Nemumukuwo uno wose, nhengo dzeHutungamiri Hwokutanga neChikwata chevaApositora vane Gumi neVaviri vakataura nguva nenguva pamusoro pezvisungo nezvibvumirano zvetemberi. Pazasi pane zvitapwa zvakati wandei, zvakarongwa maererano nemusoro wenyaya, izvo zvinotaridza kuti misoro yenyaya inoera iyi yakakurukurwa nezvayo sei mumamiriro ezvinhu akasiyana siyana. Dzvanya kuti ukudze chikamu. Apo parinenge riripo, chinongedzero chinopuwa kuitira kuti ukwanise kuwana gwaro rokutanga chairo.
Rubhabhatidzo neRusimbiso
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Nguva ipi zvayo yaunoita chinhu chipi zvacho chinobatsira munhu upi zvake—kumativi ose echidzitiro—kutora danho rekuita zvibvumirano naMwari nokutambira zvisungo zvavo zvakakosha zverubhabhatidzo uye zvemutemberi, uri kubatsira kuunganidza Israeri. Zviri nyore saizvozvo.”
Hope of Israel, worldwide youth devotional, Chikumi 3, 2018
Mutungamiri Thomas S. Monson
“Zvino, shamwari dzangu dzechidiki imi muri mumakore enyu ekuyaruka, nguva dzose itai kuti kuenda kutemberi chive chinangwa chenyu. Musaita chimwe chinhu chizokudzivirirai kubva mukupinda mumikova yayo uye nokuwana maropafadzo anoera uye okusingaperi imomo. Ndinorumbidza avo venyu vari kuenda kutemberi nguva nenguva kunoita rubhabhatidzo muchinzvimbo chevakafa, muchimuka rungwanani ngwanani kuitira kuti mugokwanisa kutora chinhanho murubhabhatidzo irworwo chikoro chisati chatanga. Handikwanisi kufunga nezve imwe nzira yakanaka kupfuura iyi yokutanga zuva nayo.”
The Holy Temple—a Beacon to the World, musangano mukuru waKubvumbi 2011
Gosa David A. Bednar
“Ndinokoka vanhu vechidiki veChechi kuti vadzidze uye vawane Mweya waEria. Ndinokukurudzirai kuti munzvere, mutsvage madzitateguru enyu, uye muzvigadzirire kuita rubhabhatidzo muimba yaIshe makamiririra hama dzenyu dzakafa (ona Dzidziso neZvibvumirano 124:28–36]. Uye ndinokukurudzirai kubatsira vamwe vanhu kuziva nhoroondo dzemhuri dzavo. Apo pamunodavira murutendo kukokero iyi, mwoyo yenyu ichatendeukira kumadzibaba. … Uchapupu hwenyu uye nerutendeukiro rwenyu kuMuponesi zvinozova zvakadzama uye zvinogara zviripo. Uye ndinokuvimbisai kuti munozodzivirirwa kubva kurunziro iri kusimba zvikuru yemuvengi. Apo pamunotora chinhanho uye nokuda basa dzvene iri, munozochengetedzwa muhudiki hwenyu uye nemuhupenyu hwenyu hwose.”
The Hearts of the Children Shall Turn, musangano mukuru waGumiguru 2011
Gosa Quentin L. Cook
“Mubatanidzwa wehuwandu hwakawedzera hwematemberi netekinoroji yepamusoro kuitira kuzadzikisa mabasa edu anoera enhoroondo yemhuri muchinzvimbo chemadziteteguru edu zvinoita kuti iyi ive nguva yakanyanyisa kuropafadzwa kupfuura dzimwe nguva dzose nemunhoroondo mose. Ndinofara murutendeko runoshamisa zvikuru rwevechidiki vedu mukuisa ruzivo runobva muzvinyorwa zvenhoorondo paindaneti uye nokuwana madziteteguru avo uye zvino nokuzoita basa rerubhabhatidzo nerusimbiso mutemberi. Zvirokwazvo chaizvo muri pakati pevaponesi vakaporofitwa paGomo reZioni.”
See Yourself in the Temple, musangano mukuru waKubvumbi 2016
Gosa Gary E. Stevenson
“Vatungamiri Vokutanga vakakoka ‘nhengo dzechikuru kuti dzive nemvumo yokupinda mutemberi yazvino uye kushanyira temberi kakawanda’ apo nguva nemamiriro ezvinhu pazvinobvumira uye vakakurudzira nhengo ‘kuti dzitsive zvimwe zviitwa zvokutandara nokushandira mutemberi.’ Vakakurudzirawo ‘nhengo itsva nevechidiki veChechi vane makore gumi nemaviri zvichikwira kuti vararame zvakakodzera kuti vabatsire mubasa guru iri kuburikidza nekushandira sevamiririri parubhabhatidzo nerusimbiso.’ [Tsamba yeVatungamiri Vokutanga, Kurume 11, 2003]”
Sacred Homes, Sacred Temples, musangano mukuru waKubvumbi 2009
Gosa Richard G. Scott
“Imi vechidiki munoda here nzira yechokwadi yokubvisa runziro yemuvengi muupenyu hwenyu? Shingairai nesimba rose mukutsvaga madziteteguru enyu, gadzirirai mazita avo kuitira zvisungo zvinoera zvinoitwa muchinzvimbo chavo izvo zvinowanikwa mutemberi, uye zvino endai kutemberi kuti munomira sevamiririri vavo kuti vagamuchire zvisungo zverubhabhatidzo uye chipo cheMweya Mutsvene. Apo pamunova vanhu vakuru, munozokwanisa kutora chinhanho mukugamuchira zvimwewo zvisungo. Handikwanisi kufunga nezve dziviriro yakakura kupfuura iyi kubva kurunziro yemuvengi muupenyu hwenyu.”
The Joy of Redeeming the Dead, musangano mukuru waGumiguru 2012
Magamendi eMutemberi uye Zvipfeko zveMaseremoni eMutemberi
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Kupfeka gamendi remutemberi kune revo yakadzama yechiratidzo. Kunomiririra kuzvipira kunoenderera mberi. Sokuratidza kwaita Muponesi muenzaniso wekudikanwa kwekushingirira kusvika kumagumo, tinopfeka gamendi iri nerutendeko sechikamu chenguo yedziviriro isina mugumo yaMwari. Nokudaro tinoratidza rutendo rwedu maVari uye muzvibvumirano Zvavo zvokusingaperi nesu.”
Gadziriro yeMunhu Pachake yeMaropafadzo eMutemberi, musangano mukuru waKubvumbi 2001
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Kana uchida zvechokwadi kuziva zvimwe zvakawanda pamusoro penhoroondo yezvipfeko zvemutemberi, iwane iwe pachako muTestamente Yekare. Testamente Yekare yakazara nezvirevo zvezvipfeko zvakakosha zvemutemberi.
Teachings of Russell M. Nelson, 372
Mutungamiri Boyd K. Packer
“Maererano nezvisungo izvi, mutemberi unozopfekedzwa zvepamutemo negamendi uye wovimbiswa maropafadzo anoshamisa maererano naro. Zvakakosha kuti unyatsoteerera apo zvisungo izvi pazvinoitwa uye kuti iwe uedze kuyeuka maropafadzo anovimbiswa uye zvidikanwi zvinozoita kuti awanikwe.”
