Zvibatsiro Zvekudzidza
Baberi, Babironi


Baberi, Babironi

Guta guru reBabironia.

Baberi yakatangwa naNimirodi uye yakange iri yemamwe maguta akare munyika yeMesopotamia, kana Shinari (Gen. 10:8–10) Ishe vakapesanisa ndimi panguva vanhu vakange vachivaka Shongwe yeBaberi (Gen. 11:1–9; Eta 1:3–5, 33–35). Babironi mushure yakazove guta guru raNebukadnezari. Akavaka guta guru rekuti nanhasi dongo racho richiripo. Babironi rakave guta rakaipa zvikuru uye kubviraipapo rakave rupawo rwehuipi hwepasi rose.