Magwaro Matsvene
2 Nifai 10


Chitsauko 10

MaJuda acharovera pamuchinjikwa Mwari vavo—Vachapararira kudakara vatangisa kutenda kwavari—America ichave nyika yerusununguko isina mambo anotonga—Wadzanai naMwari uye mugowana ruponeso kuburikidza nenyasha dzake. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Jakobho, ndinotaura kwamuri zvakare, hama dzangu dzinodiwa, pamusoro pebazi rakarurama iri randataura.

2 Nokuti tarisai, zvivimbiso zvatakawana zvivimbiso zvakaitwa kwatiri maererano nezvenyama; nokudaro, sezvo zvakaratidzwa kwandiri kuti ruzhinji rwevana vedu rwuchafira mune zvenyama nenzira yekusatenda, zvakadaro, Mwari vachanzwira tsitsi kuvazhinji; uye vana vedu vachaponeswa, kuti vazouya kune icho chichavapa ruzivo rwakakwana rwechokwadi rweMununuri wavo.

3 Nokudaro, sekutaura kwandaita kwamuri, zvinofanira kuti Kristu—nokuti mauro ngirozi yakandiudza kuti ndiro rakafanira kuve zita rake—anouya pakati pemaJuda, pakati peavo vakanyanya kuve vakaipa munyika; uye vachamurovera pamuchinjikwa—nokuti ndizvo zvinofadza Mwari vedu, uye hakunazve rumwe rudzi panyika rwungarovere pamuchinjikwa Mwari vavo.

4 Nokuti kana zvishamiso zvikuru zvakaitwa pakati pemamwe marudzi, vangatendeuke, uye vagoziva kuti ndiye Mwari wavo.

5 Asi nenzira yehupirisita husakarurama nezvitema, avo vari Jerusarema vachaomesa mitsipa yavo vachimurwisa, kuti aroverwe pamuchinjikwa.

6 Nokudaro, nenzira yezvitema zvavo, kuparadzwa, nzara, zvirwere, uye kudeuka kweropa kuchauya pavari; uye avo vasingazoparadzwa vachaparadzirwa pakati pemarudzi ose.

7 Asi tarisai, ndiko kutaura kwaIshe Mwari: Kana zuva rasvika rekuti vatende mandiri, kuti ndini Kristu, saka ndakabvumirana nemadzibaba avo kuti vachadzorerwa munyama, pasi, kunyika yenhaka yavo.

8 Uye zvichaitika kuti vachaunganidzwa kubva kwavakanga vakapararira kwenguva huru, kubva muzvitsuwa zvegungwa, nemumativi mana enyika, uye marudzi emaJentairi achave makuru mumaziso angu, vanodaro Mwari, mukuvatakura vachienda navo kunyika dzenhaka.

9 Hongu, madzimambo emaJentairi ndivo vachave madzibaba ekuvarera, uye madzimambokadzi avo ndivo vachave vareri vavo; nokudaro, zvivimbiso naIshe kumaJentairi zvikuru, nokuti vakazvitaura, uye ndiani angazvipikise?

10 Asi tarisai, nyika ino, vanodaro Mwari, ichave nyika yenhaka yenyu, uye maJentairi vacharopafadzwa pamusoro payo.

11 Uye nyika ino ichave nyika yerusununguko kumaJentairi, uye haichazove nemadzimambo enyika, vachamukirana nemaJentairi.

12 Uye ndichadzivirira nyika ino kune mamwe marudzi ose.

13 Uye uyo anorwisa Zioni achafa, vanodaro Mwari.

14 Nokuti uyo achamutsa mambo kuti andirwise achafa, nokuti ini Ishe mambo wedenga, ndichave mambo vavo, uye ndichave chiedza kwavari narinhi, avo vanonzwa mazwi angu.

15 Nokudaro, nenzira yezvizvi, kuti zvibvumirano zvangu zvizadzikiswe zvandakaita kuvana vevanhu, kuti ndinozozviita kwavari vari munyama, ndakafanira kuparadza mabasa akavanda erima, neekupondana, neekuipa.

16 Nokudaro, uyo acharwisa Zioni, kana muJuda uye kana muJentairi, musungwa neakasununguka, murume kana mukadzi, vachafa; nokuti ivava ndivo pfambi dzepasi pose; nokuti avo vasiri kwandiri vari kurwisana neni, vanodaro Mwari vedu.

17 Nokuti ndichazadzikisa zvandakavimbisa vana vevanhu, zvandakati ndinovaitira vachiri vapenyu—

18 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, ndiko kutaura kunoita Mwari vedu: Ndichatambudza mbeu yenyu neruoko rwemaJentairi; zvakadaro, ndichapfavisa mwoyo yemaJentairi, kuti vaite sababa kwavari; nokudaro, maJentairi vacharopafadzwa uye vagoverengerwa pamwechete nevemba yaIsraeri.

19 Nokudaro, ndichagadzirira nyika ino mbeu yako, neavo vachaverengerwa kumbeu yako, narinhi, kuti ive nyika yenhaka yavo; nokuti inyika yakanaka, vanodaro Mwari kwandiri, kupfuura dzimwe nyika dzose, nokudaro ndichaita kuti vose vanhu vanogaramo vandinamate, vanodaro Mwari.

20 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, sekuona kwatiri kuita kuti Mwari vedu vetsitsi vatipa ruzivo rwukuru maererano nezvinhu izvi, ngativarangarirei, tosendeka zvitema zvedu, torega kutsikitsira pasi, nokuti hatina kutandwa; zvakadaro, takatinhwa tichibviswa munyika yenhaka yedu; asi takatungamirirwa kunyika iri nani, nokuti Ishe akaita gungwa rive nzira yedu, uye tiri pakatsuwa kegungwa.

21 Asi zvikuru zvakavimbiswa naIshe kune avo vagere pazvitsuwa zvegungwa; nokudaro sezvo zvichinzi zvitsuwa, zvinoreva kuti zvakawanda kupfuura apa, uye zvakagarwawo nehama dzedu.

22 Nokuti tarisai, Ishe Mwari nguva nenguva vanotungamirira imba yaIsraeri kwavanoda, maererano nezvinovafadza nekuda kwavo. Uye zvino tarisai, Ishe vanoyeuka vose vakatsauka, nokudaro vanotiyeukawo nesu.

23 Naizvozvo, farai mumwoyo menyu, uye muyeuke kuti makasununguka kuita zvamunoda—kusarudza nzira yerufu rwusingaperi kana nzira yeupenyu hwokusingaperi.

24 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, wadzanai nechido chaMwari, uye kwete kuda kwadhiabhorosi nekwenyama; uye muyeuke, mushure mekunge mawadzana naMwari, kuti chete nyasha dzaMwari ndidzo dzinoita kuti muponeswe.

25 Nokudaro, Mwari angakumutsei kubva murufu nesimba rekumutswa kwavakafa, nemurufu rwusingaperi nesimba rerudzikinuro, kuti mugogashirwa muumambo hwokusingaperi hwaMwari, kuti mugovarumbidza kuburikidza nenyasha tsvene. Ameni.