye tinoedza kuwedzera kurutendo rwavanarwo nechakare. Semuenzaniso, shamwari iyo yakawana nyaradzo muzvinyorwa zvitsvene zveBhaibheri inokwanisawo kuwana nyaradzo mudzidziso dzatinogovera kubva muBhuku raMormoni.

Mufananidzo
musikana wechidiki achibatsira mudzimai wechikuru kuyambuka nzira

Batsira Nhengo Itsva dzeChechi

Apo vanhu pavanopinda muChechi, tinokwanisa kubatsira kusimbisa rutendo rwavo. Tinokwanisa kuva shamwari yavo, kupindura mibvunzo yavo, uye kuvatsigira apo pavanogamuchira daidzo. Tinokwanisa kuvakurudzira kuramba vachitevera Jesu Kristu uye nokudzidza pamusoro pevhangeri Rake.

Mufananidzo
magosa ehushumiri maviri nemurume vakatarisa pafoni pamwechete

Shandira Hushumiri hweNguva Dzakazara

Pamusoro pokugovera vhangeri muupenyu hwedu hwemazuva ose, nhengo dzeChechi dzinokwanisa kudaidzwa kushanda sevashumuri venguva dzakazara. Kana vakagadzirira, vakomana vechidiki vangangoshandira vangosvika pazera remakore gumi nemasere okuzvarwa. Vasikana vechidiki uye vanhu vechikuru vanokwanisa kushandirawo. Unokwanisa kuwana rumwe ruzivo pa ChurchofJesusChrist.org/callings/missionary.