Magwaro Matsvene
Aruma 33


Chitsauko 33

Zenosi akadzidzisa kuti vanhu vanofanira kunamata nekurumbidza munzvimbo dzose uye nokutiwo kutongwa kunobviswa pamusana peMwanakomana—Zenoki aidzidzisa kuti tsitsi dzinoitwa nenzira yeMwanakomana—Mosesi akanga asimudza murenje chainge Mwanakomana waMwari. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino mushure mekunge Aruma ataura mazwi aya, vakatumira kwaari vachida kuudzwa kuti vangadaire muna Mwari vamwechete, kuti vawane muchero uyu waakanga ataura, kana kuti vangadyare sei mbeu iyi, kana shoko raakanga ataura, raakati rakafanira kudyarwa mumwoyo yavo; kana tsika yavangatange nayo kushandisa rutendo rwavo.

2 Uye Aruma akati kwavari: Tarisai, makati hamaikwanisa kunamata Mwari wenyu nokuti makabviswa mumasinagogo enyu. Asi tarisai, ndinoti kwamuri, kana muchifunga kuti hamunganamate Mwari, muri kukanganisa zvikuru, uye makafanira kunzvera magwaro matsvene; kana muchifunga kuti izvi ndizvo zvaakakudzidzisai, hamuanzwisise.

3 Munorangarira here muchiverenga zvakataurwa naZenosi, muporofita wepasichigare, maererano nokunamata kana kurumbidza?

4 Nokuti akati: Imi mune tsitsi, Mwari, nokuti makanzwa munamato wangu, kana zvandakange ndiri murenje; hongu, makanga muzere netsitsi pandakanamata pamusoro pevakanga vari vavengi vangu, uye imi mukavatendeudzira kwandiri.

5 Hongu Mwari, uye makanga muzere netsitsi kwandiri zvandaichema kwamuri ndiri mumunda mangu; zvandakachema kwamuri mumunamato wangu, uye makandinzwa.

6 Uye zvakare Mwari, zvandakaenda kumba kwangu makandinzwa mumunamato wangu.

7 Uye pandakapinda mukamba kangu kemukati, Ishe, uye ndikanamata kwamuri, makandinzwa.

8 Hongu, imi muzere netsitsi kuvana venyu kana vachinge vachema kwamuri, kuti vanzwikwe nemi kwete nevanhu, uye imi munozovanzwa.

9 Hongu Mwari, makazadzwa netsitsi pamusoro pangu, uye mukanzwa kuchema kwangu pakati pemakungano enyu.

10 Hongu, uye makandinzwawo ndaraswa nokushorwa nevavengi vangu; hongu, makanzwa kuchema kwangu, uye mukashatirirwa vavengi vangu, uye mukavaranga mukushatirwa kwenyu nekuvaparadza nokukurumidza.

11 Uye makandinzwa pamusana pematambudziko angu nekumira pachokwadi kwangu; uye zviri zvakonzerwa neMwanakomana wenyu kuti muve netsitsi dzakadaro kwandiri, naizvozvo ndichachema kwamuri mumatambudziko angu ose, nokuti mamuri ndimo mune rufaro rwangu; nokuti makabvisa kwandiri kunditonga kwenyu, nenzira yeMwanakomana wenyu.

12 Uye zvino Aruma akati kwavari: Munoatenda here iwayo magwaro matsvene akanyorwa nevechinyakare?

13 Tarisai, kana muchiatenda, makafanira kutenda zvakataurwa naZenosi; nokuti, tarisai akati: Mabvisa kunditonga kwenyu nenzira yeMwanakomana wenyu.

14 Zvino tarisai, hama dzangu, ndinobvunza kuti makaverenga magwaro here? Kana makaverenga, munotadza sei kutenda muMwanakomana waMwari?

15 Nokuti hazvina kunyorwa kuti Zenosi ega ndiye akataura nezvezvinhu izvi, asi kana Zenoki akataurawo pamusoro pezvinhu izvi—

16 Nokuti tarisai, akati: Mashatirwa Ishe, nevanhu ava, nokuti havanzwisise tsitsi dzenyu dzamakavaitira nenzira yeMwanakomana wenyu.

17 Uye zvino, hama dzangu, munoona kuti muporofita wepasichigare wechipiri apupura nezveMwanakomana waMwari, uye nenzira yekuti vanhu havana kunzwisisa mazwi ake vakamutema nematombo akafa.

18 Asi tarisai, izvi hazvizizvo zvose; ava havazivo vega vakataura zviri maererano neMwanakomana waMwari.

19 Tarisai, akataurwa nezvake naMosesi; hongu, uye chiratidzo chacho chakasimudzwa murenje, kuti ani zvake aichitarisa aipona. Uye vazhinji vakatarisa vakapona.

20 Asi vashoma vakazvinzwisisa zvazvaireva zvinhu, uye izvi zvichikonzerwa neukukutu hwemwoyo yavo. Asi kwaive nevazhinji vakanga vakaoma zvekuti havana kumbotarisa, naizvozvo vakafa. Zvino chikonzero chakaita kuti vasatarise ndechekuti vakanga vasingatende kuti chaizovarapa.

21 Hama dzangu, dai maiponeswa nekungokanda maziso enyu chete kuti muponeswe, hamaizviita nokukurumidza here, kana kuti maiomesa mwoyo yenyu nokusatenda, uye moita nungo, zvekuti hamaizokanda kanda maziso enyu, zvekuti maifa?

22 Kana zvakadaro, nhamo ichauya kwamuri: asi kana zvisiri izvo, saka kandai-kandai maziso enyu mutange kutenda muMwanakomana waMwari, kuti achauya kuzonunura vanhu vake, uye nekuti achatambudzika agofa kuti adzikinure zvitema zvavo; uye nokuti achamuka zvakare kuvakafa, zvichaita kuti kuite kumuka kwevakafa, kuti vanhu vose vachamira pamberi pake, kuti vatongwe muzuva rekupedzisira rekutongwa, maererano nemabasa avo.

23 Uye zvino, hama dzangu, ndinodisa kuti dai madyara shoko iri mumwoyo yenyu, uye kana richitanga kufuta ridiridzirei nerutendo rwenyu. Uye tarisai, uchaita muti, uchimera kubva mamuri kusvika muupenyu husingaperi. Uye zvino Mwari vachakuitai kuti mitoro yenyu ireruke, kuburikidza nerufaro rweMwanakomana wavo. Uye zvose izvi munogona kuzviita kana muchida. Ameni.