Zvibatsiro Zvekudzidza
Chisumo


Zvakasarudzwa Kubva muDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri

Zvinotevera zvidimbu zvakasarudzwa kubva muDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri rakaduzirwa naMambo Jemisi (DJS). Ishe vakafemera Muporofita Joseph Smith kuti adzorere chokwadi kuzvinyorwa zvemuBhaibheri izvo zvakange zvaraswa kana zvakanga zvashandurwa kubvira kunyorwa kwemazwi ekutanga. Chokwadi chakadzorerwa ichi chakajekesa dzidziso uye nokupamhidzira nzwisiso yemagwaro matsvene. Zvidimbu zvakasarudzwa kuiswa muNhungamiri zvinobatsira kuwedzera nzwisiso yako yemagwaro matsvene zvisinei kuti mutauro upi wazvakadudzirwa nawo.

Pamusana pekuti Ishe vakazarurira kuna Joseph chimwe chokwadi chakanga chambonyorwa nevanyori vekutanga, Dudziro yaJoseph Smith haina kufanana nedzimwe dudziro dzeBhaibheri pasi pano. Nokudaro izwi rokuti dudziro rinoshandiswa nenzira yakadzama uye yakasiyana neyatajaira, nokuti dudziro yaJoseph yakanga iri zvakazarurwa kupfuura kududzira kubva mune mumwe mutauro uchiisa mune mumwe mutauro. Kana muchida kuziva zvakawanda nezve DJS, ona “Dudziro yaJoseph Smith (DJS)” pakanyorwa misoro yenhaurwa muNhungamiri.

Muenzaniso unotevera unoratidza zvakafanana nezvakasarudzwa kubva kuDJS:

Mufananidzo
muenzaniso

DJS, Mateo 4:1, 5–6, 8–9 (enzanisa Mateo 4:1, 5–6, 8–9; zvakafana nezvakashandurwa muna Ruka 4:2, 5–11)

(Jesu akatungamirwa neMweya, kwete naSatani.)

1 Zvino Jesu akatungamirwa neMweya, kuenda murenje, kuti ave naMwari.

5 Zvino Jesu akatorwa akaendwa naye muguta dzvene, uye Mweya ukamuisa panharire yetemberi.

6 Zvino dhiabhorosi akauya kwaari uye akati, Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikande pasi: nokuti zvakanyorwa kunzi, Achapa ngirozi dzake hutariri pamusoro pako: uye mumaoko adzo dzichakusimudza, kuti panguva ipi zvayo usarovere rutsoka rwako padombo.

8 Uye zvakare, Jesu akanga ari muMweya, uye ukamutora ukamukwidza mugomo rakareba zvikuru, uye ukamuratidza umambo hwose hwepasi nokubwinya kwahwo.

9 Uye dhiabhorosi akauya kwaari zvakare, uye akati, Zvose izvi ini ndinokupa, kana ukawira pasi uye ukandinamata.

Izvi zvamunotarisa zvakanyorwa namavara makobvu ndicho chidimu chiri mududziro yaJoseph Smith yeBhaibheri raMambo Jemisi. Pamusana pekuti dudziro yake yakadzorera mazwi muzvinyorwa zvemubhaibheri, nhamba dzendima diki dzingangosiyana nedzemuBhuku rauri kushandisa.

Zvakakomberedzwa ndizvo zviri muBhaibheri rako zvaunofanira kuyenzanisa nekududzira kwaJoseph Smith.

Mazwi aya anotsangura kuti ndeipi dzidziso yakajekeswa naJoseph Smith, muduziro yake.

Izvi ndizvo zvinyorwa sekududzirwa kwazvakaitwa naJoseph Smith.