Magwaro Matsvene
3 Nifai 16


Chitsauko 16

Jesu achashanyira mamwe makwai akarasika eIsraeri—Mumazuva ekupedzisira shoko richaenda kumaJentairi rozoenda kune vemba yaIsraeri—Vanhu vaIshe vachawirirana apo achaunza zvakare Zioni. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri ndine mamwe makwai, asati ari enyika ino, kana enyika yeJerusarema, kana edzimwe nzvimbo dzenyika dzakatenderedza uko kwose ndaiparidza.

2 Nokuti avo vandiri kutaura ndeavo vasati vanzwa izwi rangu; kana ini kuzviratidza kwavari neimwe zvayo nguva handisati.

3 Asi ndakagamuchira murairo kubva kuna Baba kuti ndakafanira kuenda kwavari, uye kuti vachanzwa izwi rangu, uye vachazoverengerwa pamwe namakwai angu, kuti rive danga rimwechete nomufudzi mumwechete; naizvozvo ndinoenda kundozviratidza kwavari.

4 Uye ndinokurairai kuti munofanira kunyora zvinhu izvi shure kwokuenda kwangu, kuti kana zvichibvira vanhu vangu vekuJerusarema, avo vakandiona uye vaive neni muushumiri hwangu, havakumbiri Baba nomuzita rangu, kuti vakuziviswei noMweya Mutsvene, uye nokuziva mamwe marudzi avasina kumboziva, kuti zvinhu izvi zvamuchanyora zvichachengetwa zvozoratidzwa kumaJentairi, kuti nenzira yokuzara kwemaJentairi, vakasara vembeu yavo, yakapararira pamusoro penyika nenzira yokusatenda kwavo, kuti zvimwe vangaunzwe, kana kuti vangaunzwe kuti vazive ini, Mununuri wavo.

5 Uye ipapo ndichavaunganidza kubva kumativi mana enyika; zvino ndichazadzikisa chibvumirano chakaitwa naBaba navanhu vose vemba yaIsraeri.

6 Uye vakakomborerwa maJentairi, nokuda kwokutenda kwavo mandiri, nomuMweya Mutsvene nezveMweya Mutsvene, uyo unopupura kwavari pamusoro pangu naBaba.

7 Tarisai, nokuda kwokutenda kwavo mandiri, Baba vanodaro, zve nokuda kwokusatenda kwenyu, imba yaIsraeri, mumazuva ekupedzisira chokwadi chichauya kumaJentairi, kuti chokwadi chezvinhu izvi chichazivikanwa kwavari.

8 Asi nhamo, vanodaro Baba, kune vasingatendi vemaJentairi—kana dai vakauya pamusoro penyika ino, vakaparadzira vanhu vangu vemba yaIsraeri; uye vanhu vangu vanova vemba yaIsraeri vakadzingwa pakati pavo, vakatsikirirwa pasi petsoka dzavo.

9 Uye nokuda kwetsitsi dzababa kumaJentairi, uye nokutonga kwaBaba kuvanhu vangu avo vemba yaIsraeri, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, shure kwezvinhu izvi zvose, ndaita kuti vanhu vangu vemba yaIsraeri varohwe, nokurwadziswa, nokuuraiwa, nokuva vanobviswa mukati mavo, nokuti vave vanovengwa navo, nokuvaita chitukiso nokuvareva pakati pavo—

10 Uye ndizvo zvandarairwa naBaba kuti ndikutaurirei: Pazuva iro maJentairi vachatadzira vhangeri rangu, uye vachiramba kuzara kwevhangeri rangu, uye vachasimuka nokuzvikudza kwemwoyo yavo pamusoro pamarudzi ose, nepamusoro pevanhu vose vepasi rose, uye vachazadzwa nokunyepa kwemarudzi ose, nokunyengedza, nokusanzwa, nenzira dzose dzokunyengedza, noumhondi, nehupirisita husakarurama, noupfambi, nokutadza kwakavanzika; kana vakaita zvinhu zvose izvi, vakaramba kukwana kweshoko rangu, tarisai, Baba vanotaura, ndichabvisa shoko rangu rizere kwavari.

11 Uye ndichazorangarira chibvumirano chandakaita navanhu vangu, imba yaIsraeri, ndichazounza shoko rangu mukati mavo.

12 Uye ndicharatidza kwauri, imba yaIsraeri, kuti maJentairi havazowana simba kupfuura iwe; asi ndicharangarira chibvumirano changu kwauri, imba yaIsraeri, uye uchazouya pakuziva ruzivo rwekuzara kwevhangeri rangu.

13 Asi kana maJentairi vakatendeuka nokudzokera kwandiri, Baba vanoti, tarisai vachazoverengerwa pamwe nevanhu vangu, vemba yaIsraeri.

14 Uye handizobvumira vanhu vangu, avo vemba yaIsraeri, kuti vaende pakati pavo, vachivatsikirira, Baba vanodaro.

15 Asi kana vasingadzokere kwandiri, nokuteerera kuzwi rangu, ndichabvumira; hongu, ndichabvumira vanhu vangu, imba yaIsraeri, kuti vaende pakati pavo, vavatsikirire, vazove somunyu warunduka, usisina basa asi kuti ungoraswa kunze, nokutsikwa netsoka dzevanhu vangu, imba yaIsraeri.

16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, izvi ndizvo zvandakarairwa naBaba—kuti ndinofanira kupa kuvanhu ava nyika ino senhaka yavo.

17 Uye zvino mazwi emuporofita Isaya achazadzikiswa, ayo anoti:

18 Muchengeti wenyu achasimudza izwi; neizwi pamwechete vachaimba, nokuti vachawirirana apo Ishe vachaunza zvakare Zioni.

19 Pindai mukufara, imbai pamwechete, imi nzvimbo dzakaparadzwa dzeJerusarema; nokuti Ishe vanonyaradza vanhu vavo, vanunura Jerusarema.

20 Ishe aisa ruoko rwake rwutsvene pachena mumaziso emarudzi ose; nekumagumo kwenyika kwose kwuchaona ruponeso rwaMwari.