Magwaro Matsvene
2 Nifai 30


Chitsauko 30

MaJentairi vakapinduka vachaverengerwa kuvanhu vechibvumirano—MaRamani mazhinji nemaJuda vachatenda shoko uye vobva vave vanofadza kwazvo—Israeri ichadzorerwa pakare uye vakaipa vachiparadzwa. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino tarisai, hama dzangu dzinodiwa, ndinoda kutaura kwamuri; nokuti ini Nifai, handikubvumirei kuti mufunge kuti makarurama kupfuura zvichava maJentairi. Nokuti tarisai, kunze kwekunge muchichengeta mirairo yaMwari mose muchafawo; nenzira yemazwi akataurwa musafunge kuti maJentairi vanobva vaparadzwa zvachose.

2 Nokuti tarisai, ndinoti kwamuri maJentairi vose vachatendeuka vachanzi vanhu vechibvumirano chaIshe; uye avo vose maJuda vasingatendeuke vacharaswa, nokuti Ishe havabvumirane nevanhu vasingatendeuke uye vagotenda muMwanakomana wavo, uyo anove Mutsvene weIsraeri.

3 Uye zvino, ndichaporofita zvimwe maererano nemaJuda nemaJentairi. Nokuti mushure mekuuya kwebhuku randambotaura, rigonyorwa kumaJentairi, uye rigonamwazve kuna Ishe, kuchave nevazhinji vachatenda kumazwi akanyorwa; uye ivo vachaatakura vachienda nawo kuvanhu vakasara vembeu yedu.

4 Uye ndizvo zvichaita kuti vakasara vembeu yedu vazive nezvedu, kuti takabva sei kuJerusarema, nokutiwo ivo chizvarwa chemaJuda.

5 Uye vhangeri raJesu Kristu richaparidzwa kwavari; nokudaro, ivo vachadzorerwa ruzivo rwemadzibaba avo, nekuruzivo rwaJesu Kristu, rwakange rwuri kumadzibaba avo.

6 Uye zvino ndipo pavachazofara; nokuti vanenge voziva kuti maropafadzo kwavari abva muruoko rwaMwari; uye maranga erima ndipo paachatanga kubva mumaziso avo; zvizvarwa zvakawanda hazvipfuure mukati mavo, kunze kwokunge vari vakachena uye vari vanhu vanofadza.

7 Uye zvichaitika kuti maJuda ayo akapararira nenyika yose naivowo vachatanga kutenda munaKristu; uye vachatanga kuungana pasi pose; uye avo vachatenda munaKristu naivowo vachave vanhu vanofadza.

8 Uye zvichaitika kuti Ishe Mwari vachatanga basa ravo mukati menyika dzose, marudzi, ndimi, navanhu, kuti vaunze kudzorerwa pakare kwevanhu vavo pamusoro penyika.

9 Uye Ishe Mwari vachatonga varombo nokururuma, nekutsiura zvakafanira vakapfava venyika. Uye vacharanga nyika nedanda remuromo wavo; nekufema kwemirono yavo vachauraya vakaipa.

10 Nokuti nguva iri kusvika nokukurumidza iyo Ishe yavachakonzera kupesana pakati pevanhu, uye vakaipa vovaparadza, uye vachaponesa vanhu vavo, hongu, kunyange dai kuri kuti vakafanira kuparadza vakaipa nemoto.

11 Uye kururama ndiko kunoita bhanhire remuchiuno mavo, uye kuzara nerutendo kuve matomhu avo.

12 Uye ndipo pachagara chikara nehwayana; uye mbada icharara pamwechete nembudzana, nemhuru, nemwana weshumba, nemhuru yekukodza, pamwechete; uye zvichatungamiriwa nekamwana kadiki.

13 Uye mhou yemombe nebere zvichadya; uye vana vazvo vacharara pamwechete; uye shumba ichadya uswa semombe.

14 Uye mwana ari pazamu achatambira pamwena wenyoka, uye mwana arumurwa achapinza ruoko rwake pamusuo weguru renyoka.

15 Hazvizokuvadza kana kuparadza mumakomo angu ose matsvene; nokuti pasi pose pachazara neruzivo rwaIshe sekuzara kwakaita mvura mugungwa.

16 Nokudaro, zvose zvinhu zveose marudzi zvichaitwa kuti zvizivikanwe, hongu, zvose zvinhu zvichaitwa kuti zvizivikanwe nevana vevanhu.

17 Hakuna chakavandika chisingazoburitswa pachena; hakuna mabasa anoitwa murima asingazoburitswa muchiedza; uye hakuna chakanamwa pano pasi chisingazonamanurwa.

18 Nokudaro, zvose zvinhu zvakaratidzwa vana vevanhu zvichaburitswa pachena musi iwoyo; uye Satani haazove nesimba mumwoyo yevana vevanhu, kwenguva huru. Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndinogumira pano mukutaura kwangu.