Zvipfeko Zvinoera zveMutemberi
“Marobhu emutemberi eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, ayo anozivikanwa semarobhu ehupirisita hutsvene, anopfekwa chete mukati mematemberi eVatendi vaMazuva Ekupedzisira uye anoshandiswa pamasakaramende epamusoro-soro echitendero. Ruvara ruchena runomiririra ururami. Hapana hukuru kana chinzvimbo. Muapositora mukurusa nenhengo itsva havakwanisi kusiyaniswa apo pavanenge vakapfeka nenzira imwecheteyo. Varume nemadzimai vanopfeka zvipfeko zvakafanana. Marobhu akareruka aya anosanganisa chiratidzo chechitendero netsika nemisimboti zvinotaridzwa muzvinyorwa zvechinyakare zvinobva mubhuku raEksodo.”
Zvipfeko Zvinoera zveMutemberi
“Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakatendeka vakawanda vanopfeka gamendi pasi pezvipfeko zvavo iro rine ukoshi hwakadzama hwechitendero. Rakafanana mukugadzirwa kwaro kuzvipfeko zvemukati zvamazuva ose zvine rutsigo, rinouya muzvikamu zviviri uye kazhinji rinonzi ‘gamendi remutemberi.’ … Magamendi emutemberi anopfekwa nenhengo dzechikuru dzeChechi idzo dzakaita vimbiso dzinoera dzokutendeka kumirairo yaMwari uye kuvhangeri raJesu Kristu mumatemberi eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Kunhengo dzeChechi, gamendi rine rutsigo remutemberi iri, rinopfekwa pazasi pezvipfeko zvemazuva ose, pamwechete nemarobhu echiratidzo anopfekwa munguva yokunamata mutemberi, rinomiririra zvinhu zvinoera uye zvevanhu pachavo zveukama hwavo naMwari uye kuzvipira kwavo kurarama upenyu hwakanaka uye hwunokudzwa.”
Endawumenti Yokutanga–Kugezeswa noKuzodzwa
Mutungamiri Gordon B. Hinckley
“Kune chinangwa mberi kweKumuka Kuvakafa. Ichi chinova chokusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hwaBaba vedu. Kunozowanikwa kuburikidza nokuteerera kumirairo yaMwari. Kunozotanga nokuVatambira saBaba vedu Vokusingaperi uye mwanakomana wavo seMununuri wedu mupenyu. Kunozosanganisira kutora chinhanho muzvisungo zvakasiyana siyana, chimwe nechimwe chazvo chakakosha uye chinodikanwa. Chokutanga cheizvi chiri rubhabhatidzo nokunyikwa zvakazara mumvura, icho kana chisipo, maererano neMuponesi, munhu haakwanisi kupinda muumambo hwaMwari. Kunofanira kutevera kuzvarwa kweMweya, chipo cheMweya Mutsvene. Zvino munhevedzano nemumakore kunozouya, kuvarume, rugadzo kuhupirisita, zvichiteverwa nemaropafadzo emutemberi kuna vose varume nemadzimai avo vakakodzera kupinda mairi. Maropafadzo emutemberi aya anosanganisira kugezeswa nokuzodzwa kwedu kuitira kuti tigova vakachena pamberi paIshe. Anosanganisira musangano wemurairidzo umo matinopuwa endawumenti yezvisungiro nemaropafadzo iyo inotikurudzira kuhunhu hwunoenderana nemisimboti yevhangeri. Anosanganisira zvisungo zvokusunganidzwa izvo kuburikidza nazvo icho chinosunganidzwa panyika chinosunganidzwa kudenga, zvichipa kuendererera mberi kwemhuri.”
Temples and Temple Work, Ensign, February 1982
Mutungamiri Spenccer W. Kimball
“Joseph Smith akapa kuvaapositora vane gumi navaviri makiyi nemvumo uye nesimba izvo iye pachake zvaaiva nazvo uye zvaakanga agamuchira kubva kuna Ishe. Akapa kwavari endawumenti yose, kugezeswa nokuzodzwa kwose, uye akapa kwavari zvisungo zvekusunganidza.”
We Thank Thee, O God, for a Prophet, musangano mukuru waGumiguru 1972
Mutungamiri Boyd K. Packer
“Zvisungo zvokugezeswa nokuzodzwa zvinotaurwa nezvazvo kakawanda mutemberi sezvisungo zvokutanga. Zvinozova zvakakwana kuzvinangwa zvedu kungotaura chete zvinotevera: Izvo zvinoenderana neendawumenti ndezvokugezeswa nokuzodzwa—izvo zvinonyanya kuva zvechiratidzo mumamiriro azvo, asi zvinovimbisa maropafadzo echokwadi uye epakarepo pamwepo nemaropafadzo eramagwana.”
Preparing to Enter the Holy Temple
Gosa James E. Talmage
“Nechokumaodzanyemba kwechidziva chorubhabhatidzo kune mipanda yokupfekera mikuru uye inoshanda zvakanaka iyo inoshandiswa namabhuratha, uye nechokuchamhembe kune mipanda yokupfekera yakodzerawo saizvozvo inoshandiswa nemasisita. Kune mipanda iripowo umo zvimwe zvisungo zvokuzodzwa mazvinoitirwa. Mumaseremoni aya madzimai chete ndiwo anoshandira kumadzimai, uye varume kuvarume.”
The House of the Lord [1976], 83
Gosa Robert D. Hales
“Mutemberi, chirongwa cheruponeso chinotsanangurwa uye zvibvumirano zvinoera zvinoitwa. Zvibvumirano izvi, pamwechete nokupfekwa kwemagamendi anoera emutemberi, zvinosimbisa nokudzivirira munhu agamuchira endawumenti kubva kumasimba emuvengi. Mushure mokugamuchira endawumenti yavo pachavo, vakomana vechidiki kana vasikana vechidiki vanogona kuenda kutemberi uye kuita zvisungo muchinzvimbo chevakafa kuitira kuti maropafadzo ehupirisita awanikwe naavo vakafa vasina mukana wokugamuchira maropafadzo aya munguva yeupenyu hwunofa.”
Blessings of the Priesthood, musungano mukuru waGumiguru 1995
Pfupiso yeEndawumenti
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Temberi zvirokwazvo chaizvo izere nechokwadi. Zvokwadi zvechirongwa chaBaba zvinoiswa pachena kwatiri nerujekeso nesimba. Mashoko echokwadi pamusoro paBaba, Mwanakomana Wavo, uye ukama Hwavo nesu anotaurwa muzvibvumirano nezvisungo zvemutemberi. Temberi imba yezvakazarurwa umo zvokwadi mazvinochenesa mweya yedu uye nokujekesa nzwisiso yedu [ona Dzidziso neZvibvumirano 109:5]. Tinodzidza nezve zivikanwo nechinangwa chedu chokusingaperi uye vimbiso dzinoshamisa dzaIshe. Vimbiso idzodzo ndedzechokwadi, nokuti Mwari vedu ndiMwari vechokwadi uye havakwanisi kunyepa [ona Eta 3:2]. … Kana mabhuratha nemasisita edu akaenda kutemberi achitsvaka simba nenzwisiso, vanozodzidziswa naIshe Pachavo pamusoro pezvokwadi izvo zvakanyanyisa kukosha kwavari munguva dzokuda rubatsiro dzavo.”
