Magwaro Matsvene
2 Nifai 11


Chitsauko 11

Jakobho akaona Mununuri wake—Murau waMosesi mucherechedzo waKristu uye unoratidza kuti achauya. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, Jakobho akataura zvinhu zvizhinji kuvanhu vekwangu panguva iyoyo; zvakadaro zvinhu izvi ndizvo chete zvandaita kuti zvinyorwe, nokuti zvinhu zvandanyora zvinondikwanira.

2 Uye zvino, ini Nifai, ndinonyora mazwi mazhinji aIsaya, nokuti mweya wangu unofadzwa nemazwi ake. Nokuti ndichafananidza mazwi ake nevanhu vekwangu, uye ndigoatumira kuvana vangu vose, nokuti zvirokwazvo akaona Mununuri wangu, sekumuona kwandakamuita.

3 Nemunin’ina wangu Jakobho, akamuonawo sokumuona kwandakaita; nokudaro, ndichatumira mazwi avo kuvana vangu kuti vaone kuti mazwi angu ndeechokwadi. Nokudaro, nemazwi evatatu, Mwari vakati, ndichamisa shoko rangu. Zvakadaro, Mwari vanotumira vamwe vapupuri vakawanda, nekuzadzikisa mazwi avo ose.

4 Tarisai, mweya wangu unofara kuti ndiratidze kuvanhu vekwangu chokwadi chekuuya kwaKristu; nokuti, nenzira yechikonzero ichi kwakapiwa mutemo waMosesi; uye zvose zvinhu zvakapiwa naMwari kubvira pakutanga kwenyika, kuvanhu, zvinoratidza mucherechedzo wake.

5 Uye mweya wangu unofarawo nezvibvumirano zvaIshe zvavakaita kumadzibaba edu; hongu, mweya wangu unofadzwa nenyasha dzavo, nemukutonga kwavo kwakanaka, nesimba, netsitsi muzano guru nechirongwa chekusingaperi chekubviswa murufu.

6 Uye mweya wangu unofadzwa mukuratidza vanhu vekwangu kuti kunze kwekunge Kristu auya vanhu vose vanofa.

7 Nokuti kana kusina Kristu kana Mwari hakuna; uye kana kusina Mwari isu hatipo, nokuti hakwaikwanisa kuve nekusikwa. Asi kuna Mwari, uye ndiKristu, uye vanouya nekukwana kwenguva yavo.

8 Uye zvino ndave kunyora mamwe emazwi aIsaya, kuti ani zvake wevanhu vekwangu vachaona mazwi aya vasimudze mwoyo yavo uye vagofara pamusana pemunhu wose. Zvino aya ndiwo mazwi, uye mungangoafananidza nemi nekune vamwe vanhu vose.