Zvibatsiro Zvekudzidza
Kuroverwa


Kuroverwa

Tsika yevaRoma yekuuraya nayo, yakanga izere munguva dzeTestamente Itsva, yaiti munhu aiuraiwa nokumusunga kana kurovera maoko ake nemakumbo nezvipikiri pamuchinjikwa. Zvakanga kazhinji zvichiitwa kunhapwa nemakororo epasi pasi. Kuroverwa kwaitangirwa nokushushwa kana kurohwa (Marko 15:15). Munhu ainge achiroverwa kazhinji ainzi atakure muchinjikwa wake kunzvimbo yekuurairwa (Joh. 19:16–17). Nhumbi dzake kazhinji dzaitorwa nevarwi vaizazisa mutongo wacho (Mat. 27:35). Muchinjikwa waidzimikirwa muvhu kuti tsoka dzemunhu iyeyo dzingove fiti kana mbiri kubva pasi. Muchinjikwa waichengetwa nemauto kudakara munhu ari pamuchinjikwa afa, zvaiti pane dzimwe nguva zvaitora mazuva matatu (Joh. 19:31–37).

Jesu Kristu akaroverwa pamusana pekuti chikwata chevakange vasingadaire chakamupomera mhosva yenhema yekuti ari kumukira Kesari nekutaura zvisina rukudzo kuna Mwari nokuti akati iye Mwanakomana waMwari. Nguwo yakatsvukuruka (Joh. 19:2), ngundu yeminzwa, nekumwe kutukwa kwakapiwa kuna Jesu (Mat. 26:67; Marko 14:65).