Zvibatsiro Zvekudzidza
Rutendeuko


Rutendeuko

Kupinduka kwepfungwa nemwoyo uko kunounza kufunga kutsva pamusoro paMwari, pamunhu, nemuupenyuwo zvahwo. Kutendeuka kunoreva kuti munhu anobva mukuipa otendeutsa mwoyo wake nechido chake kuna Mwari, achizviisa pasi pemirairo yaMwari nezvido nokusiya chitadzo. Kutendeuka kwechokwadi kunobva mukuda Mwari nechido chechokwadi chekuteerera mirairo yavo. Vose vanhu vave kuzvipindurira vakatadza uye vakafanira kutendeuka kuti vagoenderera mberi kuruponeso. Kuburikidza chete nerudzikinuro rwaJesu Kristu ndimo munoita kuti kutendeuka kwedu kuve nebasa uye kugashirwe naMwari.