Magwaro Matsvene
3 Nifai 9


Chitsauko 9

Murima, izwi raKristu rinotaura nezvekuparadzwa kwevanhu vazhinji nemaguta pamusana pekuipa kwavo—Anotaurawo nezveutsvene hwake, achibva adaidzira kuti mutemo waMosesi wazadzikiswa, uye ndokubva akoka vanhu kuti vauye kwaari vaponeswe. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti pane izwi rakanzwikwa muvanhu vose vaigara munyika, pamusoro penyika ino yose, richichema:

2 Nhamo, nhamo, nedambudziko kuvanhu ava; nhamo kuvagari vose vari panyika kunze kwekunge vatendeuka; nokuti dhiabhorosi ari kuseka, uye ngirozi dzake dziri kupembera, pamusana pekuuraiwa kwevanakomana nevanasikana vakanaka vevanhu vangu; uye zviri pamusana pekuipa nokutadza kwavo zvaita kuti vapunzike!

3 Tarisai, guta guru riya reZarahemura ndakaripisa nemoto, nevagari varo vaivemo.

4 Uye tarisai, guta riye guru raMoronai ndakaita kuti rinyure muudzamu hwegungwa, nevagari vemo kuti vanyudzwe.

5 Uye tarisai, guta guru riya reMoronaiha ndakarifushira nevhu, nevagari vacho, kuti ndivige kuipa kwavo neruvengo rwavo pameso pangu, kuti ropa remaporofita nerevatendi risazouya kwandiri zvakare richivarwisa.

6 Uye tarisai, guta reGirgari ndakaita kuti rinyudzwe, uye vagari vacho kuti vavigwe muudzamu hwevhu;

7 Hongu, neguta reOnaiha nevagari varo, neguta raMokamu nevagari varo, neguta reJerusarema nevagari varo; uye ndikaita kuti muve nemvura, kuviga kuipa kwavo nokutadza kwavo pamberi pemeso angu, kuti ropa remaporofita nerevatendi risazouya kwandiri zvakare richivarwisa.

8 Uye tarisai, guta reGadhiandi, neguta reGadhiomuna, neguta raJakobho, neguta reGimugimuno, ose ndakaita kuti anyudzwe, ndikaita zvikomo nenhika munzvimbo dzawo; uye vagari vacho ndikavafushira muudzamu hwepasi, kuviga kuipa nokutadza kwavo kubva kumeso kwangu, kuti ropa remaporofita nerevatendi risauye zvakare kwandiri kuzovarwisa.

9 Uye tarisai, guta riya guru Jakobhugati, rakanga rigerwe nevanhu vamambo Jakobho, ndakariita kuti ritsve nemoto pamusana pezvitema zvavo neuipi hwavo, hwakanga hwakapfuura uipi hwepasi pose, pamusana pekuponda nezvikwata zvavo zvemuruvande; nokuti ndivo vakaparadza runyararo rwevanhu vangu nehurumende yenyika; naizvozvo ndakaita kuti vapiswe, kuti ndivaparadze pameso pangu, kuti ropa remaporofita nerevatendi risauye kwandiri zvakare kuzovarwisa.

10 Uye tarisai, guta raRamani, neguta raJoshi, neguta raGadi, neguta raKishikumeni, ndakaaita kuti apiswe nemoto, nevaigara maari, pamusana pekuipa kwavo mukutandanisa maporofita, nekutema nematombo avo vandakatuma kuzotaura kwavari pamusoro peuipi hwavo neruvengo rwavo.

11 Uye pamusana pekuti vakavakanda kunze, zvekuti mukati mavo makanga musisina akarurama, ndakatumira moto kuti uvaparadze, kuti uipi hwavo nokutadza kwavo kuvigwe pauso hwangu, kuti ropa remaporofita nerevatendi vandakatumira pakati pavo risacheme kwandiri richibva pasi kuti rivarwise.

12 Uye ndakakonzera kuparara kwakawanda kukuru kuti kuuye munyika muno, nekuvanhu ava, pamusana peuipi hwavo noruvengo rwavo.

13 Imi mose makaponeswa nokuti makanga makarurama kupfuura ivo, hamungachidzoka kwandiri zvino here, motendeuka pazvitadzo zvenyu, uye mopinduka, kuti ndikurapei?

14 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana mukauya kwandiri muchawana upenyu hwokusingaperi. Tarisai, ruoko rwangu rwetsitsi dzakatambanudzirwa kwamuri, uye wose uyo achauya, iyeye ndichamugashira; uye vakaropafadzwa avo vanouya kwandiri.

15 Tarisai, ndini Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. Ndakasika matenga nepasi, nezvinhu zvose zviri mazviri. Ndaive naBaba kubvira pakutanga. Ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri; uye mandiri Baba vakarumbidza zita ravo.

16 Ndakauya kune vangu, uye vangu vakasandigashira. Uye magwaro anotaura nezvekuuya kwangu akazadzikiswa.

17 Uye vose avo vakandigashira, kwavari ndakapa kuti vave vanakomana vaMwari; uye ndichadaro kana kune avo vachatenda muzita rangu, nokuti tarisai, mandiri ndimo munouya nerununuro, uye mandiri ndimo munozadzikiswa mutemo waMosesi.

18 Ini ndini chiedza neupenyu hwenyika. Ndini Arfa naOmega, kutanga nokupedzisira.

19 Uye hamuchazoita zvekudeura ropa kuti mupire kwandiri; hongu, mupiro yenyu nekupira kwenyu zvakapiswa zvicharegerwa, nokuti handichabvuma mipiro yenyu nemipiro yenyu yezvakapiswa.

20 Uye muchapira kwandiri mwoyo wakatyoka nemweya wakapfava. Uye ani nani anouya kwandiri nemwoyo wakatyoka nemweya wakapfava, iyeye ndichamubhabhatidza nemoto neMweya Mutsvene, kana semaRamani, pamusana perutendo rwavo mandiri munguva dzavo dzekupinduka, vakabhabhatidzwa nemoto neMweya Mutsvene, uye ivo havana kuzviziva.

21 Tarisai, ndakauya munyika kuti ndiunze rununuro kunyika, kuti ndiponese nyika muzvitema.

22 Naizvozvo, wose anotendeuka uye achiuya kwandiri semwana mudiki, iyeye ndichamugashira, nokuti vakadaro ndivo veumambo hwaMwari. Tarisai, nokuti ivavo ndivo vandakasiira upenyu hwangu pasi, uye ndikahutora zvakare; naizvozvo tendeukai, uye muuye kwandiri imi mativi mana enyika, uye muzoponeswa.