Magwaro Matsvene
1 Nifai 15


Chitsauko 15

Mbeu yaRihai ichatambira vhangeri kubva kumaJentairi mumazuva ekupedzisira—Chizvarwa chaIsraeri chinofananidzwa nemuti wemuorivi une mapazi achabatanidzwa pakare—Nifai anodudzira chiratidzo chemuti weupenyu uye anotaura nezvekuenzanisa kwaMwari mukubvisa vatadzi muvakarurama. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakanga ndatakurwa mumweya, uye ndaona zvose zvinhu izvi, ndakadzokera kutende kwababa vangu.

2 Uye zvakaitika kuti ndakaona hama dzangu, uye dzakanga dzichiitirana nharo maererano nezvinhu zvakanga zvataurwa nababa vangu kwavari.

3 Nokuti chokwadi vakataura zvinhu zvikuru zvakawanda kwavari, zvakange zvakaoma kunzwisiswa, kunze kwekunge munhu abvunza Mwari; uye ivo vari vakukutu mumwoyo, saka havana kutarisa kuna Ishe sezvavaifanira kuita.

4 Uye zvino ini Nifai, ndakasuwa pamusana pekuoma kwemwoyo yavo, uyewo, nenzira yezvinhu zvandakanga ndaona, nekuziva kuti zvaitozoitika chete nenzira yekuipa kukuru kwevana vevanhu.

5 Uye zvakaitika kuti ndakakurirwa nenzira yekutambudzwa kwangu, nokuti ndaiti kutambudzika kwangu kwaive kukuru kupfuura zvose, nenzira yekuparadzwa kwevanhu vekwangu, nokuti ndakanga ndaona kupunzika kwavo.

6 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ndatambira simba ndakataura kuhama dzangu, ndichida kuziva kwavari chikonzero chenharo dzavo.

7 Uye vakati: Tarisai, hatinzwisise mazwi ataurwa nababa vedu nezvemapazi emuti wemuorivi, uye nezvemaJentairi.

8 Uye ndikati kwavari: Mabvunza Ishe here?

9 Uye vakati kwandiri: Hatina; nokuti Ishe havaite kuti tizive chinhu chakadaro.

10 Tarisai, ndakadaro kwavari: Sei musingachengete mirau yaIshe? Sei muchizofa, nenzira yeukukutu hwemwoyo yenyu?

11 Hamuyeuke here zvinhu izvo zvakataurwa naIshe?—Kana mukasaomesa mwoyo yenyu, uye mukandikumbira murutendo, muchitenda kuti muchagashira, nekusimba mukuchengeta mirairo yangu, chokwadi zvinhu izvi zvichaziviswa kwamuri.

12 Tarisai, ndinoti kwamuri, imba yaIsraeri yakaenzaniswa nemuti wemuorivi, neMweya waIshe wakanga uri munababa vedu; uye tarisai hatina kupazuka here kubva mumba yaIsraeri, uye hatizi bazi remba yaIsraeri here?

13 Uye zvino, chinhu chinoreva baba vedu maererano nekupinzaniswa kwemapazi epo chaiwo kuburikidza nekuzara kwemaJentairi kuti, mumazuva ekupedzisira, kana mbeu yedu yaderera mukusatenda, hongu, kwemakore mazhinji, uye zvizvarwa zvizhinji mushure mekunge Mesia azviratidza nemuviri wake kuvana vevanhu, ndipo pachauya kuzara kwevhangeri raMesia kumaJentairi, uye robva kumaJentairi richienda kune vakasara vembeu yedu—

14 Uye muzuva iroro vakasara vembeu yedu ndipo pavachaziva kuti ndevemba yaIsraeri, nokuti ndivo vanhu vechibvumirano chaIshe; uye ndipo pavachaziva nokuuya muruzivo rwemadzitateguru avo, nekuruzivowo rwevhangeri reMununuri wavo, rakaparidzwa kumadzibaba avo naiye; nokudaro, vachauya mukuziva Mununuri wavo nezvinangwa chaizvo zvedzidziso yake, kuti vagoziva kuti vangauye sei kwaari uye vagoponeswa.

15 Uye muzuva iroro havazofara here vachirumbidza Mwari vavo vasingaperi, dombo ravo neruponeso rwavo? Hongu, muzuva iroro, havazogashira here simba nekudya kunosimbisa kubva kumudzambiringa wechokwadi? Hongu, havazouya here mudanga rechokwadi raMwari?

16 Tarisai, ndinoti kwamuri, Hongu; vacharangarirwa zvakare kune vemba yaIsraeri; vachabatanidzwa, vari bazi repo remuti wemuorivi, vachiiswa mumuti wemuorivi wechokwadi.

17 Uye izvi ndizvo zviri kureva baba vedu; uye vari kureva kuti izvi hazvizoitika kudzamara vati vaparadzwa nemaJentairi; uye vanoreva kuti zvichaitika nekumaJentairi, kuti Ishe aratidze simba rake kumaJentairi, nechikonzero chichaita kuti arambwe nemaJuda, kana vemba yaIsraeri.

