Magwaro Matsvene
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako,” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene (2021)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako,” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene

Mufananidzo
mhuri dzichinzvera magwaro matsvene

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri nguva dzose inzira yakasimba yekubatsira mhuri yako kudzidza vhangeri. Huwandu hwezvamunoverenga uye nehurefu hwenguva yamunoverenga semhuri hazvina kukosha sekuramba makashinga mukuedza kwenyu. Apo paunoita kuti kunzvera magwaro matsvene kuve chikamu chakakosha cheupenyu hwemhuri yako, unozobatsira nhengo dzemhuri yako kuswedera pedyo naJesu Kristu uye nekuvaka uchapupu hwavo pahwaro hweshoko Rake.

Funga pamusoro pemibvunzo inotevera:

  • Ungakwanisa sei kukurudzira nhengo dzemhuri kuti dzinzvere magwaro matsvene dziri dzega?

  • Chii chaungaite kukurudzira nhengo dzemhuri kuti dzigovere zvavari kudzidza?

  • Ungakwanisa sei kusimbisa misimboti yauri kudzidza mumagwaro matsvene munguva dzinopa mukana wekudzidzisa dzemazuva ose?

Yeuka kuti mumba ndiyo nzvimbo yakanaka yekudzidza uye kudzidzisa vhangeri. Unokwanisa kudzidza nekudzidzisa vhangeri kumba nenzira dzisingakwanisiki mukirasi yeChechi. Shandisa mazano anouchenjeri apo paunofunga nzira dzekubatsira mhuri yako kudzidza kubva mumagwaro matsvene. Funga pamusoro pemamwe emazano anotevera kuti unatsurudze kunzvera magwaro matsvene kwemhuri yako.

Shandisa Mumhanzi

Imbai dzimbo dzinosimbisa misimboti yakadzidziswa mumagwaro matsvene.

Mufananidzo
murume nemusikana vachinzvera magwaro matsvene

Goveranai Zvinyorwa Zvitsvene Zvakakosha

Ipa nhengo dzemhuri nguva yekugoverana ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzo dzavakawana dzakakosha panguva yekunzvera kwavo pachavo.

Shandisa Mashoko Ako Pachako

Koka nhengo dzemhuri kuti vapfupise nemumashoko avo pachavo izvo zvavanodzidza kubva mumagwaro matsvene amunonzvera.

Shandisa Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako

Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, kumbira nhengo dzemhuri kuti dzigovere nzira idzo ndima iyi dzainoshanda kuupenyu hwavo.

Bvunza Mubvunzo

Koka nhengo dzemhuri kuti dzibvunze mubvunzo wevhangeri, uye zvino mopedza nguva muchitsvaga ndima dzinokwanisa kubatsira kupindura mubvunzo wacho.

Turika Chinyorwa Chitsvene Pachinoonekwa

Sarudza ndima yaunowana yakakosha, uye woiturika apo painoonekwa nenhengo dzemhuri nguva zhinji. Koka nhengo dzemhuri kuti dzitore majana mukusarudza chinyorwa chitsvene chekuturika.

Ita Mudorongodzwa weZvinyorwa Zvitsvene

Semhuri, sarudzai ndima dzakati wandei idzo dzamunoda kuzokurukura mukati mevhiki rinotevera.

Dzidzai Zvinyorwa Zvitsvene neMusoro

Sarudza ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kumhuri yenyu, uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dziidzidze nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kutamba mutambo wekudzidza ndima nemusoro.

Govera Zvidzidzo zveKudzidzisa neChinhu Chinobatwa

Tsvaga zvinhu zvinobatwa zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzamuri kuverenga semhuri. Koka nhengo dzemhuri kuti dzitaure pamusoro pekuti chinhu chimwe nechimwe chinofambirana sei nedzidziso dziri muzvinyorwa zvitsvene.

Mufananidzo
mudzimai achidzidzisa mwana

Sarudzai Musoro weNyaya

Ita kuti nhengo dzemhuri dzitore majana kusarudza musoro wenyaya unozonzverwa nemhuri pamwechete. Shandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kuti muwane ndima dzezvinyorwa zvitsvene maererano nemusoro wenyaya unenge wasuradzwa.

Dhirowai Mufananidzo

Verengai ndima shoma semhuri, uye mopa nguva yekuti nhengo dzemhuri dzidhirowe chimwe chinhu chinoenderana nezvamaverenga. Pedzai nguva muchikurukura nezve mifananidzo yemumwe nemumwe.

Itai Mutambo weNyaya

Mushure mekuverenga nyaya, koka nhengo dzemhuri kuti dziite mutambo wezvenyaya yacho. Mushure maizvozvo, taurai pamusoro pekuti nyaya yacho inofambirana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo semunhu pachake uye semhuri.

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti: “Munamato wega wega wemhuri, nguva yega yega yekunzvera magwaro matsvene kwemhuri, uye nemanheru emhuri ega ega ndiko kupendwa nebhurasho kwemweya yedu. Hapana chiitiko chimwechete chingaratidzike kuva chinofadza kana chisingakanganwike. Asi sekungopindirana kunoita nzvimbo dzapendwa nependi yerudzi rweyero nerwegoridhe nerwebhurauni uye zvoburitsa mufananidzo unoyevedza, saizvozvowo kuramba kwedu tichiita zvinhu zvinoratidzika sezvidiki kunokwanisa kutungamirira kumhedzisiro huru dzezvepamweya” (“More Diligent and Concerned at Home,” Liahona, Mbudzi 2009, 19–20).