Teachings of Russel M. Nelson, 373
Mutungamiri Ezra Taft Benson
“Mitemo yeseresitiyaro, iri mune zvimwe zvisungo zveChechi yaJesu Kristu, inoteererwa kwairi kuburikidza nezvibvumirano zvinotorwa mukuzvidira. Mitemo iyi ndeyepamweya. Nokudaro, Baba vedu vari Kudenga vakagadza dzimwe nzvimbo tsvene, dzinodaidzwa kunzi matemberi, umo mitemo iyi mainotsanangurwa zvakazara. Mitemo yacho inosanganisira mutemo wokuteerera newechibairo, mutemo wevhangeri, mutemo wokuzvibata, uye mutemo werukumikidzo.”
A Vision and a Hope for the Youth of Zion, Brigham Young University devotional, Kubvumbi 12, 1977
Mutungamiri Boyd K. Packer
“Imomo nhengo dzeChechi idzo dzinozviita kuti dzive nekodzero dzinokwanisa kutora chinhanho muzvisungo zvokumusoro-soro uye zvinoera zvikurusa zverununuro izvo zvakaratidzwa kuvanhu. Imomo tinogona kugezeswa nokuzodzwa uye torairidzwa nokupuwa endawumenti uye nokusunganidzwa. Uye apo patinenge tagamuchira maropafadzo aya edu isu pachedu, tinogona kushandira avo vakafa vasina kuwana mukana mumwechetewo.”
Come to the Temple, Ensign, Gumiguru 2007
Gosa Robert D. Hales
ʺZvido zvedu zvokudzokera kuna Baba Vokudenga zvinowedzera apo, pamusoro pokutora sakaremende, patinova vakakodzera kuwana mvumo yomutemberi. … Zvino, savabati vemvumo yemutemberi vakapuwa endawumenti, tinomisa mienzaniso yokurarama saKristu. Izvi zvinosanganisira, kuteerera, kuzvipira kuchengeta mirairo, kudanana, kuva tinozvibata mupfungwa nemuzviito, uye kuzvipira isu pachedu kuvaka umambo hwaMwari. Kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi uye nokutevera mienzaniso yakakosha yerutendeko, tinogamuchira ʽsimba kubva kumusoro’ rokutarisana nezvinetso zveupenyu. Tinoda simba rehumwari iri nhasi kupfuura dzimwe nguva dzose. Isimba ratinogamuchira chete kuburikidza nezvisungo zvemutemberi.”
Coming to Ourselves: The Sacrament, the Temple, and Sacrifice in Service, musangano mukuru waKubvumbi 2012
Gosa James E. Talmage
“Endaumendi yemutemberi, sokupuwa kwainoitwa mumatemberi amazuva ano, inosanganisira rairidzo iri maererano nokukosha uye nenhevedzano dzemikuwo yakapfuura. … Mirairidzo iyi inosanganisira kurondedzerwa kwezviitiko zvakakoshesesa zvenguva yokusikwa, mamiriro avabereki vedu vokutanga muBindu weEdeni, kusateerera kwavo uye mhedzisiro yokudzingwa kubva mukugara kwakanakisisa ikoko, mamiriro avo munyika inosuwisa uye isina kunaka apo pavaiva vatongerwa kurarama kuburikidza nemushando uye neziya, chirongwa chorununuro icho kuburikidza nacho chitadzo chikuru chingangodzikinurwa.”
The House of the Lord [1976], 84
Gosa James E. Talmage
“Zvisungo zveendawumenti zvinosanganisira zvimwe zvisungiro kumunhu, sezvakaita chibvumirano nevimbiso yokucherechedza nemazvo mutemo weururami uye wekuzvibata, kuva nerudo rwakadzama, nerupo, kuva nemwoyo murefu uye wakachena; kupira zvose matarenda neupfumi kukuparadzirwa kwechokwadi uye nokusimudzirwa kwerudzi ]rwevanhu]; kuchengeta kuzvipira kuchinangwa chechokwadi; uye kutsvaka nenzira yose kupa kugadziriro huru kuitira kuti nyika igogadzirirwa kugamuchira Mambo wayo—Ishe Jesu Kristu. Nokutorwa kwechibvumirano choga choga uye nokutambirwa kwechisungiro choga choga ropafadzo rakavimbiswa rinotaurwa, zvichienderana nokucherechedzwa kwakatendeka kwezvidikanwi zvacho.”
The House of the Lord, 100
Mutemo woKuteerera
Mutungamiri Thomas S. Monson
“Mabhuratha nemasisita angu, chiedzo chikuru choupenyu hwuno ndeche kuteerera. ‘Tinozovaedza ipapo,’ vakadaro Ishe, ‘kuti tione kana vachizoita zvinhu zvose zvipi nezvipi zvazvo Ishe Mwari wavo zvavachavaraira.’ Akataura Muponesi, ‘Nokuti avo vose vanoda ropafadzo kubva mumaoko angu vachateerera mutemo uyo wakamisirwa ropafadzo iroro, uye nezvidikanwi zvawo, sokutemwa kwazvakaita kubvira mavambo enyika asati avepo.’ Hakuna muenzaniso wokuteerera uripo wakakura kupfuura uyo weMuponesi wedu. NeZvake, Pauro akacherechedza: ‘Kunyangwe aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika; akati aruramiswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuterera.ʼ”
Obedience Brings Blessings, musangano mukuru waKubvumbi 2013
Mutungamiri Gordon B. Hinckley
“Ndinokupai uchapupu hwangu hwokuti mufaro waVatendi vaMazuva Ekupedzisira, runyararo rwaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, kufambira mberi kwaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, kubudirira kwaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, uye ruponeso rwokusingaperi nokusimudzirwa kwepamusoro-soro kwokusingaperi kwavanhu vano kunowanikwa mukufamba mukuteerera kurairo dzehupirisita hwaMwari.”
If Ye Be Willing and Obedient, mukuru waGumiguru 1971
Mutungamiri James E. Faust
“Kuteerera kunotungamirira kurusununguko rwechokwadi. Apo patinonyanya kuteerera kuchokwadi chakazarurwa, ndipo patinonyanyawo kuva vakasununguka. … Sekupa kwakaita hurongwa upenyu nerunako kunyika apo payaiva murima uye isina chinhu, ndizvowo zvahwunoita kwatiri. Kuteerera kunotibatsira kukudziridza kwaniso yakazara iyo Baba vedu Vokudenga yavanoda kuti tive nayo mukuva vanhu veseresitiyaro vakakodzera kuzorarama pamberi Pavo nerimwe zuva.”
