Jesu Kristu
Ropafadzo paChingwa


Ropafadzo paChingwa

Mwari, Baba Vokusingaperi,
tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu,
kuti muropafadze nokutsvenesa chingwa
ichi kumweya yeavo vose vanochidya,
kuti vagochidya mukurangarira muviri weMwanakomana wenyu,
uye vapupure kwamuri, Mwari, Baba Vokusingaperi,
kuti vanoda kutora pavari zita reMwanakomana wenyu,
nokumurangarira nguva dzose
nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa;
kuti vave neMweya wake nguva dzose kuti uve navo.
Ameni.