2023
Torai Mweya seNhungamiro Yenyu
Gumiguru 2023


“Torai Mweya seNhungamiro Yenyu,” reRumbiso rweVechidiki, Gumiguru 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reZveRusimbiso rweVechidiki Gumiguru 2023

Torai Mweya seNhungamiro Yenyu

Kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2017

Baba vedu vari Kudenga vaiziva kuti muupenyu hunofa taizosangana nezvinetso, matambudziko, nenyonganyonga; Vaiziva kuti taizorwisana nemibvunzo, zviodzwa mwoyo, miedzo, uye neutera. Kuti vatipe simba repanyama nenhungamiro yehumwari, Vakapa Mweya Mutsvene.

Kuburikidza nekudomwa kwohumwari, Mweya unofemera, unopupura, unodzidzisa, uye unotikurudzira kufamba muchiedza chaIshe. Tine basa rinoera rekudzidza kuziva kurudziro Yawo muupenyu hwedu uye todavira.

Tinozviita sei izvozvo?

Chekutanga, tinoedza nesimba rose kurarama zvakakodzera kuva neMweya.

Chechipiri, tinofanira kuda kugamuchira Mweya.

Chechitatu, tinofanira kuziva Mweya apo paunouya.

Chechina, tinofanira kuita chimwe chinhu pafemero yokutanga.

Ngatitorei zvakakomba daidzo yaIshe yekuti “Farai, nokuti ndinozokutungamirai” (Dzidziso neZvibvumirano 78:18). Anotitungamira Kuburikidza neMweya Mutsvene. Ngatigarei pedyo neMweya, tichiita chimwe chinhu nekukasika pafemero dzedu dzekutanga, tichiziva kuti dzinouya kubva kuna Mwari. Ndinopupura nezvesimba reMweya Mutsvene rekutitungamirira, kutirinda, uye nokuva nesu nguva dzose.