Obedience: The Path to Freedom, musangano mukuru waKubvumbi 1999
Gosa Jeffrey R. Holland
“Kuteerera hakungori chete murairo wokutanga wokudenga. Kuteerera ndiwo murairo wokutanga wezvinhu zvose. Zvinhu zvose zvandinoziva izvo zvakakosha zvinoda kuzvipira kokutanga ikoko kokuteerera shoko uye chido chaIshe. Ndicho chibvumirano chokutanga chatinoita mutemberi.”
Elder Jeffrey R. Holland Visits Philippines, Shares Message on Love, Newsroom.ChurchofJesusChrist.org
Gosa L. Tom Perry
“Chokutanga, tinofanira kuteerera kumirairo yaIshe. Ichi ndicho chimwe chezvidzidzo zvokutanga zvakadzidziswa kuna Adama naEva: kuteerera kunounza rutendo. Kunounza mberi maropafadzo okudenga. Kusateerera kunokonzera marwadzo emwoyo uye kupererwa netariro zvachose. Zvichitevera murairo wokuteerera kunouya chidikanwi chokuzvipira isu pachedu mukushandira vana vaBaba vedu vari Kudenga. Kupira izvo zvatiinazvo kuitira kupundutsa hama dzedu ndiwo muedzo mukurusa wevhangeri. Chimwe chezvinangwa zveupenyu hwunofa hwuno ndechekuona kana tichizotevera rairo yeMuponesi yokuti ‘tangai kutsvaka vushe hwaMwari, nokururama kwavo; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri’ [ona Mateo 6:33].”
Behold, the Lord Hath Shown unto Me Great and Marvelous Things, musangano mukuru waGumiguru 1992.
Gosa Joseph B. Wirthlin
“Tose tinoda kuti mubudirire muupenyu hwuno uye kuti mukodzere kuwana zvipo zvikurusa zvaMwari—upenyu hwokusingaperi muumambo hweseresitiyaro. Kuti mubudirire pazvinangwa zvenyu muupenyu hwunofa hwuno uye muratidze kuti munokodzera maropafadzo okusingaperi, dzidzai kuteerera. Hakuna imwe nzira. Kuteerera kunounza kugwinya kukuru uye simba guru muupenyu hwenyu.”
Live in Obedience, musangano mukuru waKubvumbi 1994
Mutemo weChibairo
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Tichiri kurairwa kupira, asi kwete nokudeura ropa remhuka. Manzwiro edu epamusoro-soro okuzvipira anowanikwa apo patinozviita kuti tinyanye kuva tinoera kana kuva vatsvenesa. Izvi tinozviita nokuteerera kwedu kumirairo yaMwari. Nokudaro, mitemo yokuteerera uye yechibairo yakabatanidzwa zvisingapatsanurwi. Funga pamusoro pemirairo yokuteerera kuShoko reUngwaru, kuchengeta zuva reSabata riri dzvene, kubhadhara chegumi chakatendeka. Apo patinoteerera mirairo iyi uye neimwe, chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika kwatiri. Tinova vanhu vanetsika dzakanaka! Tinova vadzidzi! Tinonyanya kuva vanhu vanoera uye vatsvenesa—saIshe vedu!”
Lessons from Eve, musangano mukuru waGumiguru 1987
Mutungamiri Harold B. Lee
ʺChirongwa chedu chorubatsiro chaiyezvino chinokwanisa chaizvo kuva zviitwa ‘zvokugadzirira’ kuitira kuona kuti chechi ino yakagadzirira zvakadii kurarama chirongwa ichi, kuitira kuti, sokuziva nomufaro mukuru kwakaita vanhu munyika ino, sokunyorwa kwazvaiva zvakaitwa mugwaro dzvene rechinyakare ratinodaidza kuti Bhuku raMormoni, mushure mokunge vose vatendeutsirwa kuna Ishe, ‘kwaiva kusina vapfumi nevarombo, vatapwi nevakasununguka, asi vose vaiva … vawani vechipo chokudenga’ uye ‘zvirokwazvo kwaiva kusingakwanisi kuva nevanhu vaifara kupfuura ava’ napanyika pose (4 Ni. 1:3, 16) kuburikidza nokurarama zvakazara mutemo wechibairo norukumikidzo.”
Dzidzisa Vhangeri reRuponeso, musangano mukuru waGumiguru 1972
Mutungamiri M. Russell Ballard
“Kazhinji, chinhu chokutanga chinofungwa navanhu apo pavanonzwa ‘mutemo waMosesi’ ndeche chibairo chemhuka. Mamiriro anotyisa zvikuru echibairo cheropa akatungamirira vamwe kubvunza kuti, ‘Chiitiko chakadaro chinokwanisa sei kuva nechokuita chipi zvacho nevhangeri rerudo?’ Tinokwanisa kunzwisisa zvirinani mhinduro kumubvunzo iwoyo apo patinonzwisisa zvinangwa zvikurusa zviviri zvemutemo wechibairo. Zvinangwa izvi zvaishanda kuna Adama, Abrahama, Mosesi, uye navaApositora vemuTestamente Itsva, uye zvinoshanda kwatiri nhasi apo patinotambira nokurarama mutemo wechibairo. Zvinangwa zvawo zvikurusa zviviri ndezvokutiedza uye nokuratidza umboo hwedu uye nokutibatsira mukuuya kuna Kristu.”
The Law of Sacrifice, Liahona, Kurume 2002
Gosa L. Tom Perry
“Zvinoshamisa here kuti Ishe, kubvira pokutanga chaipo, vaida kuchengeta chirongwa chavo chakadzikwa zvakasimba mupfungwa dzevana vavo pano panyika? Pakati pemitemo yakapuwa kuna Adama naEva, mutemo wechibairo wakapuwa kuitira kuvayeuchidza nezve chiitiko chikuru icho chaizoitika pakati penguva. … Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi kusvikira Muponesi auya panyika, apo pose hupirisita pahwaivapo, vanhu vaipira zvibairo kuitira kuvayeuchidza nezve nguva apo Mwanakomana weMunhu paaizouya panyika kuzoita chibairo chikurusa kwatiri isu tose.”
Sacrament of the Lord’s Supper, musangano mukuru waKubvumbi 1996
Gosa Neal A. Maxwell
“Chibairo chechokwadi, chemunhu pachake kwaisambova kuisa mhuka paaritari. Panokudaro, chido chokuisa mhuka iri matiri paaritari uye kurega ichiparadzwa! Ichi ndicho ‘chibairo kuna Ishe … chemwoyo wakatyoka uye mweya wokuzvidemba,’ (Dzidziso neZvibvumirano 59:8), chinhu chinodikanwa mukutora muchinjikwa, apo patinenge ‘tichisiya zvivi [zvedu] zvose’ kuitira kuti ‘tizive Mwari’ (Aruma 22:18) nokuti kuzviramba iwe pachako kunotangira kuVatambira kwakazara.”
