Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, VaHeberu 7


DJS, VaHeberu 7:3 (enzanisa VaHeberu 7:3)

(Hupirisita hutsvene maererano nehurongwa hweMwanakomana waMwari hauna baba kana amai uye hauna mavambo kana magumo emazuva.)

3 Nokuti Merkizedeki uyu akagadzwa semupirisita maererano nehurongwa hweMwanakomana waMwari, huri hurongwa hwakanga husina baba, husina amai, husina dzinza, husina kana kuvamba kwamazuva, kana kuguma kweupenyu. Uye vose avo vanogadzwa muhupirisita uhu vanoitwa mukufananidzwa neMwanakomana waMwari, vachigara sevapirisita nguva dzose.

DJS, VaHeberu 7:25–26 (enzanisa VaHeberu 7:26–27)

(Basa raKristu seMunyai rinotsanangurwa.)

25 Mupirisita wepamusoro akadai akave isu, uyo anove mutsvene, asinga kuvadze, asina kusvibiswa, asiri kuvatadzi, uye akaitwa mutongi pamusoro pematenga;

26 Uye kwete seavo vapirisita vepamusoro vaipira mipiro mazuva ose, kutanga kuitira zvitadzo zvavo ivo, uye vozoitira zvitadzo zvevanhu; nokuti iye haana chikonzero chokupira zvitadzo zvake; nokuti haana kumboziva zvitadzo; asi kuitira zvitadzo zvevanhu. Uye izvi akazviita kamwechete, paakazvipira iye pachake.