18 Nokudaro, baba vedu havana kutaura nezvembeu yedu yega, asiwo nezvemba yose yaIsraeri, achinongedza kuchibvumirano chichazadzikiswa mumazuva ekupedzisira; chiri chibvumirano chakaitwa naIshe kuna baba vedu Abrahama vachiti: Mumbeu yako hama dzose dzepasi dzicharopafadzwa.

19 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakataura kwavari zvizhinji maererano nezvinhu izvi; hongu, ndakataura kwavari nezvekudzorerwa kwemaJuda mumazuva ekupedzisira.

20 Uye ndakadzokorora mazwi aIsaya kwavari, akataura nezvekudzorerwa pakare, kwemaJuda, kana kwemba yaIsraeri; uye mushure mekunge vadzorerwa havachazonyadziswa, havazoparadzwa zvakare. Uye zvakaitika kuti ndakataura mazwi akawanda kwazvo kuhama dzangu, zvekuti vakapfava uye vakazvirereka pamberi paIshe.

21 Uye zvakaitika kuti vakataura kwandiri zvakare, vachiti: Chinorevei chinhu ichi chakaonekwa nababa vedu kuhope? Unorevei muti wavakaona?

22 Uye ndakati kwavari: Chaive chiratidzo chemuti weupenyu.

23 Uye vakati kwandiri: Rinorevei danda resimbi rakaonekwa nababa vedu, raienda pamuti?

24 Uye ndakati kwavari raive izwi raMwari; uye avo vachateerera kuzwi raMwari, uye vachibatirira nesimba kwariri, havazofi; hakuna zviedzo uye kana miseve inotyisa yemuvengi ingavakurire ikavapinza muupofu, kuti vatungamirirwe kunoparadzwa.

25 Nokudaro, ini Nifai, ndakavakuridzira kuti vachenjerere mazwi aIshe; hongu, ndakavakuridzira nesimba remweya wangu rose, nehugwaru hwose hwandinawo, kuti vachenjerere izwi raMwari uye vagorangarira kuchengeta mirairo yavo nguva dzose muzvinhu zvose.

26 Uye vakati kwandiri: Ko! rwunorevei rwizi rwemvura rwakaonekwa nababa vedu?

27 Uye ndakati kwavari mvura yakaonekwa nababa vangu yaive utsvina; uye mwoyo wavo wakanga wakanyura mune zvimwe zvinhu zvekuti havana kuona utsvina hwemvura.

28 Uye ndakati kwavari yaive mvura yakaipa, inoganhura vakaipa kubva pamuti weupenyu, nekubvawo kuvatendi vaMwari.

29 Uye ndikati kwavari chaive chiratidzo chegehena riye rinotyisa, rakanzi kwandiri nengirozi rakagadzirirwa vakaipa.

30 Uye ndakati kwavari baba vedu vakaonawo kuti kutonga kwakanaka kwaMwari kunoitawo kuti vatsvene vabve muvatadzi; uye kupenya kwacho kwakange kwakaita sechiedza chemoto uri kubvira, uyo unokwira kuna Mwari narinhi narinhi, uye usina magumo.

31 Uye vakati kwandiri: Chinhu ichi chinoreva here kunetswa kwemuviri mumazuva ekuedzwa, kana kuti zvekupedzisira zvinenge zvakaita mweya mushure mekufa kwenyama, kana kuti chiri kutaura here nezvezvinhu zvenyama?

32 Uye zvakaitika kuti ndakati kwavari chiratidzo chezvinhu zvose zvenyama nezvemweya; nokuti zuva rakafanira kusvika rekuti vatongwe nemabasa avo, hongu, kana mabasa ayo akaitwa nemuviri wenyama mumazuva avo ekuedzwa.

33 Nokudaro, kana vakafa vari mukuipa kwavo vakafanira kuraswawo, muzvinhu zvemweya, izvo zviri zvinhu zviri muururami; nokudaro, vakafanira kuunzwa kuti vazomira pamberi paMwari, kuti vatongwe nemabasa avo; uye kana mabasa avo anga ari etsvina ivo vakafanira kuve vakasviba; uye kana vakasviba hazvingagone kuti vangagare muumambo hwaMwari; kana zvakadaro, umambo hwaMwari hwakafanira kunge hwakasvibawo.

34 Asi tarisai, ndinoti kwamuri, umambo hwaMwari hauna kusviba, uye hakuna chinhu chisina kuchena chingapinde muumambo hwaMwari; nokudaro pakafanira kuve nenzvimbo yeutsvina yakagadzirirwa izvo zvakasviba.

35 Uye kune nzvimbo yakagadzirwa, hongu, riya gehena rinotyisa randataura nezvaro, uye dhiabhorosi ndiye mugadziri waro; nokudaro nzvimbo yekupedzisira yemweya yevanhu kugara muumambo hwaMwari, kana kurasirwa kunze nenzira yekuenzanisa kuye kwandambotaura.

36 Nokudaro, vakaipa vanorambwa kubva muvakarurama, nekubvawo kumuti uye weupenyu, une muchero unokosha nekudiwa kupfuura mimwe michero yose; hongu, uye ndicho chipo chikuru chaMwari kupfuura zvose. Uye ndiko kutaura kwandakaita kuhama dzangu. Ameni.