Deny Yourselves of All Ungodliness, musangano mukuru waKubvumbi 1995
Mutemo weVhangeri
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Senhengo dzoga dzoga dzeChechi, iwe neni tinotora chinhanho ‘munzira yaIshe pachavo.’ Kamwechete pamwedzi, tinotsanya nokunamata uye tinopa mipiro ine rupo kuhomwe dzinoita kuti mabhishopi akwanise kupa rubatsiro. Ichi chikamu chemutemo wevhangeri. Mumwe nomumwe wedu zvirokwazvo anokwanisa kubatsira varombo uye vanoshaya, iyezvino, uye uko kwese kwavari. Uye isuwo, tinozoropafadzwa nokudzivirirwa kubva kurutsauko kuburikidza nokuita izvozvo.”
In the Lord’s Own Way, musangano mukuru waKubvumbi 1986
Mutungamiri Ezra Taft Benson
“Tinoita chibvumirano chokurarama mutemo wevhangeri. Mutemo wevhangeri unosanganisira yose mitemo, misimboti, uye zvisungo zvinodikanwa kuitira kusimudzirwa kwedu kumusoro-soro. Tinobvuma kushandisa rutendo muna Jesu Kristu uye rutendeuko rwemwoyo wose urwo runoitika nokuda kwemwoyo wakatyoka nemweya wokuzvidemba. Apo patinoteerera zvisungo zvorubhabhatidzo nerusimbiso, uye toenderera murutendo nemunamato, simba rekuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi rinofukidza zvivi zvedu uye tinoshanangurwa kubva mukusarurama kwose. … Mutemo wevhangeri unopfuura kungonzwisisa chirongwa cheruponeso. Unosanganisira kutorwa kwezvisungo uye nemasimba ekusunganidza zvinozogumisira mumunhu achisunganidzwa kuupenyu hwokusingaperi. ‘Kuzvarwa patsva,’ akadaro Muporofita Joseph Smith, ‘kunouya nemweya waMwari kuburikidza nezvisungo.’”
Teachings of Ezra Taft Benson, 337
Mutungamiri John Taylor
“Asi zvakava zvakafanira kuti Adama ateerere, acherechedze, uye achengete mutemo wevhangeri, uye zvakavawo zvakafanira kuti zvizvarwa zvake, izvo zvaizova nekusimudzirwa kumusoro-soro kumwecheteko uye namaropafadzo mamwechetewo, zvichengetewo nokucherechedzawo mutemo mumwechetewo.”
The Gospel Kingdom, 279
Mutungamiri Wilford W. Woodruff
“Avo vose vanotambira misimboti yevhangeri raKristu vanozoponeswa nayo. Uyo anoteerera mutemo anozochengetedzwa nawo. Munhu upi zvake anoteerera mutemo wevhangeri anozoponeswa uye nokugamuchira kusimudzirwa kumusoro-soro uye nokubwinya kuburikadza nawo.”
The Discourses of Wilford Woodruff, 22
Gosa Bruce R. McConkie
“Muwongororo yokupedzisira, vhangeri raMwari rakanyorwa, kwete mutsamba dzezvinyorwa zvemagwaro matsvene, asi muupenyu hwaVatendi. Harina kunyorwa nechinyoreso neingi pabepa rakagadzirwa nemunhu, asi nezviito nemabasa mubhuku roupenyu remunhu woga woga anotenda uye anoteerera. Rakavezerwa munyama nemapfupa namarunda eavo vanorarama mutemo weseresitiyaro, uyo unova mutemo wevhangeri. Riripo kuti riverengwe navamwe, pokutanga, naavo, nokuona mabasa akanaka aVatendi, vachadavira kuburikidza nokukudza Baba vedu vari kudenga (ona Mat. 5:16) uye pokupedzisira neMutongi Mukuru uyo kwaari upenyu hwomunhu wose ibhuku rakavhurika.”
Our Gospel Came Not Unto You in Word Only…, musangano mukuru waGumiguru 1968
Mutemo woKuzvibata.
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Nzira yeMuponesi yeupenyu yakanaka. Nzira yake inosanganisira kuzvibata usati wachata uye kutendeka zvakazara chaizvo mukati memuchato. Nzira yaIshe ndiyo chete nzira yokuti isu tiwane mufaro usingaperi. Nzira yavo inounza nyaradzo inoenderera kumweya yedu uye runyararo rusingaperi kudzimba dzedu. Uye chakanakisisa pfuura zvose, nzira Yavo inotitungamirira kumusha kwaVari uye kuna Baba vedu Vokudenga, kuupenyu hwokusingaperi uye kukusimudzirwa kumusoro-soro. Uyu ndiwo musimboti mukurusa webasa nokubwinya kwaMwari.”
Decisions for Eternity, musangano mukuru waGumiguru 2013
Mutungamiri Dallin H. Oaks
“Simba rokusika upenyu hwunofa ndiro simba repamusoro-soro kupfuura ose ayo Mwari avakapa kuvana Vavo. Kushandiswa kwaro kwakarairwa kuburikidza nemurairo wokutanga waMwari kuna Adama naEva (ona Genesi 1:28), asi mimwe mirairo yakakosha yakapuwa yokurambidza kushandiswa kusakarurama kwaro (ona Eksodo 20:14; 1 VaTesaronika 4:3). Kusimbisisa kwatinoisa pamutemo wokuzvibata kunotsanangurwa nenzwisiso yedu yechinangwa chemasimba edu okusika mukuzadzikiswa kwechirongwa chaMwari. Kunze kwesungano dzemuchato pakati pemurume nemukadzi, kushandiswa kumwe kwose kwemasimba edu okusika kunova, pane mumwe mwero, chivi uye kunopikisana nechirongwa chaMwari chekusimudzirwa kumusoro-soro kwavana Vavo.
Other Gods, musangano mukuru waGumiguru 2013
Gosa David A. Bednar
“Ndinovimbisa kuti kuteerera kumutemo wokuzvibata kunozowedzera mufaro wedu muupenyu hwunofa uye kwoita kuti kufambira mberi kwedu mukusingaperi kukwanisike. Kuzvibata nehunhu hwakanaka iyezvino kunova, uye kwakagara kuri, uye kunozogara kuri ‘chinhu chakanakisisa uye chakakoshesesa pamusoro pezvinhu zvose’ (Moronai 9:9).”
We Believe in Being Chaste, musangano mukuru waKubvumbi 2013
Gosa Neil L. Andersen
“Kune vakuru vakawanda muChechi vasina murume kana mukadzi avo pazera vatopfuura makore avo ekutanga ehukuru. Kunyangwe zvazvo upenyu hwavo hwavo hwaiyezvino hwakasiyana nezvavaitarisira, vanochengeta mutemo wokuzvibata. Izvi zvinokwanisa kuva chiedzo cherutendo rwavo. Ndinotaura ruremekedzo neruyemuro rwangu rwakadzama kuvadzidzi ava vaKristu.”
