2023
Kuzviriritira Kunotisimbisa Isu
Nyamavhuvhu 2023


“Kuzviriritira Kunotisimbisa Isu,” Liahona, Nyamavhuvhu 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Nyamavhuvhu 2023

Kuzviriritira Kunotisimbisa Isu

Mufananidzo
vanhu vaviri vachisuka ndiro

Kuva tinozviriritira zvinoreva kuti tinokwanisa kutaririra zvidikanwi zvedu nezvemhuri dzedu. Kana tichizviriritira, tinokwanisawo zvirinani kushandira Ishe uye nekutaririra vamwe. Asi kuzviriritira hazvirevi kuti tinofanira kutarisana nematambudziko edu tiri tega. Tinokwanisa kukumbira rubatsiro kubva kushamwari, mhuri, nhengo dzewadhi kana bazi, nenyanzvi apo patinenge tichiruda.

Misimboti yeKuzviriritira

Kuva tinozviriritira kunoda dzidzo, kuteerera, uye kushanda nesimba. Tinoita zvose zvatinokwanisa kuti tizvitarire pachedu, uye tinokwanisa kukumbira rubatsiro kuna vamwe apo pazvinenge zvichidiwa. Kuti tive tinozviriritira zvechokwadi, zvisinei, tinofanirawo kudzidza kuva norutendo muna Jesu Kristu. Zvino apo patinoshanda kuzvibatsira, Anozotisimbisa.

Mufananidzo
maoko maviri akapetwa

Kuzviriritira pane Zvepamweya

Tinokwanisa kuvaka kuzviriritira kwedu kwezvepamweya nekushanda kusimbisa uchapupu hwedu hwaJesu Kristu. Tinoita izvi apo patinonamata, patinonzvera magwaro matsvene, patinopinda chechi, patinoteerera mirairo, uye patinoita zvimwe zvinhu zvinotiswededza pedyo naKristu. Kuziva kuti Anoda kutibatsira kunozotipa rutendo rwokuti tirambe takasimba kunyangwe apo upenyu pahwunge hwakaoma.

Kuzviriritira pane Zvepanyama

Kuzviriritira pane zvepanyamakunosanganisira kukwanisa kutaririra pazvidikanwi zvepanyama zvedu nezvemhuri dzedu. Izvi zvinosanganisira zvokudya, pokugara, utano, uye nezvimwe zvidikanwi. Tinoita izvi nokuwana dzidzo yakanaka, kudzidza kana kuwedzera unyanzvi hunodikanwa, kushanda nesimba, kushandisa nguva yedu nouchenjeri, uye kushandisa mari yedu zvakanaka.

Mufananidzo
madzimai matatu arikufamba pamwechete

Kuzviriritira kweMupfungwa

Kuzviriritira kwemupfungwa ikwaniso yokutambira zvinetso zvepfungwa neushingi uye nerutendo. Tese tine zvinetso nezvimhingamipinyi. Nokuda kwevhangeri, tinoziva kuti tinokwanisa kusarudza mapinduriro okuita kwazviri. Kupindura nerutendo muna Ishe kunowedzera kwaniso yedu yekutarisana nemamwe matambudziko netariro huru.

Dzidzo

Tinofanira kugara tichidzidza. Mwari vanoda kuti tidzidzise pfungwa dzedu uye tinatsurudze unyanzvi hwedu nemuhupenyu hwuno hwose uye nemune hwunotevera. Apo patinodzidza zvakawanda, ndipo patinonyanyawo kuva huridziro iri nani yezvakanaka uye nokuzviriritira isu pachedu, mhuri dzedu, uye neavo vanoshayiwa.

Mufananidzo
mukomana mudiki akatakura bhegi

Maropafadzo oKuva Unozviriritira

Vaporofita vakadzidzisa kuti apo patinonatsurudza kuzviriritira kwedu, tinozoropafadzwa netariro hurusa uye nerunyararo rukurusa. Tinozokwanisa kubatsira mhuri dzedu nevamwe vanoshayiwa. Uye tinozoropafadzwa nemikana yakawanda uye nekwaniso yokuramba tichifambira mberi.

Zvinyorwa zveChechi

Siteki yako inogona kupa mapoka ekuzviriritira. Aya anokwanisa kukudzidzisa misimboti yekuzviriritira uye unyanzvi hwakaita sekushandisa mari yako zvakanaka kana kuwana basa riri nani. Unokwanisa kuwana zvinyorwa zvinoenderana muRaibhurari yeVhangeri. Sarudza “Mabhuku neZvidzidzo” uyezve “Kuzviriritira.”