Magwaro Matsvene
Mufanikiso 1


Mufanikiso Sezvauri Chaizvo Kubva Mubhuku raAbrahama

Namba 1

Mufananidzo
Mufanikiso 1

Tsananguro

Mufananidzo 1. Ngirozi yaIshe.

Mufananidzo 2. Abrahama akasungirirwa paaritari

Mufananidzo 3. Mupirisita weErikena ainamata zvifananidzo achiedza kupira Abrahama semupiro.

Mufananidzo 4. Aritari yemipiro yakaitwa nemupirisita ainamata zvifananidzo, amire pamberi pezvimwari zveErikena, Ribna, Mamakira, Korashi, naFarao.

Mufananidzo 5. Chifananidzo chechimwari cheErikena.

Mufananidzo 6. Chifananidzo chechimwari cheRibna.

Mufananidzo 7. Chifananidzo chechimwari cheMamakira.

Mufananidzo 8. Chifananidzo chechimwari cheKorashi.

Mufananidzo 9. Munamati wezvifananidzo mwari weFarao.

Mufananidzo 10. Abrahama ari muEgipita.

Mufananidzo 11. Chakamisirwa kumiririra mbiru dzekudenga, sekuziva kwemaEgipita.

Mufananidzo 12. Rekeyangi, zvinoreva mukaha kana hudzikwa hwepamusoro pedu; asi apa, maererano nenyaya ino, maEgipita aiti kuti zvireve Shaumau, kuve pamusoro, kana matenga, zvichireva izwi rechiHeberu, Shamahayemi.