Trial of Youth Faith, musangano mukuru waGumiguru 2012
Mhuri: Chiziviso kuNyika
“Murairo wokutanga uyo Mwari wavakapa kuna Adama naEva waiva maererano nekwaniso yavo yokuva vabereki semurume nemukadzi. Tinozivisa kuti murairo waMwari wokuti vana Vavo vawande uye vazadze nyika unoramba uripo. Tinozivisa zvakare kuti Mwari vakaraira kuti masimba anoera okusika anofanira kushandiswa chete pakati pemurume nemudzimai, vakachata zviri pamutemo semurume nemukadzi. Tinozivisa kuti nzira idzo kuburikidza nadzo upenyu hwunofa dzahwunosikwa nadzo dzakagadzwa nehumwari. Tinosimbisa utsvene hweupenyu uye nezve kukosha kwahwo muchirongwa chokusingaperi chaMwari.
For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki)
“Apo paunenge wakachena pane zvepabonde, unozvigadzirira kuita nokuchengeta zvibvumirano zvinoera mutemberi. Unozvigadzirira kuvaka muchato wakasimba uye kuunza vana munyika sechikamu chemhuri yokusingaperi uye inerudo. Unozvidzivirira kubva mukukuvadza kwezvepamweya uye kwemupfungwa uko kunouya kubva mukusangana pabonde kunze kwemuchato. Unozvidzivirirawo kubva kuzvirwere zvinokuvadza. Kuramba wakachena pane zvepabonde kunokubatsira kuva nechivimbo uye kuva unofara zvechokwadi uye kunonatsurudza kwaniso yako yokuita sarudzo dzakanaka iyezvino uye mune ramangwana. Mwero waIshe maererano nokuva wakachena pane zvapabonde wakajeka uye haushanduki. Usaita ukama hwekusangana pabonde usati wachata, uye iva wakatendeka zvakazara kumurume kana mukadzi wako mushure mokuchata. … Usatora chinhanho muhurukuro kana nhepfenuro ipi zvayo inomutsa manzwiro okuda zvepabonde. Usatora chinhanho murudzi rwupi zvarwo rwezvinonyadzisira.”
Mutemo weRukumikidzo
Mutungamiri Ezra Taft Benson
“Tinoita chibvumirano chokurarama mutemo worukumikidzo. Mutemo uyu ndowokuti tinokumikidza nguva yedu, matarenda edu, simba redu, upfumi hwedu, uye mari yedu kuitira kuvakwa kweumambo hwaMwari panyika pano uye kumiswa kweZioni. Kusvikira munhu ateerera mirairo yokuteerera, chibairo, vhangeri, uye kuzvibata, haakwanisi kuteerera kumutemo worukumikidzo, uyo unova mutemo unoenderana neumambo hweseresitiyaro. “Nokuti kana muchida kuti ndikupei nzvimbo munyika yeseresitiyaro, munofanira kuzvigadzirira kuburikidza nokuita zvinhu zvandakakurairai uye zvandinoda kubva kwamuri (D&C 78:7).”
Teachings of Ezra Taft Benson, 121
Mutungamiri Spenccer W. Kimball
“[T]inokumikidza nguva yedu, matarenda edu uye nezvatinazvo sokukumbirwa kwatinoitwa navatungamiri vedu uye sokukurudzirwa kwatinoitwa nefemero yeMweya. MuChechi, sezvazviriwo muchironga choRubatsiro, tinokwanisa kukudziridza kwaniso yose, chido chakarurama chose, chido chose chokuita chimwe chinhu. Kana uri munhu anozvipira, baba, mudzidzisi wokumba, bhishopi, kana muvakidzani, kana mudzidzisi anoshanyira, amai, amai vemba vasingaendi kubasa, kana shamwari—pane mikana yakawanda yokuita zvose zvatinokwanisa. Uye apo patinopa, tinowana kuti ‘kuzvipira kunounza mberi maropafadzo okudenga!’ (Hymns, no. [27]) Uye pokupedzisira, tinodzidza kuti kwaiva kusiri kuzvipira zvachose.”
Becoming the Pure in Heart, musangano mukuru waKubvumbi 1978
Gosa D. Todd Christofferson
“Upenyu hwedu panyika utariri hwenguva nesarudzo izvo zvakapuwa neMusiki wedu. Shoko rokuti utariri rinounza kupfungwa mutemo waIshe werukumikidzo (ona, somuenzaniso, Dzidziso neZvibvumirano 42:32, 53), uyo uri maererano nezvemari nepfumi asi, kupfuura izvozvo, unova kushandiswa kwemutemo weseresitiyaro muupenyu pano uye iyezvino (ona Dzidziso neZvibvumirano 105:5). Kukumikidza zvinoreva kutsaura kana kupira chimwe chinhu sechinoera, chakamisirwa kuzvinangwa zvitsvene. Kubudirira kwechokwadi muupenyu hwuno kunouya kuburikidza nokukumikidza upenyu hwedu—izvo zvinoreva, nguva yedu nesarudzo dzedu—kuzvinangwa zvaMwari (ona Johane 17:1, 4; Dzidziso neZvibvumirano 19:19). Mukuita kudaro, tinoVabvumira kutisimudzira kumugumo wedu wekumusoro-soro.”
Reflections on a Consecrated Life, musungano mukuru waGumiguru 2010
Gosa Neal A. Maxwell
“Tinowanzofunga nezverukumikidzo chete sekupa, apo patinenge tarairwa muhumwari, pfuma yedu yepanyika. Asi rudzi rwepamusoro-soro rwekutsaura nderwe kuzvipira iwe pachako kuna Mwari. Mwoyo, mweya nepfungwa ndiwo aiva mashoko makurusa aKristu mukutsanangura murairo wokutanga, uyo watinofanira kuteerera nguva dzose, kwete nguva nenguva (ona Mat. 22:37). Kana ukachengetwa nguva dzose, zvino izvo zvatinoita, semhedzisiro, zvinozokumikidzwa kuitira rudekaro rusingaperi rwemweya yedu (ona 2 Ni. 32:9).”
Consecrate thy Performance, musangano mukuru waKubvumbi 2002
Mutungamiri Henry B. Eyring
Baba vedu Vokudenga vanonzwa minamato yevana Vavo napanyika pose… Teterero idzodzo dzakasvika kwaVari kubvira pavakaisa varume nemadzimai panyika.
Nokuda kwokuti Ishe vanonzwa kuchema kwavo uye vanonzwa mutsa wakadzama wenyu kwavari, kubvira kumavambo kwenguva Vakapa nzira dzokuti vadzidzi Vavo vabatsire. Vakakoka vana Vavo kuti vakumikidze nguva yavo, pfuma yavo, uye ivo pachezvavo kuti vabatane Navo mukushandira vamwe. Nzira yavo yokubatsira pane dzimwe nguva inodaidzwa kunzi kurarama mutemo werukumikidzo.”
