Zvibatsiro Zvekudzidza
Kumuka Kuvakafa


Kumuka Kuvakafa

Kubata zvakare kwemuviri wemweya nemuviri wenyama nemapfupa mushure mekufa. Mushure mekumuka kuvakafa, mweya nemuviri hazvizotsaukana zvakare, uye munhu anobva ave asisazofa. Wose munhu akazvarwa pano pasi achamutswa kuvakafa pamusana pekuti Jesu Kristu akakunda rufu (Ⅰ VaKori. 15:20–22).

Jesu Kristu akave munhu wekutanga kumuka kuvakafa pasi rino (Mabasa 26:23; VaKoro. 1:18; Zvaka. 1:5) Testamente Itsva inopa umbowo hwakakwana kuti Jesu Kristu akamuka nemuviri wake wenyama: guva rake rakange risisina chinhu, aidya hove neuchi, aive nemuviri wenyama nemapfupa, vanhu vakamubata, nengirozi dzikati akamuka (Marko 16:1–6; Ruka 24:1–12, 36–43; Joh. 20:1–18). Zvakazarurwa zveMazuva Ekupedzisira zvinotsinhira chokwadi chekumuka kuvakafa kwaKristu nokwemarudzi ose evanhu (Aru. 11:40–45; 40; 3 Ni. 11:1–17; D&Z 76; Mos. 7:62).

Vose vanhu havazomutswa vachienda mukubwinya kumwecheteko (Ⅰ VaKori. 15:39–42; D&Z 76:89–98), zve vose havazomutswa nguva imwecheteyo (Ⅰ VaKori. 15:22–23; Aru. 40:8; D&Z 76:64–65, 85). Vatendi vazhinji vakamutswa mushure mekumuka kwaKristu (Mat. 27:52). Vakarurama vachamutswa vakaipa vasati vauya mukumutswa kwekutanga (Ⅰ VaT. 4:16); Vatadzi vasingatendeuke vanouya mukumutswa kwekupedzisira (Zvaka. 20:5–13; D&Z 76:85).