Mununuri Onawo Jesu Kristu; Muponesi Jesu Kristu ndiye Mununuri mukuru werudzi rwevanhu pamusana pekuti iye, kuburikidza nerudzikinuro rwake, akabhadhara mutengo wezvitadzo zvemarudzi evanhu akaita kuti zvikwanisike kumutswa kuvakafa. Ishe idombo rangu nemununuri wangu, Ⅱ Sam. 22:2 (Mpi. 18:2; 144:2). Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu, Jobo 19:25. Ndiwe ruyamuro rwangu nemununuri wangu, Mpi. 40:17 (Mpi. 70:5). Ndichakuyamura, vanodaro mununuri wangu, Mutsvene waIsraeri, Isa. 41:14 (Isa. 43:14; 48:17; 54:5; 59:20). Ini Ishe ndiri Muponesi wako neMununuri wako, Isa. 49:26 (Isa. 60:16). Daidzai zita rake kuti Jesu: nokuti achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo, Mat. 1:21. Mwanakomana wemunhu akauya kuzopa upenyu hwake sumuripo wevazhinji, Mat. 20:28 (Ⅰ Tim. 2:5–6). Ishe Mwari waIsraeri vakashanyira nekununara vanhu vavo, Ruka 1:68. Takayananiswa naMwari pamusana perufu rweMwanakomana wavo, VaR. 5:10. Mununuri achauya achibuda muZioni, VaR. 11:26. Jesu Kristu akazvipira pamusana pedu, kuti atinunure kubva mukuipa kwose, Tito 2:13–14. Jesu Kristu akatigeza kubva muzvitema zvedu muropa rake, Zvaka. 1:5. Rununuro rwunouya nekuna nekuburikidza naMesia Mutsvene, 2 Ni. 2:6–7, 26. Mwanakomana akatora paari kuipa kwevanhu nekutadza kwavo, akavanunura, akagutsa zvinodiwa nekutonga kwakanaka, Mosaya 15:6–9, 18–27. Kristu akauya kuzonunura vose avo vanoda kubhabhatidzwa mukutendeuka, Aru. 9:26–27. Achauya munyika kuzonunura vanhu vake, Aru. 11:40–41. Rununuro rwunouya kuburikidza nekutendeuka, Aru. 42:13–26. Jesu Kristu akauya kuzonunura nyika, Hir. 5:9–12. Kristu akanunura rwudzi rwevanhu kubva murufu rwenyama nerwemweya, Hir. 14:12–17. Rununuro rwunouya nekuna Kristu, 3 Ni. 9:17. Ndini ndakanga ndakagadzirirwa kubvira kumavambo enyika kununura vanhu vangu, Eta 3:14. Ishe mununuri venyu vakatambudzwa nerufu rwenyama, D&Z 18:11. Kristu akatambudzikira vose kana vakatendeuka, D&Z 19:1, 16–20. Vana vadiki vanonunurwa nemune Mumwechete Akaberekwa, D&Z 29:46. Ndatumira Mwanakomana wangu Mumwechete Akaberekwa munyika kuti kuve nerununuro rwenyika, D&Z 49:5. Kristu ndiye mwenje neMununuri wenyika, D&Z 93:8–9. Joseph F. Smith akagashira chiratidzo cherununuro rwevakafa, D&Z 138. Vatendi vakabvuma Mwanakomana waMwari seMununuri neMuponesi wavo, D&Z 138:23. Tinodaira kuti nemuRudzikinuro rwaKristu, marudzi evanhu ose angangoponeswa, Mis. yeCh. 1:3.