Opportunities to Do Good, musangano mukuru waKubvumbi 2011
Gosa David A. Bednar
“Rukumikidzo runoenderana nekuzvipira uye runovakirwa pakuzvipira. Shoko rokuti rukumikidzo zvinoreva kukudziridza uye ‘kupira kuchinagwa chinoera.’ Kuzvipira ndeizvo zvatinozopa, zvatinozosiya, zvatinozopira, kana zvatinozoregedza. Rukumikidzo, nekune rumwe rutivi, zvinoreva kukudziridza zvakazara uye kutsaurira kuchinangwa chinoera. … Apo patinorarama mutemo werukumikidzo, tinenge tichida kwete chete kungopa chinhu chipi zvacho uye chose chatinacho kuitira pundutso yevhangeri—asi tinovimbisawo kukudziridza nokupira zvakanakisisa zvedu—nguva yedu, matarenda edu, uye kwaniso yedu inogara ichiwedzera—kukuvakwa kweumambo hwaMwari panyika. Chitsidzo chedu ndechokuti: ndinozozvipa ini pachangu uye zvose zvandinokwanisa kuva, uye ndizoraramira vhangeri raJesu Kristu. Musimboti wokuzvipira mutemo muduku wegadziriro yemusimboti werukumikidzo. Rukumikidzo runosanganisira uye runobatanidzira kuzvipira uye zvimwe zvakanyanya kuwanda. … Rukumikidzo rwechokwadi runokurudzirwa nerudo rwakadzama uye runounza chido chakawedzerwa chokushandira. Mumazuva ekupedzisira ano, zvimwe zvakawanda zvinodikanwa kubva kwatiri sevana vechibvumirano kupfuura mari yedu, upfumi hwedu, uye nguva yedu. Tinofanira kukumikidza kuna Ishe mweya yedu yose.”
Zvakatorwa kubva kunhaurwa yemunamato yakapuwa kuBYU-Idaho, “Your Whole Souls as an Offering Unto Him,” David A. Bednar, Ndira 5, 1999
Kusunganidzwa
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Mabhuratha nemasisita, pfuma yepanyama uye rukudzo rwenyika hazvirambi zviripo. Asi mubatanidzwa wenyu semukadzi, murume, uye semhuri unokwanisa kuvapo zvisina mugumo. Nguva chete yeupenyu hwemhuri iyo inogutsa zvishuvo zvekumusoro-soro zvemweya wemunhu ndeyariinhi nariinhi. Hapana kuzvipira kwakakurisa kuti uve nemarapofadzo emuchato wokusingaperi. Kuti akodzere, munhu anongofanira chete kuzvirambidza iye pachake kusava nehumwari uye okudza zvisungo zvemutemberi. Kuburikidza nokuita uye nokuchengeta zvibvumirano zvinoera zvemutemberi, tinoratidza rudo kuna Mwari, kune mumwe wedu, uye ruremekedzo rwechokwadi kuzvizvarwa zvedu—kunyangwe avo vasati vazvarwa. Mhuri yedu ndiyo nangiso yebasa redu gurusa nemufaro wedu mukurusa muupenyu hwuno; uye zvinozova zvakadaro nokusingaperi kwose, apo patinokwanisa ‘kugara nhaka yezvigaro zvoushe, umambo, umambo hwunotongwa nemachinda, … masimba, utongi, … kusimudzirwa kumusoro-soro uye kubwinya.’ Maropafadzo akakoshesesa aya anokwanisa kuva edu kana tikamisa dzimba dzedu muhurongwa iyezvino uye norutendeko totevera nokuteerera zvakasimba kuvhangeri.”
Set in Order Thy House, musangano mukuru waGumiguru 2001
Mutungamiri Dallin H. Oaks
“Chinangwa cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndeche kubatsira vana vose vaMwari kunzwisisa kwaniso yavo uye kuwana mhedzisiro yepamusoro-soro. Chechi ino iripo kupa vanakomana nevanasikana vaMwari nzira yokupinda nayo muumambo hweseresitiyaro uye kusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hweseresitiyaro. Ino ichechi inokoshesesa mhuri mudzidziso nezviito. Nzwisiso yedu yehunhu nechinangwa zvaMwari Baba Vokusingaperi inotsanangura mhedzisiro yedu uye ukama hwedu mumhuri yavo yokusingaperi. Dzidziso yevhangeri yedu inotanga navabereki vokudenga. Vavariro yedu hurusa ndeyo kuva saivo. Pasi pechirongwa chengoni chaBaba, zvose izvi zvinokwanisika kuburikidza nerudzikinuro rweMumwechete Wakaberekwa waBaba, Ishe neMuponesi wedu, Jesu Kristu. Savabereki vapanyika tinotora chinhanho muchirongwa chevhangeri kuburikidza nokupa miviri yenyama inofa kuvana vemweya vaMwari. Kuzara kweruponeso rwokusingaperi inyaya yemhuri.”
Apostasy and Restoration, musangano mukuru waKubvumbi 1995.
Mutungamiri Henry B. Eyring
“Zvose zvatinoita zvinofanira kuva nemuchato weseresiyaro senangiso nechinangwa chazvo. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuedza nesimba rose kusunganidzwa kune mumwe wedu wokusingaperi mutemberi yaMwari. Tinofanirawo kukurudzira vamwe kuita uye kuchengeta zvibvumirano izvo zvinosunganidza murume nemukadzi pamwechete, nemhuri yavo, muupenyu hwuno uye munyika ichauya.”
Eternal Families, musangano mukuru waKubvumbi 2016
Mutungamiri Boyd K. Packer
“Chinangwa chikurusa chezviitwa zvose muChechi ndechekuona murume nemukadzi wake nevana vavo vachifara kumba, vakadzivirirwa nemisimboti nemitemo yevhangeri, vakasunganidzwa zvinoruchengeteko muzvibvumirano zvehupirisita hwusingaperi.”
And a Little Child Shall Lead them, musangano mukuru waKubvumbi 2012
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf
“Ndinovonga kuti ndiri nhengo yechechi inokoshesa muchato uye mhuri. Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira dzinozivikanwa nepanyika pose nokuda kwokuva nemimwe yemichato yakanakisisa yaunokwanisa kuwana uye nedzimwe dzemhuri dzakanakisisa dzaunokwanisa kuwana. Ndinotenda kuti izvi, muchikamu, zvakadaro nokuda kwechokwadi chakakosha chakadzorerwa naJoseph Smith chokuti michato nemhuri zvakaitirwa kuti zvive zvokusingaperi. Mhuri hadzisi dzakangoitirwa kuti zvinhu zvifambe zvakatsetseka pano pasi uye kuti dzigokandirwa kure apo patinosvika kudenga. Panokudaro, ndidzo hurongwa hwekudenga. Ndidzo chiratidzo chemutoo weseresitiyaro uye ndidzo tevedzero yemhuri yokusingaperi yaMwari.”
In Praise of Those Who Save, musangano mukuru waKubvumbi 2016
ʺMhuri: Chiziviso kuNyika”
ʺChirongwa chehumwari chemufaro chinoita kuti ukama hwemhuri hwukwanise kuramba hwuripo nekuseri kweguva. Zvisungo nezvibvumiro zvinoera izvo zvinowanikwa mumatemberi matsvene zvinoita kuti vanhu vakwanise kudzokera pamberi paMwari uye kuti mhuri dzibatanidzwe nokusingaperi.”
