Magwaro Matsvene
2 Nifai 24


Chitsauko 24

Israeri ichaunganidzwa uye igogara muzororo remireniamu—Rusifa akatandwa kudenga nenzira yekupanduka—Israeri achakunda Babironi (nyika)—Enzanisa naIsaya 14. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Nokuti Ishe vachanzwira Jakobo tsitsi, uye vagosarudzazve Israeri, vagovaisa munyika mavo; uye vatorwa vachasanganiswa navo, uye vagonamatira kuimba yaJakobo.

2 Uye vanhu vachavatora vovaisa kunzvimbo dzavo; hongu, kubva kure kumagumo enyika; vagodzokera kunyika dzavo dzechipikirwa. Uye imba yaIsraeri ndiyo ichave varidzi vadzo, uye nyika yaIshe ichave yevaranda nevarandakadzi; uye vachatapa avo vakange vavatapa; vagotonga vaivadzvinyirira.

3 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe vachakupai zororo, mukusuwa kwenyu, nemukutya menyu, nemumajoto amakange makasungwa nawo.

4 Uye zvichaitika muzuva iroro, kuti muchatora tsumo iyi muchirwisa mambo weBabironi, muchiti: Ko mudzvinyiriri apera sei, neguta regoridhe rapera sei!

5 Ishe vatyora mubhadha wowakaipa, netsvimbo dzeushe dzevatongi.

6 Iye akarova vanhu nehasha neshamhu isingaperi, uyo akatonga marudzi nehasha, anotambudzwa, uye hapana anomudzivirira.

7 Pasi pose pakazorora, uye panyerere; vanovamba kuimba.

8 Hongu, miti-yemisaipurasi inokufarira iwe, nemisidhari yeRebanoni, ichiti: Kubvira kuradzikwa pasi kwawakaitwa hakuna munhu ati auya kuzotirwisa.

9 Gehena rinobvisirwa imi kubva pasi kuti rigosangana nemi pakuuya kwenyu; rinokudenherai vakafa, kana vose vakuru-vakuru vepasi; rakabvisa ose madzimambo epasi pose pazvigaro zvavo.

10 Zvose zvavachakwanisa kutaura kwamuri: Asi imi marukutika sesu here? Asi matofanana nesu?

11 Kushamisira kwako kwadzikiswa muguva; ruzha rwemimhanzi yako harwuchanzwikwa; muviri wako wava nehonye, uye watongova makonye ega.

12 Kupunzika sei kwawaita kubva kudenga, iwe Rusifa, mwanakomana werungwanani! Hausi wapunzirwa pasi here, iwe waishaisa simba marudzi!

13 Nokuti watoti mumwoyo mako: Ini ndichakwira kudenga, ndosimudza ngundu yangu iende pamusoro penyenyedzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo ndakatarisa gungano, kurutivi rwekuchamhembe.

14 Ndichakwira kusvika ndapfuurira makore; ndichaita saiye Wokudenga-denga.

15 Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvika kugehena, kumativi egomba.

16 Avo vachakuona vachakushora, vachakutarisa, vachiti: Ndiye here murume uye aiita kuti nyika izunguzike, aityiwa nekudederwa nemadzimambo?

17 Uye akaita nyika inge renje, akaparadza maguta aivemo, uye akasazurura dzimba dzevasungwa vake?

18 Ose madzimambo emarudzi, hongu, vose zvavo, iye zvino varere nembiri, munhu ega-ega mumba make.

19 Asi wabviswa muguva mako sebazi rinonyangadza, uye avo vakasara pane vakauraiwa, avo vakabaiwa nemunondo, vanoenda kumabwe emugomba; semhuka yakafa yatsikwa-tsikwa netsoka.

20 Hauzovigwa pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako uye ukauraya vanhu vekwako; mbeu yevanoita-zvakaipa haife yakaita mbiri.

21 Gadzirira kuuraya vana vake nenzira yekutadza kwemadzibaba avo, kuti vasazomuka, kana kuzotonga nyika, kana kuzadza uso hwenyika nemaguta.

22 Nokuti ndichavamukira, vanodaro Ishe veHondo, ndovabvisa muBabironi nezita, nevanenge vasara, nemwanakomana, nemuzukuru, ndozvinotaura Ishe.

23 Ndichaiitawo nzvimbo inogarwa nemazizi, nemadziva emvura; ndichaitsvaira nemutsvairo wekuparadza, vanodaro Ishe veHondo.

24 Ishe veHondo vakapika vachiti: Chokwadi sezvandafunga, ndizvo zvichaitika; uye sezvandaita, ndizvo zvichamira—

25 Kuti ndichaunza muAsiria munyika mangu, uye mumakomo angu ndigomutsika-tsika pasi petsoka; ipapo jokwi rake richabva pavari, nemutoro wake uchabva pamapfudzi avo.

26 Ndiro zano rafungirwa pasi pose; uye urwu ndirwo ruoko rwatambanudzwa pamusoro pemarudzi ose.

27 Nokuti Ishe veHondo vakazvidzika, uye ndiani angazvirambe? Uye ruoko rwavo rwatambanudzwa, ndiani angarwudzore?

28 Mutoro uyu wakauya gore rakafa mambo Ahazi.

29 Musafare zvenyu, imi mose maFiristia, nokuti mubhadha weuyo akambokurovai watyoka; nokuti kubva mumudzi wenyoka muchabuda rovambira, uye vana vayo vachave nyoka dzinotyisa dzinobhururuka.

30 Uye dangwe revarombo richadya, uye vanoshaya vacharara vasina chavanotya; uye ndichauraya midzi yako nenzara, uye achauraya vanenge vasara.

31 Chema, iwe suwo; chema, iwe guta; imi, mose maFiristia, maparadzwa; nokuti kuchamhembe kuchabva utsi, uye hapana achange ari ega panguva dzake dzaakatarirwa.

32 Ko nhumwa dzemarudzi dzichapindura dzichiti chii? Vachati Ishe akamisa Zioni, uye varombo vevanhu vake vachawana ruvimbo mairi.