Maropafadzo eKunamata Mutemberi
Mutungamiri Russell M. Nelson
“Munhu wose anouya pasi pano chibereko chezvizvarwa zvevabereki. Tine chishuvo chemusikirwo chokubatana namadzitetegure edu. Chido ichi chinogara mumwoyo yedu, zvisinei nezera redu. Funga pamusoro perubatano rwezvepamweya urwo rwunoumbwa apo musikana wechidiki paanobatsira mbuya vake kuisa ruzivo rwemhuri mukombuyuta kana apo mukomana wechidiki paanoona zita rasekuru vababa vake pachinyorwa chekuverengwa kwevagari vemunyika. Apo mwoyo yedu painotendeukira kumadziteteguru edu, chimwe chinhu chinoshanduka mukati medu. Tinonzwa kuva chikamu chechimwe chinhu chikurusa kupfuura isu pachedu. Zvishuvo zvedu zvatakazvarwa nazvo zverubatano nemhuri zvinozadzikiswa apo patinobatanidzwa kumadziteteguru edu kuburikidza nezvisungo zvinoera zvemutemberi.”
Generations Linked in Love, musangano mukuru waKubvumbi 2010
Mutungamiri Thomas S. Monson
“Sei vakawanda kudaro vachida kupa zvakawanda zvikuru kuitira kugamuchira maropafadzo etemberi? Avo vanonzwisisa maropafadzo ekusingaperi ayo anouya kubva kutemberi vanoziva kuti hapana kuzvipira kwakakurisa, hapana mutengo unoremesa, hapana kunetseka kwakaomesa kuitira kugamuchira maropafadzo iwayo. Hakumbofa kwakava nemamaira akawandisa okufamba, zvimhingamupinyi zvakawandisa zvokukunda, kana kusagadzikana kwakakurisa kwokushingirira pakuri. Vanonzwisisa kuti zvisungo zvinoponesa zvinogamuchirwa mutemberi izvo zvinotibvumira kuti nerimwe zuva tidzokere kuna Baba vedu Vokudenga muhukama hwemhuri yokusingaperi uye kuti tipuwe maropafadzo nesimba rinobva kumusoro zvakakodzera kuzvipira kwose uye nokuedza kwose,”
The Holy Temple—a Beacon to the World, musangano mukuru waKubvumbi 2011
Mutungamiri Gordon B. Hinckley
“Ndinotenda kuti hakuna nhengo yeChechi yakagamuchira zvikurusa izvo Chechi ino zvainopa kusvikira iye agamuchira maropafadzo ake muimba yaIshe.”
Some Thoughts on Temples, Retention of Converts, and Missionary Service, musungano mukuru waGumiguru 1997
Mutungamiri Howard W. Hunter
“Mumweya iwoyo ndinokoka Vatendi vaMazuva Ekupedzisira kutarisa kutemberi yaIshe sechiratidzo chikuru cheunhengo hwenyu. Chido chakadzamisa chemwoyo wangu ndechokuva nenhengo yose yeChechi yakakodzera kupinda mutemberi. Zvinozofadza Ishe kana nhengo yose yechikuru ikazova yakakodzera—uye inotakura—mvumo yemutemberi yaiyezvino. Zvinhu izvo zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita kuitira kuti tive takakodzera mvumo yemutemberi ndizvo zvinhu chaizvo zvinoita chokwadi chokuti tinozofara sevanhu pachavo uye semhuri. Ngativei vanhu vanoenda kutemberi. Enda kutemberi kakawanda sokubvumira kunoita mamiriro ezvinhu ako. Chengeta mufananidzo wetemberi mumba menyu kuitira kuti vana vako vagouona. Vadzidzise pamusoro pezvinangwa zveimba yaIshe. Ita kuti varonge kubvira vachiri vadiki kuenda ikoko uye kuramba vakakodzera ropafadzo iroro.”
Exceeding Great and Precious Promises, musangano mukuru waGumiguru 1994
Gosa David A. Bednar
“Mweya waEria unoshandura vanhu vari nhengo dzeChechi uye vasiri nhengo dzeChechi. Zvisinei, senhengo dzeChechi yakadzorerwa yaKristu, tine basa rechibvumirano rokutsvaga madziteteguru edu uye nokuvapa zvisungo zvinoponesa zvevhangeri. “Ivo vasina isu havazoruramiswa.” (VaHeberu 11:40; onawo Teachings: Joseph Smith, 475). Uye “kana isu hatikwanisi kururamiswa tisina vakafa vedu.” (Dzidziso neZvibvumira 128:15). Nezvikonzero izvi tinoita tsvagurudzo yenhoroondo yemhuri, tinovaka matemberi, uye tinoita zvisungo takamiririra vakafa. Nezvikonzero izvi Eria akatumwa kuzodzorera mvumo yokusunganidza iyo inobatanidza pasi uye nokudenga. Isu tiri vamiririri vaIshe mubasa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro iro rinozodzivirira ‘pasi rose [kubva] mukurohwa nechituko’ (Dzidziso neZvibvumirano 110:15) apo paAnodzoka zvakare. Iri ibasa redu uye ropafadzo huru yedu.”
The Hearts of the Children Shall Turn, musangano mukuru waGumiguru 2011
Gosa Quentin L. Cook
“Dzidziso yemhuri maererano nenhoroondo yemhuri nebasa remutemberi yakajeka. Ishe mumirairidzo yokutanga yakazarurwa vakataura pamusoro ‘perubhabhatidzo rwokuitira vakafa vako.’ Sungiro yedu yedzidziso ndeye kumadziteteguru edu pachedu. Izvi zvakadaro nokuda kwokuti hurongwa hweseresitiyaro hwokudenga hwakamisirwa pamhuri. Vatungamiri Vokutanga vakakurudzira nhengo, kunyanya vechidiki uye vakuru vechidiki vasati vachata, kusimbisisa basa renhoroondo yemhuri uye zvisungo zvemazita emhuri dzavo pachavo kana mazita emadziteteguru enhengo dzemuwadhi uye dzemuhoko yavo. Tinofanira kubatanidzwa kuzvose madziteteguru edu nezvizvarwa zvedu. Pfungwa yokuva takabatanidzwa munyika yokusingaperi chokwadi yakanakisisa.”
Roots and Branches, musangano mukuru waKubvumbi 2014
Mutungamiri Boyd K. Packer
“Zvisinei nokuti uri wougari hwupi kana worudzi rwupi, kana kuti uri munhurume kana munhukadzi, zvisinei nokuti basa rako nderei, zvisinei nokudzidza kwako, zvisinei nemuchizvarwa umo munhu maanorarama, kwatiri tose upenyu rwendo rwokuenda kumusha, kudzokera pamberi paMwari muumambo hweseresitiyaro. Zvisungo nezvibvumirano ndizvo zvinova zvikwaniriso zvedu zvokubvumirwa kupinda pamberi Pavo. Kuzvigamuchira zvakakodzera ndiyo vavariro yeupenyu hwose; kuzozvichengeta mushure maizvozvo ndiro dambudziko remuupenyu hwunofa. Apo patinenge tazvigamuchira isu pachedu uye tazvigamuchirira mhuri dzedu, tinosungirwa kuita zvisungo izvi muchinzvimbo chehama dzedu dzakafa, zvirokwazvo muchinzvimbo chemhuri yose yavanhu.”
Covenants, Ensign, Chivabvu 1987